Ruka 5:17-20
Ruka 5:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rimwe zuva paaidzidzisa, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro, vakanga vabva mumisha yose yeGarirea neJudhea uye neJerusarema, vakanga vagerepo. Uye simba raShe rakanga riripo kuti aporese vanorwara. Vamwe varume vakasvika vakatakura murume akanga akaoma mutezo parukukwe vakaedza kuti vamupinze mumba kuti vandomuradzika pamberi paJesu. Vakati vashayiwa nzira yokupinda nayo nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakakwira pamusoro pedenga vakamuburutsa ari parukukwe rwake nepamapfiriro, pakati pavanhu, pamberi paJesu chaipo. Jesu akati aona kutenda kwavo, akati, “Shamwari, zvivi zvako zvaregererwa.”
Ruka 5:17-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nerimwe ramazuva iwayo akanga achidzidzisa; vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vagerepo, vaibva kumisha yose yeGariria neJudhea neJerusaremu; simba raIshe rokuporesa rakanga rinaye. Zvino, tarira, vamwe varume vakanga vakatakura munhu akanga akafa mitezo, ari panhoo, vakatsvaka kupinda naye, nokumuisa pamberi pake. Zvino, vakati vachishayiwa pavangamupinza napo, nokuda kwavazhinji, vakakwira pamusoro peimba, vakamuburusira mukati nenhoo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu. Iye akati achiona kutenda kwavo, akati, “Murume, wakanganwirwa zvivi zvako.”
Ruka 5:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rimwe zuva Jesu paakanga achidzidzisa, paiva navaFarisei navadzidzisi voMutemo, vakanga vagerepo vaibva mumisha yose yeGarirea neyeJudhea nokuJerusaremu. Simba raTenzi rokuporesa rakanga riinaye. Havo vamwe varume vakauya vakatakura pabanda, munhu akanga akatonhora mitezo, vakada kupinda naye nokumuisa pamberi paJesu. Pavakatadza kupinda naye pamusana pokuwanda kwavanhu vakakwira pamusoro pemba, vakabvisa mafendefa edenga remba, ndokumudzikisa ari pauvato pamberi paJesu mukati mavanhu. Zvino paakaona chitendero chavo, Jesu akati, “Hama zvitadzo zvako zvaregererwa.”
Ruka 5:17-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nerimŋe ramazuʋa iwayo wakaŋga acidzidzisa; ʋaFarise naʋadzidzisi ʋomurairo ʋakaŋga ʋagere’po, ʋaibva kumisha yose yeGarirea neJudea neJerusarema; simba raShe rokuporesa rakaŋga rinaye. Ɀino, tarira, ʋamŋe ʋarume ʋakaŋga ʋakatakura munhu wakaŋga akafa miteɀo, ari panhoʋo, ʋakatȿaka kupinda naye, nokumuisa pamberi pake. Ɀino, ʋakati ʋacishaiwa paʋaŋgamupinza napo, nokuɗa kwaʋazhinji, ʋakakwira pamsoro peimba, ʋakamuɓurusira mukati nenhoʋo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu. Iye akati aciʋona kutenda kwaʋo, akati: Murume, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako.
Ruka 5:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)