Ruka 5:5-8
Ruka 5:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Simoni akapindura akati, “Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu mambure.” Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye mambure avo akatanga kubvaruka. Saka vakaninira vamwe vavo vakanga vari mune rimwe igwa kuti vauye vazovabatsira, ivo vakauya vakazadza magwa ose ari maviri; akazara zvokuti akatanga kunyura. Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, “Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!”

Ruka 5:5-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Simoni akapindura, akati, “Tenzi, takatambura usiku hwose, tisingabati chinhu; asi zvamadaro imi, ndichakanda husvasvi.” Vakati vaita izvozvo, vakakuva hove zhinji, husvasvi hwavo hukabvaruka. Vakaninira shamwari dzavo mune rimwe igwa, kuti vauye kuzovabatsira. Vakauya, vakazadza magwa ose ari maviri, akanga onyura. Zvino, Simoni Pita wakati achizviona, akazviwisira pasi pamabvi aJesu, akati, “Ishe, ibvai kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.”
Ruka 5:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Simoni akapindura akati, “Mudzidzisi, tabinduka usiku hwose, tikasabata chinhu, asi pamusana pokuti mazvitaura ndichadzikisa usvasvi mumvura.” Vakati vaita izvozvo, vakakukuzva hove zhinji, usvasvi hwavo hukatenge hoda kubvaruka. Zvino vakaninira vamwe vavo, vaiva mune rimwe igwa, kuti vauye kuzovabatsira. Vakauya, vakazadza magwa ose ari maviri zvokuti akanga oda kutonyura. Zvino Simoni Pita akati aona izvi, akazviwisira pasi pamabvi aJesu achiti, “Tenzi, ibvai henyu kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.”
Ruka 5:5-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Simoni akapindura, akati: Tenzi, takatambura ʋusiku bgose, tisiŋgaɓati cinhu; asi ɀamaɗaro imi, ndicakanda ʋutaʋa. Ʋakati ʋaita iɀoɀo, ʋakakomba hoʋe zhinji; ʋutaʋa bgaʋo bgukabvaruka. Ʋakaninira shamŋari dzaʋo munerimŋe igwa, kuti ʋaʋuye kuzoʋaɓatsira. Ʋakaʋuya, ʋakazadza magwa ose ari maʋiri, akaŋga onyura. Ɀino, Simoni Petro wakati aciɀiʋona, akaɀiwisira pasi pamabvi aJesu, akati: Ishe, ibvai kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.
Ruka 5:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)