Ruka 8:9-15
Ruka 8:9-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vadzidzi vake vakamubvunza kuti mufananidzo uyu wairevei. Iye akati, “Kuziva zvakavanzika zvoumambo hwaMwari kwakapiwa kwamuri, asi kuna vamwe, ndinotaura nomufananidzo kuitira kuti, “ ‘kunyange vachitarira, varege kuonesesa; kunyange vachinzwa, varege kunzwisisa.’ “Izvi ndizvo zvinoreva mufananidzo: Mbeu ndiro shoko raMwari. Dziya dzakawira munzira ndivo vaya vanonzwa, ipapo dhiabhori anouya uye agovatorera shoko pamwoyo yavo, kuitira kuti varege kutenda vagoponeswa. Dziya dzakawira parukangarahwe, ndivo vaya vanogamuchira shoko nomufaro kana varinzwa, asi havana mudzi. Vanongotenda kwechinguva, asi munguva dzokuedzwa vanowira pasi. Mbeu yakawira muminzwa yakamirira vaya vanonzwa asi pakufamba kwavo vanovhungwa nokufunganya kwoupenyu, upfumi namafaro, havazosviki pakubereka zvibereko. Asi mbeu yapavhu rakanaka inomirira vaya vane mwoyo yakatendeka uye yakanaka, vanonzwa shoko, vorichengeta, uye nokuda kwokutsungirira kwavo vanobereka zvibereko.
Ruka 8:9-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vadzidzi vake vakamubvunza, kuti mufananidzo uyo wairevei. Akati, “Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwaMwari; asi vamwe vanozvipiwa nemifananidzo, kuti vachiona, varege kuona; vachinzwa, varege kunzwisisa. Zvino mufananidzo ndiwo: mbeu ishoko raMwari. Avo vapanzira ndivo vakanzwa; zvino Dhiabhori wouya, achibvisa shoko pamwoyo yavo, kuti varege kutenda, vakaponeswa. Avo vaparuware ndivo vanoti kana vanzwa shoko, vanorigamuchira nomufaro; havano mudzi, vanongotenda nguva duku; nenguva yokuedzwa vanotsauka. Dzakawira pakati peminzwa ndivo vakanzwa; zvino vanoenda, vakaungiwa nokufunganya nepfuma, nezvinofadza zvoupenyu huno, vakasasvitsa zvibereko. Asi dzomuvhu rakanaka, ndivo vakanzwa shoko mumwoyo wakarurama nowakanaka, vanorichengeta, vachibereka zvibereko nokutsungirira.
Ruka 8:9-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vadzidzi vake pavakamubvunza kuti muenzaniso uyo unorevei, iye akati, “Imi zvenyu makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwaMwari asi kuna vamwe inongova mienzaniso kuti kutarisa vatarise zvavo asi vasingaoni, uye kunzwa vanzwe zvavo asi vasinganzwisisi.” Izvi ndizvo zvinorehwa nomuenzaniso uyu: Mbeu ndiro izwi raMwari. Dziya dzaparutivi penzira ndivo vaya vakanzwa izwi asi Satani anouya wobvisa izwi iroro mumwoyo mavo kuti varege kudavira uye kuti varege kuponeswa. Dzakawira parukangarahwe ndivo vaya vanoti vakanga vanzwa izwi vanorigamuchira norufaro asi ava havana midzi. Vanodavira kwechinguvana asi panguva yezviedzo vanobva vahedhuka. Dziya dzakawira mukati meminzwa ndivo vaya vanonzwa asi pavanoenda vanovhungwa nokuzvidya mwoyo noupfumi namafaro oupenyu. Zvibereko zvavo hazvisviki. Dziya dzakawira muvhu rakanaka, ndivo vaya vanoti kana vanzwa shoko vanoribatisisa zviri pachokwadi nemwoyo wakanaka. Vanobereka zvibereko nokutsungirira.
Ruka 8:9-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza, kuti mufananidzo uyo waireʋei. Akati: Imi makapiwa kuziʋa ɀakaʋanzika ɀoʋushe bgaMŋari; asi ʋamŋe ʋanoɀipiwa nemifananidzo, kuti ʋaciʋona, ʋarege kuʋona; ʋacinzwa, ʋarege kunzwisisa. Ɀino mufananidzo ndiwo: Mbeu ishoko raMŋari. Aʋo ʋapanzira ndiʋo ʋakanzwa; ɀino Diaborosi unoʋuya, akabvisa shoko pamŋoyo yaʋo, kuti ʋarege kutenda, ʋakaponeswa. Aʋo ʋaparuware ndiʋo ʋanoti kana ʋanzwa shoko, ʋanorigamucira nomufaro; haʋanomudzi, ʋanoŋgotenda ŋguʋa ɗuku; neŋguʋa yokuidzwa ʋanotsauka. Dzakawira pakati peminzwa ndiʋo ʋakanzwa; ɀino ʋanoenda, ʋakavuŋgiwa nokufuŋganya nefuma, neɀinofadza ɀoʋupenyu bguno, ʋakasaȿitsa ɀiɓereko. Asi dzomuvu rakanaka, ndiʋo ʋakanzwa shoko mumŋoyo wakarurama nowakanaka, ʋanoriceŋgeta, ʋaciɓereka ɀiɓereko nokutsuŋgirira.
Ruka 8:9-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)