Ruka 8:12-14
Ruka 8:12-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dziya dzakawira munzira ndivo vaya vanonzwa, ipapo dhiabhori anouya uye agovatorera shoko pamwoyo yavo, kuitira kuti varege kutenda vagoponeswa. Dziya dzakawira parukangarahwe, ndivo vaya vanogamuchira shoko nomufaro kana varinzwa, asi havana mudzi. Vanongotenda kwechinguva, asi munguva dzokuedzwa vanowira pasi. Mbeu yakawira muminzwa yakamirira vaya vanonzwa asi pakufamba kwavo vanovhungwa nokufunganya kwoupenyu, upfumi namafaro, havazosviki pakubereka zvibereko.
Ruka 8:12-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Avo vapanzira ndivo vakanzwa; zvino Dhiabhori wouya, achibvisa shoko pamwoyo yavo, kuti varege kutenda, vakaponeswa. Avo vaparuware ndivo vanoti kana vanzwa shoko, vanorigamuchira nomufaro; havano mudzi, vanongotenda nguva duku; nenguva yokuedzwa vanotsauka. Dzakawira pakati peminzwa ndivo vakanzwa; zvino vanoenda, vakaungiwa nokufunganya nepfuma, nezvinofadza zvoupenyu huno, vakasasvitsa zvibereko.
Ruka 8:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dziya dzaparutivi penzira ndivo vaya vakanzwa izwi asi Satani anouya wobvisa izwi iroro mumwoyo mavo kuti varege kudavira uye kuti varege kuponeswa. Dzakawira parukangarahwe ndivo vaya vanoti vakanga vanzwa izwi vanorigamuchira norufaro asi ava havana midzi. Vanodavira kwechinguvana asi panguva yezviedzo vanobva vahedhuka. Dziya dzakawira mukati meminzwa ndivo vaya vanonzwa asi pavanoenda vanovhungwa nokuzvidya mwoyo noupfumi namafaro oupenyu. Zvibereko zvavo hazvisviki.
Ruka 8:12-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Aʋo ʋapanzira ndiʋo ʋakanzwa; ɀino Diaborosi unoʋuya, akabvisa shoko pamŋoyo yaʋo, kuti ʋarege kutenda, ʋakaponeswa. Aʋo ʋaparuware ndiʋo ʋanoti kana ʋanzwa shoko, ʋanorigamucira nomufaro; haʋanomudzi, ʋanoŋgotenda ŋguʋa ɗuku; neŋguʋa yokuidzwa ʋanotsauka. Dzakawira pakati peminzwa ndiʋo ʋakanzwa; ɀino ʋanoenda, ʋakavuŋgiwa nokufuŋganya nefuma, neɀinofadza ɀoʋupenyu bguno, ʋakasaȿitsa ɀiɓereko.
Ruka 8:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)