Maraki 4:1-6
Maraki 4:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Zvirokwazvo zuva rinouya; richapisa sechoto. Vose vanozvikudza navaiti vezvakaipa vachava mashanga, uye zuva iro rinouya richavapisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Hapana mudzi kana davi zvichasara. Asi kunemi munotya zita rangu, zuva rokururama richabuda rino kuporesa mumapapiro aro. Uye muchabuda muchisvetuka semhuru dzabudiswa muchirugu. Ipapo muchatsikira pasi vakaipa; vachava madota pasi petsoka dzenyu pazuva iro pandichaita zvinhu izvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Rangarirai murayiro womuranda wangu Mozisi, mitemo nemirayiro yandakamupa paHorebhi kuti ipiwe vaIsraeri vose. “Tarirai, ndichakutumirai muprofita Eria, zuva iro guru raJehovha, uye rinotyisa risati rasvika. Iye achadzosera mwoyo yamadzibaba kuvana vavo, nemwoyo yavana kumadzibaba avo; kana kuti ndichauya ndigorova nyika nechituko.”
Maraki 4:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nokuti tarirai, zuva rinouya; rinopisa sechoto; ipapo vose vanozvikudza, navose vanoita zvakaipa, vachava samashanga; zuva rinouya, richavapisa, rikasavasiyira mudzi kana davi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Asi imi, munotya zita rangu, muchabudirwa nezuva rokururama, rinokuporesa pasi pamapapiro aro; muchabuda muchitamba semhuru dzomuchirugu. Muchatsikira vakaipa pasi; nokuti vachava madota pasi petsoka dzenyu, nezuva randichaita izvozvi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. “Rangarirai murayiro waMosesi muranda wangu, wandakamuraira paHorebhi, wavaIsiraeri, vose, izvo zvandakatema nezvandakaraira. “Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eria, zuva iro guru raJehovha, rinotyisa, risati rasvika. Iye achadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kuna madzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.”
Maraki 4:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Chinzwai, hero zuva rinouya, “Zuva rinopisa sechoto. Ipapo vanhu vanozvikudza navaiti vezvakaipa vachava zvidzitsi zvazvo zvemashanga. Zuva iroro richauya racho richavaroromesa zvokuti harivasiyire mudzi kana bazi zvaro. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Asi imi munotya zita rangu muchabudirwa nezuva roururami, zuva rine kuporesa mumapapiro maro. Muchaita chomurambamhuru semhuru dzinobuda muchirugu. Izvozvo muchatsokodzera pasi vakaipa nokuti vachava madota zvawo pasi petsoka dzenyu pazuva racho randichaita zvandichaita. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. “Rangarirai mutemo womuranda wangu Mosesi murao uya nezvirevo zvandakamutemera kuHorebhu zvinosunga Isiraeri yose zvirevo nemirawo. “Chinzwai, ndichakutumirai muporofita Eriya, zuva guru raTenzi rinotyisa iroro risati rasvika. Iye achapindutsa mwoyo yamadzibaba kuti vanzwanane navana vavo uyewo kupindutsa mwoyo yavana kuitira kuti vanzwanane namadzibaba avo; nokuti ndingadaro ndikauya ndikapinza nyika murushambwa.”
Maraki 4:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti tarirai, zuʋa rinoʋuya; rinopisa secoto; ipapo ʋose ʋanoɀikudza, naʋose ʋanoita ɀakaipa, ʋacaʋa samashaŋga; zuʋa, rinoʋuya, ricaʋapisa, rikasaʋasiyira mudzi kana ɗaʋi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Asi imi, munotya zita raŋgu, mucaɓuɗirwa nezuʋa rokururama, rinokuporesa pasi pamapapiro aro; mucaɓuɗa mucitamba semhuru dzomucirugu. Mucatsikira ʋakaipa pasi; nokuti ʋacaʋa maɗota pasi petsoka dzenyu, nezuʋa randicaita iɀoɀi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Raŋgarirai murairo waMosesi muranda waŋgu, wandakamuraira paHorebi, waʋaIsraeri ʋose, iɀo ɀandakatema neɀandakaraira. Tarirai, ndicakutumirai muprofita Eria, zuʋa iro guru raJehova, rinotyisa, risati raȿika. Iye ucadzorera mŋoyo yamadziɓaɓa kuʋana, nemŋoyo yaʋana kunamadziɓaɓa aʋo, kuti ndirege kuʋuya ndiroʋe nyika nokutuka.
Maraki 4:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)