Ruka 6:27-38
Ruka 6:27-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai, ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai. Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati. Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke. Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe. “Kana uchida vaya vanokuda, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange navatadzi vanoda avo vanovada. Uye kana uchiita zvakanaka kuna vaya vakanaka kwauri, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanoita izvozvo. Uye kana uchikweretesa kuna vaya vaunotarisira kuti vagodzora, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanokweretesa kuvatadzi, vachitarisira kuzodzoserwa zvakakwana. Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka kwavari, uye muvakweretese musingatarisiri kuwana kana chinhuzve. Ipapo mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana veWokumusoro-soro, nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa. Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi. “Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye nemi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye nemi muchazoregererwawo. Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho.”
Ruka 6:27-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Asi ndinoti kwamuri imi munonzwa, idai vavengi venyu; muitire zvakanaka vanokuvengai. Ropafadzai vanokutukai, munyengeterere vanokushonhai. Anokurova padama, umurinzire rimwewo; anokutorera nguo yokunze, usaramba nenguo yomukatiwo. Mumwe nomumwe anokumbira kwauri, umupe; noanokutorera zvako, usazvikumbirazve kwaari. “Sezvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitirewo saizvozvo. Kana muchingoda avo vanokudai, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadziwo vanoda vanovada. Kana muchingoitira zvakanaka avo vanokuitirai zvakanaka, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanodarowo. Kana muchingopa ivo chikwerete, vamunoti muchadzoserwazve navo, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanopawo vatadzi chikwerete, kuti vapiwezve zvakaenzana nazvo. Asi idai vavengi venyu, muvaitire zvakanaka. Mupe chikwereti musingaori mwoyo; mubayiro wenyu uchava mukuru, mugova vanakomana voWokumusoro-soro; nokuti iye anomwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa. Ivai netsitsi, saBaba venyu vane tsitsiwo. “Musatonga, nemi hamungazotongwi; musapa mhaka, nemi hamungazopiwi mhaka; sunungurai, nemi muchasunungurwawo. Ipai, nemi muchapiwa; vachakupai pamaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chakaita mupfunga; nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwawo nacho.”
Ruka 6:27-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Asi kunemi makateerera ndinoti, Idai mhandu dzenyu, itirai zvakanaka vanokuvengai. Komborerai vanokurengererai rushambwa. Namatirai vanokunyombai. Kune anenge akurova padama mutendeudzirezve rimwe; munhu anokutorera bhachi rako usamurambire kana hembe yako. Ani naani anokukumbira chinhu mupe; uye anokutorera zvinhu zvako rega kunozvireva kwete. Zvamunoda kuti vamwe vakuitirei vaitireiwo saizvozvo. “Kana muchingoda vanokudai, munokodzera chitusoi? Nokuti kana vatadziwo vanoda vanovada. Uye kana muchiitira zvakanaka vanokuitirai zvakanaka munokodzera chitusoi? Nokuti kunyange vatadzi vanodarowo. Kana muchikweretesa vamunofunga kuti vanozokudzorerai munokodzera chitusoi? Kana vatadzi vanokweretesa vamwe vatadzi kuti vagodzorerwa zvakaenzana. Asi imi idai vavengi venyu, muvaitire zvakanaka, mukweretese musingatarisire kuti muchadzorerwa, ipapo mubayiro wenyu uchazova mukuru uye muchazova vana voWokumusorosoro nokuti iye ano mwoyochena kuna vasingatendi nokuna vakaipa. Ivai netsitsi saBaba venyu vane tsitsi. “Musatonge vamwe, nemi hamuzotongwi, musape vanhu mhosva, nemi hamuzopihwawo mhosva. Regereranai, nemi mucharegererwawo. Ipai, nemi muchapiwa, muchadirirwa pamakumbo mwero wakanaka, wakatsindirwa, wakazunguzirwa, unomupfumvumvu; nokuti chiereso chamunoeresa nacho ndicho chamuchaererwa nacho.”
Ruka 6:27-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ndinoti kwamuri imi munonzwa: Iɗai ʋaʋeŋgi ʋenyu; muitire ɀakanaka ʋanokuʋeŋgai. Ropafadzai ʋanokutukai, munyeŋgeterere ʋanokumhurai. Unokuroʋa paɗama, umurinzire rimŋe ʋo; unokutorera ŋguʋo yokunze, usamuramba neŋguʋo yomukati ʋo. Mumŋe nomumŋe unokumbira kwauri, umupe; nounokutorera ɀako, usaɀikumbira ɀe kwaari. Seɀamunoɗa kuti ʋanhu ʋakuitirei, muʋaitire ʋo saiɀoɀo. Kana muciŋgoɗa aʋo ʋanokuɗai, munokuʋoŋgwa kwakaɗiniko? Nokuti naʋatadzi ʋo ʋanoɗa ʋanoʋaɗa. Kana muciŋgoitira ɀakanaka aʋo ʋanokuitirai ɀakanaka, munokuʋoŋgwa kwakaɗiniko? Nokuti naʋatadzi ʋanoɗaro ʋo. Kana muciŋgopa iʋo cikwerete, ʋamunoti mucadzoserwa ɀe naʋo, munokuʋoŋgwa kwakaɗiniko? Nokuti naʋatadzi ʋanopa ʋo ʋatadzi cikwerete, kuti ʋapiwe ɀe ɀakaenzana naɀo. Asi iɗai ʋaʋeŋgi ʋenyu, muʋaitire ɀakanaka. Mupe cikwerete musiŋgaʋori mŋoyo; muɓairo wenyu ucaʋa mukuru, mugoʋa ʋanakomana ʋoWokumsoro‐soro; nokuti iye unomŋoyo munyoro kunaʋasiŋgaʋoŋgi naʋakaipa. Iʋai netsitsi, saƂaɓa ʋenyu ʋanetsitsi ʋo. Musatoŋga, nemi hamuŋgazotoŋgwi; musapa mhaka, nemi hamuŋgazopiwi mhaka; sunuŋgurai, nemi mucasunuŋgurwa ʋo. Ipai, nemi mucapiwa; ʋacakupai pamaʋoko enyu ciyero cakanaka, cakatsikirirwa, cakazuŋguzirwa, cakaita mupfuŋga; nokuti neciyero camunoyera naco, mucayerwa ʋo naco.
Ruka 6:27-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)