Ruka 6:24-26
Ruka 6:24-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Asi mune nhamo imi vapfumi, nokuti makatowana kunyaradzwa kwenyu kare. Mune nhamo imi makaguta zvino, nokuti muchanzwa nzara. Mune nhamo imi vanoseka zvino, nokuti muchaungudza uye muchachema. Mune nhamo imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaprofita venhema zvakadaro.
Ruka 6:24-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi mune nhamo imi vapfumi, nokuti mapiwa kunyaradzwa kwenyu. Mune nhamo imi makaguta zvino, nokuti muchava nenzara. Mune nhamo imi munoseka zvino, nokuti muchachema nokuungudza. “Mune nhamo kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita venhema zvakadaro.
Ruka 6:24-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Asi zvichakuwanai imi vapfumi nokuti kugarika kwamunako ndikoko kwese kwamatowana. “Zvichakuwanai imi munamaguta zvino nokuti muchazova nenzara. Zvichakuwanai imi munoseka zvino nokuti muchasuruvara nokuchema. “Zvichakuwanai imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka nezvenyu nokuti ndizvozvowo zvakaita madzitateguru avo kuna vaporofita venhema.
Ruka 6:24-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi munenhamo imi ʋafumi, nokuti mapiwa kunyaradzwa kwenyu. Munenhamo imi makaguta ɀino, nokuti mucaʋa nenzara. Munenhamo imi munoseka ɀino, nokuti mucacema nokurira. Munenhamo kana ʋanhu ʋose ʋacitaura ɀakanaka pamsoro penyu, nokuti madziɓaɓa aʋo akaitira ʋaprofita ʋenhema ɀakaɗaro.
Ruka 6:24-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)