Maraki 2:13-15
Maraki 2:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Chimwe chinhu chaunoita: Unozadza aritari yaJehovha nemisodzi. Unochema uye unoungudza nokuti haacharangariri zvipiriso zvako kana kuzvigamuchira nomufaro kubva pamaoko ako. Unobvunza uchiti, “Seiko?” Nokuda kwokuti Jehovha ndiye chapupu pakati pako nomukadzi woujaya hwako nokuti wakaputsa sungano naye, kunyange ari mumwe wako, mukadzi wawakaita sungano yewaniso naye. Jehovha haana kuvaita mumwe here? Panyama nomweya ndevake. Uye nemhaka yei mumwe? Nokuti aitsvaka rudzi rune umwari. Saka zvichenjerere pamweya wako, uye usaputsa sungano nomukadzi woujaya hwako.
Maraki 2:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munoitawo izvozvi: Munofukidza atari yaJehovha nemisodzi, nokuchema, nokugomera, naizvozvo haacharangariri chipiriso, kana kuchigamuchira nomufaro pamaoko enyu. Kunyange zvakadaro munoti, ‘Nemhaka yeiko?’ Nokuti Jehovha akanga ari chapupu pakati pako nomukadzi woujaya hwako, wawakanyengera, kunyange ari shamwari yako, nomukadzi wako wawakaita sungano yako naye. Ko haana kuita mumwe chete, kunyange akanga ane mumwe Mweya wakasara here? Zvino wakaitireiko mumwe chete? Wakatsvaka rudzi rwaMwari. Saka chenjererai mweya yenyu, kurege kuva nomumwe anonyengera mukadzi woujaya hwake.
Maraki 2:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvimwewo zvamunoita ndezvizvi: munochakatisa atari yaTenzi nemisodzi nokuhwihwidza kuchema nokuungudza nokuti haasisina hanya nomupiro kana kuugamuchira nomufaro mumaoko enyu. Munobvunza kuti, “Ko chaanoregerera chii?” Chikonzero chacho ndechokuti Tenzi ndiye chapupu chinopupurira chitenderano chako iwe nomudzimai akakubvisa mugota wausina kutendeka kwaari iye ari mumwe wako uyezve ari mudzimai wako wechitenderano. Haasiri iye here akavaita chinhu chimwechete akaramba angotichengetera mweya woupenyu? Shungu dzake ipapo ndedzokuitei chaizvo? Handiti kuti pamuke rudzi runotya Mwari? Saka chichenjererai kuti munhu arege kuva asina kutendeseka kumudzimai wake akamubvisa mugota
Maraki 2:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munoita ʋo iɀoɀi: Munofukidza artari yaJehova nemisodzi, nokucema, nokugomera, naiɀoɀo haacaraŋgariri cipiriso, kana kucigamucira nomufaro pamaʋoko enyu. Kunyaŋge ɀakaɗaro munoti: Nemhaka yeiko? Nokuti Jehova wakaŋga ari capupu pakati pako nomukadzi woʋujaya bgako, wawakanyeŋgera, kunyaŋge ari shamŋari yako, nomukadzi wako wawakaita suŋgano yako naye. Ko haana‐kuita mumŋe cete, kunyaŋge akaŋga anomumŋe Mŋeya wakasara here? Ɀino wakaitireiko mumŋe cete? Wakatȿaka rudzi rwaMŋari. Saka cenjererai mŋeya yenyu, kurege kuʋa nomumŋe unonyeŋgera mukadzi woʋujaya bgake.
Maraki 2:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)