Ruka 8:1-18
Ruka 8:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba nomumaguta nomumisha, achiparidza vhangeri roumambo hwaMwari. Vane gumi navaviri vakanga vanaye, uye vamwewo vakadzi vakanga vaporeswa pazvirwere nemweya yakaipa vaiti: Maria (ainzi Magadharena) uya akanga abudiswa mweya yakaipa minomwe maari, Joana mukadzi waKuza, mutariri weimba yaHerodhi, Suzana, navamwe vazhinji. Vakadzi ava vaivabatsira nokuvatsigira nezvavaiva nazvo. Ungano huru yakati yavapo, vanhu vachibva kumaguta namaguta vachiuya kuna Jesu, akavataurira mufananidzo uyu: “Murimi akabuda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha mbeu, imwe yakawira munzira, ikatsikwa-tsikwa uye shiri dzedenga dzikaidya. Imwe yakawira parukangarahwe, uye payakamera, yakasvava nokuti pakanga pasina unyoro. Imwe mbeu yakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura pamwe chete nayo ikaivhunga. Asi imwe mbeu yakawira pavhu rakanaka. Yakamera ikabereka zvibereko, zvakapetwa kazana pane zvakanga zvadyarwa.” Akati ataura izvi, akadanidzira akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Vadzidzi vake vakamubvunza kuti mufananidzo uyu wairevei. Iye akati, “Kuziva zvakavanzika zvoumambo hwaMwari kwakapiwa kwamuri, asi kuna vamwe, ndinotaura nomufananidzo kuitira kuti, “ ‘kunyange vachitarira, varege kuonesesa; kunyange vachinzwa, varege kunzwisisa.’ “Izvi ndizvo zvinoreva mufananidzo: Mbeu ndiro shoko raMwari. Dziya dzakawira munzira ndivo vaya vanonzwa, ipapo dhiabhori anouya uye agovatorera shoko pamwoyo yavo, kuitira kuti varege kutenda vagoponeswa. Dziya dzakawira parukangarahwe, ndivo vaya vanogamuchira shoko nomufaro kana varinzwa, asi havana mudzi. Vanongotenda kwechinguva, asi munguva dzokuedzwa vanowira pasi. Mbeu yakawira muminzwa yakamirira vaya vanonzwa asi pakufamba kwavo vanovhungwa nokufunganya kwoupenyu, upfumi namafaro, havazosviki pakubereka zvibereko. Asi mbeu yapavhu rakanaka inomirira vaya vane mwoyo yakatendeka uye yakanaka, vanonzwa shoko, vorichengeta, uye nokuda kwokutsungirira kwavo vanobereka zvibereko. “Hakuna munhu anotungidza mwenje obva auvanza pasi pedengu kana kuuisa pasi pomubhedha. Asi, anouisa pamusoro pechigadziko, kuitira kuti vose vanopinda vavhenekerwe. Nokuti hakuna chakavanzika chisingazobudiswi pachena, uye hakuna chakavigwa chisingazozivikanwi kana kuiswa pachena. Naizvozvo nyatsofungisisai kuti munonzwa sei. Ani naani anazvo achapiwa zvakawanda, ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanofunga kuti anazvo.”
