Ruka 5:1-4
Ruka 5:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rimwe zuva Jesu zvaakanga amire paGungwa reGenesareti, vanhu vakaungana vakamukomberedza vachiteerera kushoko raMwari, uye akaona magwa maviri kumhenderekedzo dzegungwa, akanga asiyiwapo navabati vehove, vakanga vachisuka mambure avo. Akakwira mune rimwe ramagwa acho, rakanga riri raSimoni, akamukumbira kuti ariswededze zvishoma kumahombekombe. Ipapo akagara pasi akadzidzisa vanhu ari mugwa. Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove.”
Ruka 5:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, vanhu vazhinji vakati vachimumanikidza kuti vanzwe shoko raMwari, iye amire pagungwa reGenesareti, akaona magwa maviri ari pagungwa, asi vabati vehove vakanga vabuda maari, vachisuka husvasvi hwavo. Akapinda mune rimwe igwa, raiva raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo zvishona apinde mumvura. Zvino akagara, akadzidzisa vanhu vazhinji, ari muigwa. Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Endai kwakadzika, mukande husvasvi hwenyu, kuti mubate.”
Ruka 5:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanhu zvavakanga vachiti unga–unga padyo naJesu vachida kunzwa shoko raMwari, iye akanga akamira pamahombekombe egungwa reGenesareti. Akaona magwa maviri ari kumucheto kwegungwa asi vabvuvi vakanga vabuda maari, vava kusuka usvasvi hwavo. Jesu akapinda mune rimwe igwa raiva riri raSimoni, akamukumbira kuti asuduruke abve kumucheto zvishoma. Zvino akagara mugwa muya akadzidzisa vanhu vazhinji arimo. Kuzoti apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Enda kwakadzika, mudzikise usvasvi hwenyu mubate hove.”
Ruka 5:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋacimumanikidza kuti ʋanzwe shoko raMŋari, iye amire paguŋgwa reGenesareta, akaʋona magwa maʋiri ari paguŋgwa, asi ʋaɓati ʋehoʋe ʋakaŋga ʋaɓuɗa maari, ʋacisuka ʋutaʋa bgaʋo. Akapinda munerimŋe igwa, raiʋa raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo paɗuku apinde mumʋura. Ɀino akagara, akadzidzisa ʋanhu ʋazhinji, ari mugwa. Wakati apedza kutaura, akati kunaSimoni: Pindai kwakadzika, mukande ʋutaʋa bgenyu, kuti muɓate.
Ruka 5:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)