Maraki 2:10-17
Maraki 2:10-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ko, isu tose hatina baba vamwe here? Haasi Mwari mumwe akatisika here? Sei tichisvibisa sungano yamadzibaba edu nokusatendeka mumwe kuno mumwe? Judha aputsa chitenderano. Chinhu chinonyangadza chaitwa muIsraeri nomuJerusarema: Judha asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha, nokuwana mwanasikana wamwari wavatorwa. Kumunhu anoita izvi, angava ani zvake, Jehovha ngaamubvise pamatende aJakobho, kunyange achiuya nezvipo kuna Jehovha Wamasimba Ose. Chimwe chinhu chaunoita: Unozadza aritari yaJehovha nemisodzi. Unochema uye unoungudza nokuti haacharangariri zvipiriso zvako kana kuzvigamuchira nomufaro kubva pamaoko ako. Unobvunza uchiti, “Seiko?” Nokuda kwokuti Jehovha ndiye chapupu pakati pako nomukadzi woujaya hwako nokuti wakaputsa sungano naye, kunyange ari mumwe wako, mukadzi wawakaita sungano yewaniso naye. Jehovha haana kuvaita mumwe here? Panyama nomweya ndevake. Uye nemhaka yei mumwe? Nokuti aitsvaka rudzi rune umwari. Saka zvichenjerere pamweya wako, uye usaputsa sungano nomukadzi woujaya hwako. “Ndinovenga kurambana,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari weIsraeri, “uye ndinovenga murume anofukidza nguo yake nokumanikidza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Saka zvichenjerere pamweya uye usaputsa chitenderano. Makanetesa Jehovha namashoko enyu. Munoti, “Takamunetesa neiko?” Pamunoti, “Vose vanoita zvakaipa vakanaka pamberi paJehovha, uye anofadzwa navo” kana pamunoti, “Aripiko Mwari wokururamisira?”
Maraki 2:10-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ko isu tose hatina baba vamwe here? Haazi Mwari mumwe wakatisika here? Tinogonyengerana neiko mumwe nomumwe hama yake, tichimhura sungano yamadzibaba edu? Judha vakanyengera, chinhu chinonyangadza chaitwa pakati paIsiraeri napaJerusaremu; nokuti Judha vakamhura nzvimbo tsvene yaJehovha, inodikanwa naye, vakawana mukunda wamwari wavatorwa. Munhu anoita zvakadai, Jehovha achamubvisira pamatende aJakobho, anodana neanopindura, neanovigira Jehovha wehondo zvipiriso. Munoitawo izvozvi: Munofukidza atari yaJehovha nemisodzi, nokuchema, nokugomera, naizvozvo haacharangariri chipiriso, kana kuchigamuchira nomufaro pamaoko enyu. Kunyange zvakadaro munoti, ‘Nemhaka yeiko?’ Nokuti Jehovha akanga ari chapupu pakati pako nomukadzi woujaya hwako, wawakanyengera, kunyange ari shamwari yako, nomukadzi wako wawakaita sungano yako naye. Ko haana kuita mumwe chete, kunyange akanga ane mumwe Mweya wakasara here? Zvino wakaitireiko mumwe chete? Wakatsvaka rudzi rwaMwari. Saka chenjererai mweya yenyu, kurege kuva nomumwe anonyengera mukadzi woujaya hwake. Nokuti ndinovenga kurambana ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsiraeri uye munhu anofukidza nguo yake nokumanikidza ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; saka chenjererai mweya yenyu, kuti murege kunyengera. “Makanetsa Jehovha namashoko enyu. Kunyange zvakadaro munoti, ‘Takamunetsa neiko?’ Pakutaura kwenyu, muchiti, ‘Mumwe nomumwe anoita zvakaipa, vakanaka pamberi paJehovha, ndivo vaanofarira;’ kana: ‘Mwari wezvakarurama aripiko?’
