Mateo 1:1-4
Mateo 1:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iyi ndiyo nhoroondo yamadzitateguru aJesu Kristu mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama: Abhurahama aiva baba vaIsaka, Isaka baba vaJakobho, Jakobho baba vaJudha namadzikoma ake, navanunʼuna vake, Judha baba vaPerezi naZera, mai vavo vaiva Tamari, Perezi baba vaHezironi, Hezironi baba vaRamu, Ramu baba vaAminadhabhu, Aminadhabhu baba vaNashoni, Nashoni baba vaSarimoni
Mateo 1:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazita amadzitateguru aJesu Kristu, mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu: Abhurahamu akabereka Isaka; Isaka akabereka Jakobho; Jakobho akabereka Judha navanun'una vake; Judha akabereka Faresi naZara nomukadzi wake Tamari; Faresi akabereka Esiromi; Esiromi akabereka Arami; Arami akabereka Aminadhabhu; Aminadhabhu akabereka Nasoni; Nasoni akabereka Saremoni
Mateo 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uyu ndiwo mudungwe wamazita amadzitateguru aJesu Kristu Mwanakomana waDhavhidhi mwanakomana waAbhurahamu. Abhurahamu akabereka Isaki; Isaki akaberekawo Jakobho; Jakobho ndokuberekawo Judha; navanun'una vake. Judha akabereka Faresi naZera; akavabereka naTamari. Faresi akabereka Esiromu; Esiromu akaberekawo Aramu Aramu akabereka Aminadhabhu; Aminadhabhu akaberekawo Naashoni; Naashoni ndokuberekawo Sarimoni.
Mateo 1:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazita amadziteteguru aJesu Kristu, mŋanakomana waDavidi, mŋanakomana waAbrahama: Abrahama wakaɓereka Isaka; Isaka akaɓereka Jakobo; Jakobo akaɓereka Juda naʋanuŋuna ʋake; Juda akaɓereka Faresi naZara kumukadzi wake Tamari; Faresi akaɓereka Esromi; Esromi akaɓereka Arami; Arami akaɓereka Aminadabi; Aminadabi akaɓereka Nasoni; Nasoni akaɓereka Saremoni
Mateo 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)