Ruka 5:9-11
Ruka 5:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti iye neshamwari dzake vakashama kwazvo nokuda kwehove dzavakanga vabata, uye vanaJakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vamwe vaSimoni, vakashamawo. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya; kubva zvino uchava mubati wavanhu.” Saka vakakwevera magwa avo kumahombekombe, vakasiya zvose uye vakamutevera.
Ruka 5:9-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti akanga ashamiswa iye, navose vaakanga anavo nokuwanda kwehove dzavakanga vabata. Ndizvo zvanga zvaitawo Jakobho, naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vaiva shamwari dzaSimoni. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya, kubva zvino uchabata vanhu.” Zvino, vakati vaisa magwa kunyika, vakasiya zvose vakamutevera.
Ruka 5:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti iye, navose vaaiva navo, vakanga vashamiswa nokuwanda kwehove dzavakanga vabata. Ndizvo zvakaitawo vana Jemusi naJohani, vanakomana vaZebhedhi vaiita mushandirapamwe naSimoni. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatye hako, kubvira zvino uchava mubvuvi wavanhu.” Pavakasvitsa magwa avo pamahombekombe, vakasiya zvose vakamutevera.
Ruka 5:9-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti wakaŋga ashamiswa iye, naʋose ʋaakaŋga anaʋo nokuwanda kwehoʋe dzaʋakaŋga ʋaɓata. Ndiɀo ɀaŋga ɀaita ʋo Jakobo naJohane, ʋanakomana ʋaZebedi, ʋaiʋa shamŋari dzaSimoni. Ipapo Jesu akati kunaSimoni: Usatya, kubva ɀino ucaɓata ʋanhu. Ɀino, ʋakati ʋaisa magwa kunyika, ʋakasiya ɀose ʋakamuteʋera.
Ruka 5:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)