Ruka 8:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino shure kwaizvozvo, akapota nokumaguta nemisha, achiparidza nokureva zveVhangeri youshe hwaMwari, vane gumi navaviri vanaye. Navamwe vakadzi vakanga vaporeswa pamweya yakaipa napazvirwere, vaiti, Maria anonzi Magadharina, iye akanga abuda mweya yakaipa minomwe kwaari, naJohana, mukadzi waKuza, mutariri waHerodhi, naSusana, navamwe vazhinji, vaimushumira nezvavo. Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakati vaungana, navakanga vabva kumaguta ose vakasvika kwaari, akataura nomufananidzo, akati, “Mukushi akabuda kundokusha mbeu dzake; akati achikusha, dzimwe mbeu dzakawira panzira, dzikatsikwa, shiri dzokudenga dzikadzidya. Dzimwe dzakawira paruware; dzikamera, dzikaoma, nokushayiwa mwando. Dzimwe dzakawira pakati peminzwa; minzwa ikakura pamwechete nadzo, ikadzivhunga. Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikamera, dzikabereka zvibereko zvine zana. Akati ataura izvozvo, akadanidzira, achiti, ‘Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.’ ” Zvino vadzidzi vake vakamubvunza, kuti mufananidzo uyo wairevei. Akati, “Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwaMwari; asi vamwe vanozvipiwa nemifananidzo, kuti vachiona, varege kuona; vachinzwa, varege kunzwisisa. Zvino mufananidzo ndiwo: mbeu ishoko raMwari. Avo vapanzira ndivo vakanzwa; zvino Dhiabhori wouya, achibvisa shoko pamwoyo yavo, kuti varege kutenda, vakaponeswa. Avo vaparuware ndivo vanoti kana vanzwa shoko, vanorigamuchira nomufaro; havano mudzi, vanongotenda nguva duku; nenguva yokuedzwa vanotsauka. Dzakawira pakati peminzwa ndivo vakanzwa; zvino vanoenda, vakaungiwa nokufunganya nepfuma, nezvinofadza zvoupenyu huno, vakasasvitsa zvibereko. Asi dzomuvhu rakanaka, ndivo vakanzwa shoko mumwoyo wakarurama nowakanaka, vanorichengeta, vachibereka zvibereko nokutsungirira. “Hakuna munhu, anoti kana atungidza mwenje, anozoufukidzira nomudziyo, kana kuuisa pasi pomubhedha; asi anouisa pachigadziko, kuti vanopinda vaone chiedza. “Nokuti hakuna chakavanzika, chisingazooneswi, hakuna chakavigwa, chisingazozikanwi, nokubuda pachena. “Naizvozvo, chenjerai mutoo wamunonzwa nawo; nokuti anazvo, achapiwa; asina, achatorerwa naichochowo chaanoti ndinacho.
Ruka 8:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure maizvozvi Jesu akaenda nomumaguta nomumisha achiparidza nokushumaira Shoko Rakanaka roumambo hwaMwari. Akanga aina vane gumi navaviri vaya pamwechete namamwe madzimai akanga aponeswa kumweya yakaipa nokuzvirwere. Paiti Maria ainzi Magadharena akabviswa mweya yakaipa minomwe naJoana mudzimai waKusa, mushandi waHerodhi naSuzana navamwe vazhinji vaivariritira nezvinhu zvavo pachavo. Pakati paunganwa nechita chikuru chavanhu vachibva muguta neguta vachiuya kwaari, akavataurira nomuenzaniso uyu achiti: “Mukushi akaenda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha, dzimwe dzakawira munzira dzikatsikwatsikwa netsoka dzikadyiwa neshiri dzedenga. Dzimwe dzakawira parukangarahwe, asi padzakamera dzakaoma nokuti dzakanga dzisina unyoro. Dzimwe dzakawira muminzwa. Minzwa yakakurirana nadzo pamwechete ikadzivhunga. Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka dzikakura dzikabereka zvakapetwa kazana. Paaitaura izvi akadaidzira achiti, ‘Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe!’ ” Vadzidzi vake pavakamubvunza kuti muenzaniso uyo unorevei, iye akati, “Imi zvenyu makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwaMwari asi kuna vamwe inongova mienzaniso kuti kutarisa vatarise zvavo asi vasingaoni, uye kunzwa vanzwe zvavo asi vasinganzwisisi.” Izvi ndizvo zvinorehwa nomuenzaniso uyu: Mbeu ndiro izwi raMwari. Dziya dzaparutivi penzira ndivo vaya vakanzwa izwi asi Satani anouya wobvisa izwi iroro mumwoyo mavo kuti varege kudavira uye kuti varege kuponeswa. Dzakawira parukangarahwe ndivo vaya vanoti vakanga vanzwa izwi vanorigamuchira norufaro asi ava havana midzi. Vanodavira kwechinguvana asi panguva yezviedzo vanobva vahedhuka. Dziya dzakawira mukati meminzwa ndivo vaya vanonzwa asi pavanoenda vanovhungwa nokuzvidya mwoyo noupfumi namafaro oupenyu. Zvibereko zvavo hazvisviki. Dziya dzakawira muvhu rakanaka, ndivo vaya vanoti kana vanzwa shoko vanoribatisisa zviri pachokwadi nemwoyo wakanaka. Vanobereka zvibereko nokutsungirira. Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje anoukwidibira nomudziyo kana kuisa pasi pomubhedha asi anotouisa pachidzimikiro chomwenje kuti vanopinda vaone chiedza. Hapana chakavigwa chisingazoburitswa pachena kana chii zvacho chakavanzika chisingazozivikanwa chichiiswa pachena. Naizvozvo chenjererai manzwiro amunoita nokuti uyo anazvo achawedzerwa zvimwe uye asina achatorerwa kunyange chaanofunga kuti anacho.
