Mateo 10:24-31
Mateo 10:24-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mudzidzi haasi mukuru kumudzidzisi wake, kana muranda kuna ishe wake. Zvakakwana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake nomurandawo sashe wake. Zvino kana mukuru weimba akanzi ndiBheerizebhubhi, vachadaro zvikuru sei kune veimba yake! “Naizvozvo musavatya. Hapana chakavanzika chisingazobudiswi pachena kana chakavigwa chisingazozivikanwi. Zvandinokuudzai murima muzvitaure muchiedza; zvinozevezerwa munzeve dzenyu, muzviparidze muri pamusoro pedzimba. Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena. Ko, shiri duku mbiri hadzitengeswi nesendi here? Kunyange zvakadaro hapana imwe chete yadzo inowira pasi kunze kwokunge Baba venyu vazvibvumira. Uye kunyange nebvudzi riri mumusoro yenyu rakaverengwa. Naizvozvo musatya nokuti munokosha kupfuura shiri duku zhinji.
Mateo 10:24-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mudzidzi haasi mukuru pane mudzidzisi wake nomurandawo haasi mukuru pana tenzi wake. Zvinenge zvatoita zvazvo, kana mudzidzi akava somudzidzisi wake, kana kuti murandawo akaita satenzi wake. Kana vakatumidza saimba kuti Bheerizabhuri ko vanganyomba zvakadii avo vemhuri yake? “Naizvozvo musavatye. Hapana chakafukidzwa chisingazoburitswa pachena kana chakavandika chisingazozivikanwa. “Zvandinokutaurirai murima zvitaurei masikati machena, zvamunonzwa nakazevezeve zviparidzei muri pamusoro pemba. Musatye avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya asi ityai uyo anogona kuuraya mweya nomuviri mugomba romoto. Tushiri tudiki tuviri hatutengeswi nesendi here? Asi hapana kamwe katwo kanowira pasi, kusiri kuda kwaBaba venyu. Kana murimi zvenyu, kunyange vhudzi romusoro wenyu rose rakaverengwa. Saka musatye; munotokosha kupinda tushiri tuzhinji.
Mateo 10:24-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Mudzidzi haakundi mudzidzisi wake, kana muranda ishe wake. Zvakaringanira mudzidzi kuti ave somudzidzisi wake, nomuranda ave sashe wake. Zvavakaidza mwene weimba Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake! “Naizvozvo musavatya; nokuti hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazozaruwi; kana chakavanzika, chisingazobudi pachena. Zvandinokuudzai murima, taurai pachena; zvamunonzwa munzeve, paridzirai pamusoro pedzimba. Musatya vanouraya muviri, asi vasingagoni kuuraya mweya; zvikuru mutye uyo anogona kuuraya mweya nomuviri zvose muGehena. Ko shiri duku mbiri hadzitengeswi nehafu yepeni here? Asi imwe yazvo haingawiri pasi kunze kwababa venyu. Kana murimi, nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya; munopfuura shiri zhinji.
Mateo 10:24-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mudzidzi haasi mukuru pane mudzidzisi wake nomurandawo haasi mukuru pana tenzi wake. Zvinenge zvatoita zvazvo, kana mudzidzi akava somudzidzisi wake, kana kuti murandawo akaita satenzi wake. Kana vakatumidza saimba kuti Bheerizabhuri ko vanganyomba zvakadii avo vemhuri yake? “Naizvozvo musavatye. Hapana chakafukidzwa chisingazoburitswa pachena kana chakavandika chisingazozivikanwa. “Zvandinokutaurirai murima zvitaurei masikati machena, zvamunonzwa nakazevezeve zviparidzei muri pamusoro pemba. Musatye avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya asi ityai uyo anogona kuuraya mweya nomuviri mugomba romoto. Tushiri tudiki tuviri hatutengeswi nesendi here? Asi hapana kamwe katwo kanowira pasi, kusiri kuda kwaBaba venyu. Kana murimi zvenyu, kunyange vhudzi romusoro wenyu rose rakaverengwa. Saka musatye; munotokosha kupinda tushiri tuzhinji.
Mateo 10:24-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mudzidzi haakundi mudzidzisi wake, kana muranda ishe wake. Ɀakariŋganira mudzidzi kuti aʋe somudzidzisi wake, nomuranda aʋe sashe wake. Ɀaʋakaidza mŋene weimba Beerzeburi, ʋacaɗaro ɀikuru sei ʋeimba yake! Naiɀoɀo musaʋatya; nokuti hakunecinhu cakafukidzwa, cisiŋgazozarurwi; kana cakaʋanzika, cisiŋgazozikanwi. Ɀandinokuʋudzai murima, taurai pacena; ɀamunonzwa munzeʋe, paridzirai pamsoro pedzimba. Musatya ʋanoʋuraya muʋiri, asi ʋasiŋgagoni kuʋuraya mŋeya; ɀikuru mutye uyo unogona kuʋuraya mŋeya nomuʋiri ɀose muGehena. Ko shiri ɗuku mbiri hadziteŋgeswi nehafu yepeni here? Asi imŋe yaɀo haiŋgawiri pasi kunze kwaƂaɓa ʋenyu. Kana muri’mi, nevudzi romusoro wenyu rakaʋereŋgwa rose. Naiɀoɀo musatya; munopfuʋura shiri zhinji.