Mateo 10:2-4
Mateo 10:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino aya ndiwo mazita avapostori gumi navaviri: wokutanga ndiSimoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea; Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani; Firipi naBhatoromeo; Tomasi naMateo muteresi; Jakobho mwanakomana waArifeasi naTadheo; Simoni muZiroti naJudhasi Iskarioti uyo akazomupandukira.
Mateo 10:2-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazita avapostori vane gumi navaviri ndiwaya: Wokutanga Simoni, ainzi Petirosi, naAndireya, munun'una wake; Jakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake; Firipi naBhatoromeo; Tomasi naMateu, muteresi; Jakobho, mwanakomana waArifeo, naTadheo; Simoni muKanani, naJudhasi Isikarioti, uya wakamupandukira.
Mateo 10:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mazita avapositori gumi navaviri ndaaya: wokutanga ndiSimoni anonzi Pita nomunun'una wake Andireya, kouya Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake. Kozouya Firipi naBhatoromeo kwoti Tomasi naMateu, muteresi, kwozoti Jemusi mwanakomana waArifeosi naTadheo. Kwozotiwo Simoni muKenani naJudhasi Isikarioti uya akazomupandukira.
Mateo 10:2-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazita aʋaapostora ʋanegumi naʋaʋiri ndiwawa: Wokutaŋga Simoni, wainzi Petro, naAndrea, munuŋuna wake; Jakobo, mŋanakomana waZebedi, naJohane, munuŋuna wake; Firipo naBartoromeo; Tomasi naMateo, muteresi; Jakobo, mŋanakomana waArfeo, naTadeo; Simoni muKanani, naJudasi Iskarioti, uya wakamupandukira.
Mateo 10:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)