Ruka 6:27-29
Ruka 6:27-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Asi kunemi makateerera ndinoti, Idai mhandu dzenyu, itirai zvakanaka vanokuvengai. Komborerai vanokurengererai rushambwa. Namatirai vanokunyombai. Kune anenge akurova padama mutendeudzirezve rimwe; munhu anokutorera bhachi rako usamurambire kana hembe yako.
Ruka 6:27-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai, ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai. Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati.
Ruka 6:27-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Asi ndinoti kwamuri imi munonzwa, idai vavengi venyu; muitire zvakanaka vanokuvengai. Ropafadzai vanokutukai, munyengeterere vanokushonhai. Anokurova padama, umurinzire rimwewo; anokutorera nguo yokunze, usaramba nenguo yomukatiwo.
Ruka 6:27-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Asi kunemi makateerera ndinoti, Idai mhandu dzenyu, itirai zvakanaka vanokuvengai. Komborerai vanokurengererai rushambwa. Namatirai vanokunyombai. Kune anenge akurova padama mutendeudzirezve rimwe; munhu anokutorera bhachi rako usamurambire kana hembe yako.
Ruka 6:27-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ndinoti kwamuri imi munonzwa: Iɗai ʋaʋeŋgi ʋenyu; muitire ɀakanaka ʋanokuʋeŋgai. Ropafadzai ʋanokutukai, munyeŋgeterere ʋanokumhurai. Unokuroʋa paɗama, umurinzire rimŋe ʋo; unokutorera ŋguʋo yokunze, usamuramba neŋguʋo yomukati ʋo.