Mateo 10:34-37
Mateo 10:34-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo. Ndakauya kuti: “ ‘mwanakomana apesane nababa vake, mwanasikana apesane namai vake, muroora apesane navamwene vake, vavengi vomunhu vachava hama dzake dzomumba.’ “Ani naani anoda baba vake kana mai vake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu; uye ani naani anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu.
Mateo 10:34-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Musafunga kuti ndakauya kuisa rugare panyika; handina kuuya kuisa rugare, asi kurwa. Nokuti ndakauya kupesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake, nomukadzi womwana navamwene vake; navavengi vomunhu vachava veimba yake. “Anoda baba kana mai kupfuureni, haana kufanireni; nowanoda mwanakomana nomwanasikana kupfuureni, haana kufanireni.
Mateo 10:34-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Regai kufunga kuti ndakauya kuzounza rugare panyika. Handina kuuya kuzounza rugare asi hondo yebakatwa nokuti ndakauya kuzorwisanisa baba nomwanakomana vake, mwanasikana achapesanawo naamai vake, muroorawo achapesana navamwene vake. Mhandu dzomunhu dzichava dzomumba make. “Munhu anoda baba namai kupinda ini haakodzeri kuva wangu. Uyo anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupinda ini haakodzeri kuva wangu.
Mateo 10:34-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Musafuŋga kuti ndakaʋuya kuisa rugare panyika; handina‐kuʋuya kuisa rugare, asi kurwa. Nokuti ndakaʋuya kupesanisa munhu naɓaɓa ʋake, nomŋanasikana namai ʋake, nomukadzi womŋana naʋamŋene ʋake; naʋaʋeŋgi ʋomunhu ʋacaʋa ʋeimba yake. Unoɗa ɓaɓa kana mai kupfuʋureni, haana‐kufanireni; nounoɗa mŋanakomana nomŋanasikana kupfuʋureni, haana‐kufanireni.
Mateo 10:34-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)