Ruka 5:20-24
Ruka 5:20-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iye akati achiona kutenda kwavo, akati, “Murume, wakanganwirwa zvivi zvako.” Vanyori navaFarisi vakatanga kufunga, vachiti, “Ndianiko uyu anotaura achishonha Mwari? Ndianiko angakanganwira zvivi, asi Mwari oga?” Zvino Jesu, zvaaiziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari, “Munofungeiko mumwoyo yengu? Chiiko chakareruka, kuti, ‘Wakanganwirwa zvivi zvako,’ kana kuti, ‘Simuka, ufambe?’ “Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu anesimba panyika rokukanganwira zvivi, akati kune akafa mitezo, ‘Ndinoti kwauri, simuka, utore nhoo yako, uende kumba kwako.’ ”
Ruka 5:20-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati aona kutenda kwavo, akati, “Shamwari, zvivi zvako zvaregererwa.” VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakatanga kufunga vachiti, “Ndianiko munhu uyu anotaura achimhura Mwari. Ndianiko anoregerera zvivi kunze kwaMwari chete?” Jesu aiziva zvavaifunga uye akabvunza achiti, “Seiko muchifunga zvinhu izvi mumwoyo yenyu? Ndezvipiko zvakareruka: kuti, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’? Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kumurume akanga akaoma mutezo, “Ndinoti kwauri, simuka, tora rukukwe rwako uende kumba.”
Ruka 5:20-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino paakaona chitendero chavo, Jesu akati, “Hama zvitadzo zvako zvaregererwa.” Nyanzvi dzoMutemo navaFarisei vakatanga kufunga vachiti, “Ndianiko uyu anotaura achishonha Mwari? Ndiani angagone kuregerera zvitadzo kunze kwaMwari oga?” Asi Jesu akaona pfungwa dzavo akavapindura achiti, “Munofungireiko zvakadai mumwoyo menyu? Chakareruka ndechipi, kuti, ‘Waregererwa zvitadzo zvako,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe?’ ” Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba pasi pano rokuregerera zvitadzo, akati kuno munhu akanga akatonhora mitezo, “Ndinoti kwauri, simuka, utore uvato hwako, uende kumusha.”
Ruka 5:20-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iye akati aciʋona kutenda kwaʋo, akati: Murume, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako. Ʋanyori naʋaFarise ʋakataŋga kufuŋga, ʋaciti: Ndianiko uyu unotaura acimhura Mŋari? Ndianiko uŋgakaŋganwira ɀiʋi, asi Mŋari oga? Ɀino Jesu, ɀaaiziʋa mifuŋgo yaʋo, akapindura, akati kwaʋari: Munofuŋgeiko mumŋoyo yenyu? Cinyiko cakareruka, kuti: Wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako, kana kuti: Simuka, ufambe? Asi kuti muziʋe kuti Mŋanakomana womunhu unesimba panyika rokukaŋganwira ɀiʋi, (akati kunowakafa mitezo:) Ndinoti kwauri: Simuka, utore nhoʋo yako, uende kumba kwako.
Ruka 5:20-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)