Ruka 4:42-44
Ruka 4:42-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mangwanani-ngwanani, Jesu akaenda kunzvimbo yakanyarara ari oga. Vanhu vakanga vachimutsvaka uye vakati vamuwana paakanga ari, vakaedza kumudzivisa kuti asabva kwavari. Asi iye akati, “Ndinofanira kuparidza vhangeri roumambo hwaMwari kuna mamwewo maguta, nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” Uye akaramba achiparidza mumasinagoge eJudhea.
Ruka 4:42-44 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kwakanga kusina vanhu; vazhinji vakamutsvaka, vakasvika kwaari, vakaedza kumudzivisa, kuti arege kubva kwavari. Asi akati kwavari, “Ndinofanira kuparidzira mamwe magutawo Vhangeri youshe hwaMwari; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” Akasiparidza mumasinagoge eGariria.
Ruka 4:42-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti kwaedza Jesu akabvako oenda kunzvimbo isina vanhu. Uzhinji hwavanhu hwakamutsvaka. Vakauya kwaari vachiedza kumudzivisa kuti asabve kwavari. Asi Jesu akati kwavari, “Ndinofanira kuparidzawo shoko rakanaka roumambo hwaMwari kuna mamwe maguta nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” Ndokubva aparidza mumasinagogu eJudhea.
Ruka 4:42-44 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kwakati kwaedza, akaɓuɗa, akaenda kwakaŋga kunerenje; ʋazhinji ʋakamutȿaka, ʋakaȿika kwaari, ʋakaidza kumudziʋisa, kuti arege kubva kwaʋari. Asi wakati kwaʋari: Ndinofanira kuparidzira mamŋe maguta ʋo Evaŋgeri yoʋushe bgaMŋari; nokuti ndiɀo ɀandakatumirwa. Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.
Ruka 4:42-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)