Ruka 8:26-30
Ruka 8:26-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakasvika kunyika yavaGerase, iri mhiri kwegungwa reGarirea. Jesu akati ayambuka gungwa, akasangana nomurume akanga akabatwa nedhimoni achibva muguta. Murume uyu akanga asingapfeki nguo kwenguva refu kana kugara mumba, asi aigara kumakuva. Akati aona Jesu, akadanidzira akawira pamakumbo ake, akati nenzwi guru, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, regai kunditambudza!” Nokuti Jesu akanga arayira mweya wakaipa kuti ubude maari. Kazhinji waimubata, uye kunyange akange akasungwa nengetani mumaoko nomumakumbo uye akarindwa, aidambura ngetani obva aendeswa nedhimoni kurenje. Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Regioni,” nokuti madhimoni mazhinji akanga apinda maari.
Ruka 8:26-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakasvika kunyika yavaGerasa, yakatarisana neGariria. Akati achibuda muigwa panyika, mumwe murume weguta akasangana naye, akanga ane mweya yakaipa; nguva huru akanga asina kupfeka nguo, asingagari mumba, asi mumarinda. Zvino iye akati achiona Jesu, akadanidzira, ndokuzviwisira pamberi pake, akati nezwi guru, “Ndine mhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana woWokumusoro-soro? Ndinokumbira kwamuri kuti musanditambudza.” Nokuti akarayira mweya wahan'ora kuti ubude kumunhu. Nokuti kazhinji akanga abatwa nawo; akasungwa nezvisungo nengetani akarindiwa; akadambura zvisungo, akadzingirwa kumarenje nomweya wakaipa. Jesu akamubvunza, achiti, “Zita rako ndianiko?” Akati, “Regioni.” Nokuti mweya yakaipa mizhinji yakanga yapinda maari.
Ruka 8:26-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakazosvika kunyika yavaGerasini yakatarisana neGarirea. Paakangoti achiti budei mugwa akasangana nomunhu aibva muguta iroro aiva nomweya wakaipa. Kwenguva ndefu akanga asingapfeki hanzu. Akanga asingagari mumba asi aigara kumakuva. Paakaona Jesu akazhamba akawira pasi pamberi pake ndokudaidzira achiti, “Unei neni Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinokukumbirisa zvangu kuti usandirwadzise.” Chikonzero ndechokuti Jesu akanga ati mweya wetsvina ubude mumunhu iyeyo nokuti kazhinji mweya wakaipa waimugara. Aigara akatochengetedzwa akasungwa nengetani namajoti asi aidambura zvisungo izvozvo achitinhirwa kurenje nomweya wakaipa. Ipapo Jesu akamubvunza kuti, “Zita rako ndiani?” Iye akati, “Ndinonzi Hondo” nokuti mweya yakaipa yakawanda yakanga yapinda maari.
Ruka 8:26-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakaȿika kunyika yaʋaGerasa, yakatarisana neGarirea. Wakati aciɓuɗa mugwa panyika, mumŋe murume weguta akasoŋgana naye, wakaŋga anemŋeya yakaipa; ŋguʋa huru wakaŋga asina‐kupfeka ŋguʋo, asiŋgagari mumba, asi mumarinda. Ɀino iye wakati aciʋona Jesu, akaɗanidzira, ndokuɀiwisira pamberi pake, akati nenzwi guru: Ndinemhaka yeiko nemi Jesu, Mŋanakomana woWokumsoro‐soro? Ndinokumbira kwamuri kuti musanditambudza. Nokuti wakaraira mŋeya wetȿina kuti uɓuɗe kumunhu. Nokuti kazhinji wakaŋga waɓatwa nawo; akasuŋgwa neɀisuŋgo namaketani akarindiwa; akaɗambura ɀisuŋgo, akadziŋgirwa kumarenje nomŋeya wakaipa. Jesu akamubvunza, aciti: Zita rako ndianiko? Akati: Regioni. Nokuti mŋeya yakaipa mizhinji yakaŋga yapinda maari.
Ruka 8:26-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)