Ruka 6:20-23
Ruka 6:20-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akatarira kuvadzidzi vake, akati: “Makaropafadzwa imi varombo, nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu. Makaropafadzwa imi vane nzara zvino, nokuti muchaguta. Makaropafadzwa imi munochema zvino, nokuti muchaseka. Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikuvengai, vachikutsaurai uye vachikutukai, vachiramba zita renyu vachiti rakaipa, nokuda kwoMwanakomana woMunhu. “Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo.
Ruka 6:20-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akatarisisa vadzidzi vake, akati, “Makaropafadzwa imi varombo, nokuti ushe hwaMwari ndohwenyu. “Makaropafadzwa imi mune nzara zvino, nokuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imi munochema zvino, nokuti muchaseka. “Makaropafadzwa, kana vanhu vachikuvengai, vachikudzingai, vachikuzvidzai, vachirasa zita renyu sechinhu chakashata, nokuda kwoMwanakomana womunhu. Farai nezuva iro, mupembere, nokuti tarirai, mubayiro wenyu kudenga mukuru; nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita zvakadaro.
Ruka 6:20-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Jesu akatarisa vadzidzi vake ndokuti, “Makakomborerwa zvenyu imi varombo nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu. “Makakomborerwa zvenyu imi mune nzara zvino nokuti muchazogutswa. Makakomborerwa imi munochema zvino nokuti muchazoseka. “Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikuvengai, vasingadi kufambidzana nemi, vachikunyombai vachiipisa zita renyu, sechinhu chakaipa, pamusana poMwanakomana womunhu! Farai pazuva iroro, muchipembera nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndinodaro nokuti ndizvozvowo zvakaita madzibaba avo kuna vaporofita.
Ruka 6:20-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakatarisisa ʋadzidzi ʋake, akati: Makaropafadzwa imi ʋarombo, nokuti ʋushe bgaMŋari ndobgenyu. Makaropafadzwa imi munenzara ɀino, nokuti mucagutiswa. Makaropafadzwa imi munocema ɀino, nokuti mucaseka. Makaropafadzwa, kana ʋanhu ʋacikuʋeŋgai, ʋacikudziŋgai, ʋacikuɀidzai, ʋacirasha zita renyu secinhu cakashata, nokuɗa kwoMŋanakomana womunhu. Farai nezuʋa iro, mupembere, nokuti tarirai, muɓairo wenyu kuɗeŋga mukuru; nokuti madziɓaɓa aʋo akaitira ʋaprofita ɀakaɗaro.
Ruka 6:20-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)