Mateo 1:1-16
Mateo 1:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iyi ndiyo nhoroondo yamadzitateguru aJesu Kristu mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama: Abhurahama aiva baba vaIsaka, Isaka baba vaJakobho, Jakobho baba vaJudha namadzikoma ake, navanunʼuna vake, Judha baba vaPerezi naZera, mai vavo vaiva Tamari, Perezi baba vaHezironi, Hezironi baba vaRamu, Ramu baba vaAminadhabhu, Aminadhabhu baba vaNashoni, Nashoni baba vaSarimoni, Sarimoni baba vaBhoazi, mai vake vari Rahabhi, Bhoazi baba vaObhedhi, mai vake vari Rute, Obhedhi baba vaJese, naJese baba vamambo Dhavhidhi. Dhavhidhi aiva baba vaSoromoni, mai vake ndivo vaimbova mukadzi waUria, Soromoni baba vaRehobhoamu, Rehobhoamu baba vaAbhija, Abhija baba vaAsa, Asa baba vaJehoshafati, Jehoshafati baba vaJoramu, Joramu baba vaUzia, Uzia baba vaJotamu, Jotamu baba vaAhazi, Ahazi baba vaHezekia. Hezekia baba vaManase, Manase baba vaAmoni, Amoni baba vaJosia, naJosia baba vaJekonia navanunʼuna vake panguva yavaiva kuutapwa muBhabhironi. Vabva kuutapwa kuBhabhironi: Jekonia aiva baba vaShearitieri, Shearitieri baba vaZerubhabheri, Zerubhabheri baba vaAbhiudhi, Abhiudhi baba vaEriakimu, Eriakimu baba vaAzori. Azori baba vaZadhoki, Zadhoki baba vaAkimu, Akimu baba vaEriudhi, Eriudhi baba vaEreazari, Ereazari baba vaMatani, Matani baba vaJakobho. Jakobho baba vaJosefa, uyo aiva murume waMaria, uyo akabereka Jesu, anonzi Kristu.
Mateo 1:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazita amadzitateguru aJesu Kristu, mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu: Abhurahamu akabereka Isaka; Isaka akabereka Jakobho; Jakobho akabereka Judha navanun'una vake; Judha akabereka Faresi naZara nomukadzi wake Tamari; Faresi akabereka Esiromi; Esiromi akabereka Arami; Arami akabereka Aminadhabhu; Aminadhabhu akabereka Nasoni; Nasoni akabereka Saremoni; Saremoni akabereka Bhoazi kumukadzi wake Rahabhi; Bhoazi akabereka Obhedhi nomukadzi wake Rute; Obhedhi akabereka Jesi; Jesi akabereka mambo Dhavhidhi. Dhavhidhi akabereka Soromoni nomukadzi waUriya; Soromoni akabereka Robhoami; Robhoami akabereka Abhia; Abhia akabereka Asafa; Asafa akabereka Josafati; Josafati akabereka Joramu; Joramu akabereka Ozia; Ozia akabereka Jotamu; Jotamu akabereka Ahazi; Ahazi akabereka Ezekia; Ezekia akabereka Manase; Manase akabereka Amoni; Amoni akabereka Josia; Josia akabereka Jekonia navanun'una vake nenguva yokutapwa kwavo Bhabhironi. Shure kwokutapwa kwavo Bhabhironi Jekonia akabereka Saratieri; Saratieri akabereka Zerubhabheri; Zerubhabheri akabereka Abhiudhi; Abhiudhi akabereka Eriakimi; Eriakimi akabereka Azori; Azori akabereka Sadhoki; Sadhoki akabereka Akimi; Akimi akabereka Eriudhi; Eriudhi akabereka Ereazari; Ereazari akabereka Matani; Matani akabereka Jakobho; Jakobho akabereka Josefa, murume waMaria, iye akabereka Jesu, anonzi Kristu.
