Ruka 6:17-20
Ruka 6:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akaburuka navo akandomira panzvimbo yakanga yakaenzana. Ungano huru yavadzidzi vake yakanga iripo uye navanhu vazhinji vaibva muJudhea yose, vaibva kuJerusarema, uye navaibva kumuganhu weTire neSidhoni, vakanga vauya kuzomunzwa uyewo kuti vazoporeswa pazvirwere zvavo. Vaya vakanga vachimanikidzwa nemweya yakaipa vakaporeswa, uye vanhu vose vakaedza kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari richivaporesa vose. Akatarira kuvadzidzi vake, akati: “Makaropafadzwa imi varombo, nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu.
Ruka 6:17-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akaburuka navo, akamira pakati chechetere, navadzidzi vake vazhinji, navanhu vazhinji-zhinji, vaibva Judhea yose neJerusaremu, napamhenderekedzo yegungwa reTire neSidhoni, vakanga vauya kuzomunzwa, nokuporeswa hosha dzavo. Navakanga vachitambudzika nemweya yakan'ora vakaporeswa. Vanhu vazhinji vose vakatsvaka kumunyangata, nokuti simba rakabuda kwaari rikavaporesa vose. Zvino akatarisisa vadzidzi vake, akati, “Makaropafadzwa imi varombo, nokuti ushe hwaMwari ndohwenyu.
Ruka 6:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino akaburuka navo akandomira panzvimbo yakati chechetere aina vadzidzi vake vazhinji nechita chikuru chavanhu vakabva muJudhea yose nomuJerusaremu nomunyika yeTire neSidhoni iri pedyo negungwa, vakanga vauya kuzonzwa zvaaitaura nokuporeswa matenda avo. Uye vakanga vachitambudzwa nemweya yakaipa vakaporeswa. Vanhu vose vaivapo vaivavarira kumubata nokuti simba rakanga richibuda maari richiporesa vose. Zvino Jesu akatarisa vadzidzi vake ndokuti, “Makakomborerwa zvenyu imi varombo nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu.
Ruka 6:17-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akaɓuruka naʋo, akamira pakati cecetere, naʋadzidzi ʋake ʋazhinji, naʋanhu ʋazhinji‐zhinji, ʋaibva Judea rose neJerusarema, napamhenderekedzo yeguŋgwa reTire neSidoni, ʋakaŋga ʋaʋuya kuzomunzwa, nokuporeswa hosha dzaʋo. Naʋakaŋga ʋacitambudzika nemŋeya yetȿina ʋakaporeswa. Ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakatȿaka kumunyaŋgata, nokuti simba rakaɓuɗa kwaari rikaʋaporesa ʋose. Ɀino wakatarisisa ʋadzidzi ʋake, akati: Makaropafadzwa imi ʋarombo, nokuti ʋushe bgaMŋari ndobgenyu.
Ruka 6:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)