Mateo 1:16-18
Mateo 1:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jakobho baba vaJosefa, uyo aiva murume waMaria, uyo akabereka Jesu, anonzi Kristu. Nokudaro kwaiva nezvizvarwa gumi nezvina pamwe chete kubvira pana Abhurahama kusvika pana Dhavhidhi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pana Dhavhidhi kusvika pakutapwa kwavo vachiendwa navo kuBhabhironi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pakudzoka kwavo kuutapwa kusvika panguva yaKristu. Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu: Maria, mai vake vainge vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, asi vasati vagara vose, achiri mhandara, akaonekwa ava napamuviri nokuda kwaMweya Mutsvene.
Mateo 1:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jakobho akabereka Josefa, murume waMaria, iye akabereka Jesu, anonzi Kristu. Naizvozvo zvizvarwa zvose kubva kuna Abhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi zvaiva zvizvarwa gumi nezvina; kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapwa Bhabhironi zvizvarwa zvine gumi nezvina; kubva pakutapwa Bhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu zvizvarwa zvine gumi nezvina. Kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kudai: Maria, mai vake, akati akaroorwa naJosefa, vasati vasangana, akaonekwa ava napamuviri naMweya Mutsvene.
Mateo 1:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jakobho akabereka Josefi murume waMaria, Maria ndiye akazobereka Jesu anonzi Kristu. Nezvo zvizvarwa zvose kubvira pana Abhurahamu kusvikira pana Dhavhidhi pane zvizvarwa gumi nezvina. Kubvirawo pana Dhavhidhi kusvikira pautapwa hokuBhabhironi pane zvizvarwa gumi nezvina. Kubvirawo pahutapwa huya hokuBhabhironi kusvika kuna iye Kristu pane zvizvarwa gumi nezvina. Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu. Amai vake Maria vakanga vachangoroorwa naJosefi. Vasati vagara vose Maria akaonekwa ava napamuviri nesimba raMweya Mutsvene.
Mateo 1:16-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jakobo akaɓereka Josefa, murume waMaria, iye akaɓereka Jesu, unonzi Kristu. Naiɀoɀo marudzi ose kubva kunaAbrahama kuȿikira kunaDavidi aiʋa marudzi anegumi namanna; kubva kunaDavidi kuȿikira pakutapxa Babironi marudzi anegumi namanna; kubva pakutapxa Babironi kuȿikira kunaJesu Kristu marudzi anegumi namanna. Kuɓerekwa kwaJesu Kristu kwaiʋa kuɗai: Maria, mai ʋake, wakati anyeŋgwa naJosefa, ʋasati ʋasoŋgana, wakaʋonekwa aʋa nemimba noMŋeya Mutȿene.
Mateo 1:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)