Ruka 8:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino shure kwaiɀoɀo, wakapota nokumaguta nemisha, aciparidza nokureʋa ɀeEvaŋgeri yoʋushe bgaMŋari, ʋanegumi naʋaʋiri ʋanaye. Naʋamŋe ʋakadzi ʋakaŋga ʋaporeswa pamŋeya yakaipa napamarwere, ʋaiti, Maria unonzi Magdarene, iye wakaŋga aɓuɗa mŋeya yakaipa minomŋe kwaari, naJohana, mukadzi waKuza, mutariri waHerode, naSusana, naʋamŋe ʋazhinji, ʋaimushumira neɀaʋo. Ɀino ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakati ʋaʋuŋgana, naʋakaŋga ʋabva kumaguta ose ʋaȿika kwaari, akataura nomufananidzo, akati: Mukushi wakaɓuɗa kundokusha mbeu dzake; wakati acikusha, dzimŋe mbeu dzakawira panzira, dzikatsikwa, shiri dzokuɗeŋga dzikadzidya. Dzimŋe dzakawira paruware; dzikamera, dzikawoma, nokushaiwa mŋando. Dzimŋe dzakawira pakati peminzwa; minzwa ikakura pamŋe cete nadzo, ikadzivuŋga. Dzimŋe dzakawira muvu rakanaka, dzikamera, dzikaɓereka ɀiɓereko ɀinezana. Akati ataura iɀoɀo, akaɗanidzira, aciti: Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe. Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza, kuti mufananidzo uyo waireʋei. Akati: Imi makapiwa kuziʋa ɀakaʋanzika ɀoʋushe bgaMŋari; asi ʋamŋe ʋanoɀipiwa nemifananidzo, kuti ʋaciʋona, ʋarege kuʋona; ʋacinzwa, ʋarege kunzwisisa. Ɀino mufananidzo ndiwo: Mbeu ishoko raMŋari. Aʋo ʋapanzira ndiʋo ʋakanzwa; ɀino Diaborosi unoʋuya, akabvisa shoko pamŋoyo yaʋo, kuti ʋarege kutenda, ʋakaponeswa. Aʋo ʋaparuware ndiʋo ʋanoti kana ʋanzwa shoko, ʋanorigamucira nomufaro; haʋanomudzi, ʋanoŋgotenda ŋguʋa ɗuku; neŋguʋa yokuidzwa ʋanotsauka. Dzakawira pakati peminzwa ndiʋo ʋakanzwa; ɀino ʋanoenda, ʋakavuŋgiwa nokufuŋganya nefuma, neɀinofadza ɀoʋupenyu bguno, ʋakasaȿitsa ɀiɓereko. Asi dzomuvu rakanaka, ndiʋo ʋakanzwa shoko mumŋoyo wakarurama nowakanaka, ʋanoriceŋgeta, ʋaciɓereka ɀiɓereko nokutsuŋgirira. Hakunomunhu, unoti kana atuŋgidza mŋenje, unozoufukidzira nomudziyo, kana kuuisa pasi pomubeda; asi unouisa pacigadziko, kuti ʋanopinda ʋaʋone ciedza. Nokuti hakuna‐cakaʋanzika, cisiŋgazoʋoneswi, hakuna‐cakaʋigwa, cisiŋgazozikanwi, nokuɓuɗa pacena. Naiɀoɀo, cenjerai mutoʋo wamunonzwa nawo; nokuti unaɀo, ucapiwa; usina, ucatorerwa naiceco ʋo caanoti ndinaco.
Ruka 8:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)