Maraki 2:10-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Handiti tina baba mumwechete here? Hatina kusikwa naMwari mumwechete here? Nemhaka yei tichirega kuitirana zvakatendeka tichin'oresa chitenderano chemadzibaba edu kudai. VokwaJudha havana kutendeka, muIsiraeri nomuJerusaremu makaitwa zvinhu zvisingadiwi naMwari. Chikonzero ndechokuti vokwaJudha vakan'oresa Nzvimbo Inoera yaTenzi yapamwoyo, vachitoroora zvavo vanasikana vokuvamwari vasiri ivo. Dai TENZI angoiti munhu iyeyo asawane uchapupu kana kurevererwa mumisasa yematendhe yovokwaJakobho paanouya nomupiro kuna Tenzi wehondo nehondo. Zvimwewo zvamunoita ndezvizvi: munochakatisa atari yaTenzi nemisodzi nokuhwihwidza kuchema nokuungudza nokuti haasisina hanya nomupiro kana kuugamuchira nomufaro mumaoko enyu. Munobvunza kuti, “Ko chaanoregerera chii?” Chikonzero chacho ndechokuti Tenzi ndiye chapupu chinopupurira chitenderano chako iwe nomudzimai akakubvisa mugota wausina kutendeka kwaari iye ari mumwe wako uyezve ari mudzimai wako wechitenderano. Haasiri iye here akavaita chinhu chimwechete akaramba angotichengetera mweya woupenyu? Shungu dzake ipapo ndedzokuitei chaizvo? Handiti kuti pamuke rudzi runotya Mwari? Saka chichenjererai kuti munhu arege kuva asina kutendeseka kumudzimai wake akamubvisa mugota, nokuti, “Ndinovenga kurambana.” Ndizvo zvinotaura Tenzi, Mwari weIsiraeri, uye munhu anopfeka utsinye sehembe. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Naizvozvo imi ngwarirai mweya yenyu murege kuva vanyengedzi. Mapfuvisa Tenzi nezvamunotaura. Asi imi munoti, “Tamupfuvisa seiko chaizvo?” Nokutaura muchiti, “Vose vanoita zvakaipa ndivo vakanaka pana Tenzi uye ndivo vaanofarira ivavo.” Kana nokubvunza kuti, “Ko Mwari woruenzaniso aripi?”
Maraki 2:10-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ko isu tose hatinaɓaɓa ʋamŋe here? Haazi Mŋari mumŋe wakatisika here? Tinogonyeŋgerana neiko mumŋe nomumŋe hama yake, ticimhura suŋgano yamadziɓaɓa eɗu? Juda ʋakanyeŋgera, cinhu cinonyaŋgadza cakaitwa pakati paIsraeri napaJerusarema; nokuti Juda ʋakamhura nɀimbo tȿene yaJehova, inoɗikanwa naye, ʋakawana mukunda wamŋari waʋatorwa. Munhu unoita ɀakaɗai, Jehova ucamubvisira pamatente aJakobo, unoɗana nounopindura, nounoʋigira Jehova wehondo ɀipiriso. Munoita ʋo iɀoɀi: Munofukidza artari yaJehova nemisodzi, nokucema, nokugomera, naiɀoɀo haacaraŋgariri cipiriso, kana kucigamucira nomufaro pamaʋoko enyu. Kunyaŋge ɀakaɗaro munoti: Nemhaka yeiko? Nokuti Jehova wakaŋga ari capupu pakati pako nomukadzi woʋujaya bgako, wawakanyeŋgera, kunyaŋge ari shamŋari yako, nomukadzi wako wawakaita suŋgano yako naye. Ko haana‐kuita mumŋe cete, kunyaŋge akaŋga anomumŋe Mŋeya wakasara here? Ɀino wakaitireiko mumŋe cete? Wakatȿaka rudzi rwaMŋari. Saka cenjererai mŋeya yenyu, kurege kuʋa nomumŋe unonyeŋgera mukadzi woʋujaya bgake. Nokuti ndinoʋeŋga kurambana — ndiɀo ɀinotaura Jehova, Mŋari waIsraeri — ʋuye munhu unofukidza ŋguʋo yake nokumanikidza — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; saka cenjererai mŋeya yenyu, kuti murege kunyeŋgera. Makanetsa Jehova namashoko enyu. Kunyaŋge ɀakaɗaro munoti: Takamunetsa neiko? Pakutaura kwenyu, muciti: Mumŋe nomumŋe unoita ɀakaipa, wakanaka pamberi paJehova, ndiʋo ʋaanofarira; kana: Mŋari weɀakarurama uripiko?
Maraki 2:10-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)