Maraki 3:8-12
Maraki 3:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ko, munhu angabire Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira. “Asi munobvunza muchiti, ‘Tinokubirai pane zvipi?’ “Pazvegumi nezvipiriso. Makatukwa, rudzi rwenyu rwose, nokuti muri kundibira. Uyai nezvegumi zvose kudura, kuti mumba mangu mugova nezvokudya. Ndiedzei muna izvozvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “muone kana ndisingakuzarurirei mawindo okudenga, uye ndigokudururirai maropafadzo mazhinji zvokuti muchashayiwa pokuaisa. Ndichadzivisa udyi pakuparadza zvirimwa zvenyu, uye mizambiringa yeminda yenyu haingadonhedzi zvibereko zvayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ipapo ndudzi dzose dzichati makaropafadzwa, nokuti nyika yenyu ichava inofadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
Maraki 3:8-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ko munhu angabira Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira. Asi imi munoti, ‘Takakubirai pazvinhu zvipi?’ Pane zvegumi nezvipiriso zvinotsaurwa. Makatukwa nokutuka; nokuti munondibira, urwo rudzi urwu rwose. Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi zvino ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muone kana ndisingakuzaruriyi mawindo okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa. Ndichatukawo udyi nokuda kwenyu, arege kuparadza zvibereko zveminda yenyu; nemizambiringa yenyu haingazuki zvibereko zvayo mumunda, nguva isati yasvika ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Ndudzi dzose dzichati muri vanhu vakafara; nokuti muchava nyika inofadza ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Maraki 3:8-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nhaimi, iye munhu angabire Mwari here? Asi imi munondibiraka imi. Asi munoti tinokubirai seiko? Imo muzvegumi zvenyu nomumipiro yenyu. Makapinda jambwa nokuti muri kundibira, iyemi rudzi rwenyu rwose zvarwo. Uyai nezvegumi zvakakwana mumba mokuchengetera zvinhu kuitira kuti mumba mangu muve nechokudya nezvo mundiedze henyu ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo muone kuti ini ndinorega here kukuzarurirai mahwindho okudenga ndichikuwodzvorerai mafashafasha emakomborero. Ndichakumisirai mharadzi kuti irege kuparadza michero yevhu renyu uyewo mugirepisi wenyu, muminda hauzotadza kubereka. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Ipapo marudzi ose avanhu achakutii muri vanhu vakakomborerwa nokuti muchange muri munyika yorufaro. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.
Maraki 3:8-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ko munhu uŋgaɓira Mŋari here? Kunyaŋge ɀakaɗaro munondiɓira. Asi imi munoti: Takakuɓirai paɀinhu ɀipi? Paneɀegumi neɀipiriso ɀinotsaurwa. Makatukwa nokutuka; nokuti munondiɓira, irwo rudzi urwu rwose. Ʋuyai neɀegumi ɀose muimba yokuʋigira, kuti ɀokudya ɀiʋe’po mumba maŋgu, mundiidze naiɀoɀi ɀino — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — muʋone kana ndisiŋgakuzaruriyi mawindi okuɗeŋga, ndikakuɗururirai mukomborero wamucashaiwa pokuisa. Ndicatuka ʋo ʋudyi nokuɗa kwenyu, ʋurege kuparadza ɀiɓereko ɀeminda yenyu; nemizambiriŋga yenyu haiŋgazuki ɀiɓereko ɀayo mumunda, ŋguʋa isati yaȿika — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Ndudzi dzose dzicati muri ʋanhu ʋakafara; nokuti mucaʋa nyika inofadza — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
Maraki 3:8-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)