Ruka 7:12-15
Ruka 7:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kuzoti ave kuswedera pasuo reguta, munhu akafa akanga akatakurwa achiburitswa kunze, aingova mwanakomana mumwe chete wamai vake, uye vakanga vari chirikadzi. Uye vanhu vazhinji kwazvo vaibva muguta vaiva navo. Ishe akati achivaona, mwoyo wake wakavanzwira tsitsi, akati kwavari, “Musachema.” Ipapo akaswedera pedyo akabata hwanyanza, uye vaya vakanga vakamutakura vakamira. Akati, “Jaya, ndinoti kwauri, muka!” Munhu uya akanga afa akamuka akagara akatanga kutaura, uye Jesu akamupa kuna mai vake.
Ruka 7:12-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, akati achiswedera pedyo nesuo reguta, akaona vanhu vakanga vakatakura munhu akafa, mwanakomana mumwe oga wamai vake, yaiva chirikadzi; navanhu vazhinji veguta vakanga vanaye. Zvino Ishe akati achimuona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari, “Usachema.” Ipapo akaswedera, akabata hwanyanza; vakanga vachitakura vakamira. Akati, “Jaya, ndinoti kwauri, muka.” Iye akanga afa akagara, akatanga kutaura; akamupa mai vake.
Ruka 7:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti ava kusvika pasuo guru reguta iroro, houno munhu akanga akatembedzanwa, akafa, mwana mukomana aive ari ndiye mwana mumwechete oga waamai vake, uye amai ava vaiva chirikadzi. Vanhu vazhinji veguta iroro vaivaperekedza. Tenzi paakaona amai ava, akasiririswa navo ndokuti kwavari, “Chiregai zvenyu kuchema,” ndokuswedera obata hwanyanza; vainge vakatakura chitunha ndokumira. Jesu ndokuti, “Jaya, ndinoti kwauri, muka!” Muchakabvu akamuka, ndokugara, ndokutanga kutaura. Iye ndokumupa kuna amai vake.
Ruka 7:12-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, wakati acisweɗera pedyo nesuʋo reguta, akaʋona ʋanhu ʋakaŋga ʋakatakura wakafa, mŋanakomana mumŋe woga wamai ʋake, yaiʋa cirikadzi; naʋanhu ʋazhinji ʋeguta ʋakaŋga ʋanaye. Ɀino Ishe wakati acimuʋona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usacema. Ipapo akasweɗera, akaɓata bganyanza; ʋakaŋga ʋacitakura ʋakamira. Akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka. Iye wakaŋga afa akagara, akataŋga kutaura; akamupa mai ʋake.
Ruka 7:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)