Mateo 1:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uyu ndiwo mudungwe wamazita amadzitateguru aJesu Kristu Mwanakomana waDhavhidhi mwanakomana waAbhurahamu. Abhurahamu akabereka Isaki; Isaki akaberekawo Jakobho; Jakobho ndokuberekawo Judha; navanun'una vake. Judha akabereka Faresi naZera; akavabereka naTamari. Faresi akabereka Esiromu; Esiromu akaberekawo Aramu Aramu akabereka Aminadhabhu; Aminadhabhu akaberekawo Naashoni; Naashoni ndokuberekawo Sarimoni. Sarimoni ndokuzoberekawo Bhoazi, akamubereka naRahabhu Bhoazi akabereka Obedhi akamuberekawo naRute. Obedhi akazoberekawo Jese Jese akabereka mambo Dhavhidhi Dhavhidhi akabereka Soromoni nomukadzi waUria. Soromoni akabereka Rehobhoamu, Rehobhoamu akaberekawo Abhiya. Abhiya ndokubereka Asafu. Asafu akabereka Jehoshafati; Jehoshafati akaberekawo Joramu; Joramu ndokubereka Uziya; Uziya akabereka Jotamu. Jotamu akabereka Ahazi Ahazi akazoberekawo Hezekia Hezekia akabereka Manase. Manasewo akabereka Amosi. Amosi ndokubereka Josia Josia akabereka Jokonia navakoma navanun'una vake panguva yavakatapwa kuenda kuBhabhironi. Mushure mehutapwa ihwohwo kuBhabhironi, Jokonia akabereka Sheatieri Sheatieri akabereka Zerubhabheri. Zerubhabheri akabereka Abhihudhi; Abhihudhi akaberekawo Eriyakimu; Eriyakimu ndokubereka Azori. Azori akabereka Zadhoki; Zadhokiwo akabereka Akimu; Akimu akaberekawo Erihudhi. Erihudhi akabereka Eriazari Eriazari akaberekawo Matani Matani akabereka Jakobho. Jakobho akabereka Josefi murume waMaria, Maria ndiye akazobereka Jesu anonzi Kristu.
Mateo 1:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazita amadziteteguru aJesu Kristu, mŋanakomana waDavidi, mŋanakomana waAbrahama: Abrahama wakaɓereka Isaka; Isaka akaɓereka Jakobo; Jakobo akaɓereka Juda naʋanuŋuna ʋake; Juda akaɓereka Faresi naZara kumukadzi wake Tamari; Faresi akaɓereka Esromi; Esromi akaɓereka Arami; Arami akaɓereka Aminadabi; Aminadabi akaɓereka Nasoni; Nasoni akaɓereka Saremoni; Saremoni akaɓereka Boasi kumukadzi wake Rahabi; Boasi akaɓereka Obedi kumukadzi wake Rute; Obedi akaɓereka Jesi; Jesi akaɓereka mambo Davidi. Davidi akaɓereka Soromoni kumukadzi waUria; Soromoni akaɓereka Roboami; Roboami akaɓereka Abia; Abia akaɓereka Asafa; Asafa akaɓereka Josafati; Josafati akaɓereka Joramu; Joramu akaɓereka Ozia; Ozia akaɓereka Jotamu; Jotamu akaɓereka Ahazi; Ahazi akaɓereka Ezekia; Ezekia akaɓereka Manase; Manase akaɓereka Amoni; Amoni akaɓereka Josia; Josia akaɓereka Jekonia naʋanuŋuna ʋake neŋguʋa yokutapxa kwaʋo Babironi. Shure kwokutapxa kwaʋo Babironi Jekonia akaɓereka Saratieri; Saratieri akaɓereka Zorobaberi; Zorobaberi akaɓereka Abiudi; Abiudi akaɓereka Eriakimi; Eriakimi akaɓereka Azori; Azori akaɓereka Sadoki; Sadoki akaɓereka Akimi; Akimi akaɓereka Eriudi; Eriudi akaɓereka Ereazari; Ereazari akaɓereka Matani; Matani akaɓereka Jakobo; Jakobo akaɓereka Josefa, murume waMaria, iye akaɓereka Jesu, unonzi Kristu.
Mateo 1:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)