Ruka 8:5-7
Ruka 8:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Murimi akabuda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha mbeu, imwe yakawira munzira, ikatsikwa-tsikwa uye shiri dzedenga dzikaidya. Imwe yakawira parukangarahwe, uye payakamera, yakasvava nokuti pakanga pasina unyoro. Imwe mbeu yakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura pamwe chete nayo ikaivhunga.
Ruka 8:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Mukushi akabuda kundokusha mbeu dzake; akati achikusha, dzimwe mbeu dzakawira panzira, dzikatsikwa, shiri dzokudenga dzikadzidya. Dzimwe dzakawira paruware; dzikamera, dzikaoma, nokushayiwa mwando. Dzimwe dzakawira pakati peminzwa; minzwa ikakura pamwechete nadzo, ikadzivhunga.
Ruka 8:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Mukushi akaenda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha, dzimwe dzakawira munzira dzikatsikwatsikwa netsoka dzikadyiwa neshiri dzedenga. Dzimwe dzakawira parukangarahwe, asi padzakamera dzakaoma nokuti dzakanga dzisina unyoro. Dzimwe dzakawira muminzwa. Minzwa yakakurirana nadzo pamwechete ikadzivhunga.
Ruka 8:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Mukushi akaenda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha, dzimwe dzakawira munzira dzikatsikwatsikwa netsoka dzikadyiwa neshiri dzedenga. Dzimwe dzakawira parukangarahwe, asi padzakamera dzakaoma nokuti dzakanga dzisina unyoro. Dzimwe dzakawira muminzwa. Minzwa yakakurirana nadzo pamwechete ikadzivhunga.
Ruka 8:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mukushi wakaɓuɗa kundokusha mbeu dzake; wakati acikusha, dzimŋe mbeu dzakawira panzira, dzikatsikwa, shiri dzokuɗeŋga dzikadzidya. Dzimŋe dzakawira paruware; dzikamera, dzikawoma, nokushaiwa mŋando. Dzimŋe dzakawira pakati peminzwa; minzwa ikakura pamŋe cete nadzo, ikadzivuŋga.