Maraki 3:7
Maraki 3:7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kubva pamazuva amadzitateguru enyu makatsauka pamitemo yangu uye hamuna kuichengeta. Dzokerai kwandiri, uye neni ndichadzokera kwamuri,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Asi munobvunza muchiti, ‘Tichadzoka pazvinhu zvipiko?’
Maraki 3:7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Kubva pamazuva amadzibaba enyu makatsauka pane zvandakaraira, mukasazvichengeta. Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Asi imi munoti, ‘Tichadzoka pazvinhu zvipi?’
Maraki 3:7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kubvira mumazuva amadzibaba enyu, manga muchingokanda pasi mirao yangu muchirega kuichengeta. Chidzokerai kwandiri, ini ndichadzokerawo kwamuri, ndozvinotaura Tenzi wehondo nehondo. Asi imi munoti, ‘Ko todzokera sei?’
Maraki 3:7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kubva pamazuʋa amadziɓaɓa enyu makatsauka paneɀandakaraira, mukasaɀiceŋgeta. Dzokerai kwandiri, neni ndicadzokera kwamuri — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Asi imi munoti: Ticadzoka paɀinhu ɀipi?
Maraki 3:7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)