Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 4:14-44

Ruka 4:14-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jesu akadzokera kuGarirea musimba roMweya, uye shoko pamusoro pake rakapararira kumativi ose enyika. Akadzidzisa mumasinagoge avo, uye munhu wose akamurumbidza. Akaenda kuNazareta, kwaakanga arerwa, uye nomusi weSabata akapinda musinagoge, setsika yake. Akasimuka kuti averenge. Rugwaro rwakapetwa rwaIsaya rwakapiwa kwaari. Pakurubhedhenura, akawana pakanga pakanyorwa kuti: “Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa, kuti ndiparidze gore rakanaka raShe.” Ipapo akapeta rugwaro, akarudzosera kumubati akagara pasi. Meso avanhu vose vakanga vari musinagoge akanga akati nde-e kwaari, uye akatanga nokuti kwavari, “Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.” Vose vakataura zvakanaka pamusoro pake uye vakashamiswa namashoko akanaka akanga achibuda mumuromo make. Vakati, “Ko, uyu haazi mwanakomana waJosefa here?” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchataura tsumo iyi kwandiri muchiti: ‘Murapi, chizvirapa! Itawo muguta rako rino zvatakanzwa kuti wakaita muKapenaume.’ ” Akaenderera mberi achiti, “Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna muprofita anogamuchirwa muguta rake. Ndinokuudzai chokwadi kuti kwakanga kune chirikadzi zhinji muIsraeri panguva yaEria, panguva yakadzivirwa denga kwamakore matatu nehafu uye nzara huru ikavapo munyika yose. Asi Eria haana kutumwa kuno mumwe wavo, asi kuchirikadzi yeZerafati munyika yeSidhoni. Uye kwaiva navazhinji vaiva namaperembudzi panguva yaEria muprofita, asi hapana mumwe chete pakati pavo akanatswa kunze kwaNaamani muSiria.” Vanhu vose vakanga vari musinagoge vakatsamwa kwazvo pavakanzwa izvi. Vakasimuka, vakamubudisa muguta, vakamutora vakaenda naye kumucheto cheto kwechikomo chakanga chakavakirwa guta ravo, kuti vamusundidzire kumawere. Asi akafamba napakati pemhomho yavanhu akaenda zvake. Ipapo akaburuka zasi kuKapenaume, guta riri muGarirea, akatanga kudzidzisa vanhu nomusi weSabata. Vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti shoko rake raiva nesimba. Musinagoge makanga muno murume akanga akabatwa nedhimoni, mweya wakaipa, uye akadanidzira nenzwi guru achiti, “A! Munodeiko kwatiri imi Jesu weNazareta? Ko, mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinoziva kuti muri ani, muri Mutsvene waMwari!” Jesu akaurayira achiti, “Nyarara! Buda maari!” Ipapo dhimoni rakaputsira murume uyu pasi pamberi pavo vose rikabuda risina kumukuvadza. Vanhu vose vakashamiswa vakataurirana vachiti, “Kudzidzisa uku ndokupi? Anorayira mweya yakaipa nechikuriri uye nesimba, ichibva yabuda!” Mukurumbira wake wakapararira munzvimbo dzose dzakapoteredza. Jesu akabva pasinagoge akaenda kumba kwaSimoni. Zvino mai vomukadzi waSimoni vairwara nefivha, uye vakakumbira Jesu kuti avabatsire. Saka akakotamira kwavari akarayira fivha, ikabva pavari. Vakasimuka pakarepo vakatanga kuvashandira. Zuva rakati rodoka, vanhu vakauya kuna Jesu navose vakanga vana marudzi akasiyana-siyana ezvirwere, akaisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo akavaporesa. Pamusoro paizvozvo, madhimoni akabuda muvanhu vazhinji, achidanidzira achiti, “Ndiwe Mwanakomana waMwari!” Asi iye akaatsiura akasaatendera kuti ataure, nokuti iwo aiziva kuti ndiye Kristu. Mangwanani-ngwanani, Jesu akaenda kunzvimbo yakanyarara ari oga. Vanhu vakanga vachimutsvaka uye vakati vamuwana paakanga ari, vakaedza kumudzivisa kuti asabva kwavari. Asi iye akati, “Ndinofanira kuparidza vhangeri roumambo hwaMwari kuna mamwewo maguta, nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” Uye akaramba achiparidza mumasinagoge eJudhea.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 4

Ruka 4:14-44 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jesu akadzokera Gariria nesimba roMweya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza. Aidzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa navanhu vose. Akasvika kuNazareta, kwaakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi weSabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave. Akapiwa bhuku yomuporofita Isaya; zvino akati aripetenura, akawana pakanyorwa panoti, “Mweya waIshe uri pamusoro pangu, Nokuti akandizodza, kuti ndiparidzire varombo Vhangeri; Akandituma kuti ndizivise vakatapwa kusunungurwa kwavo; Namapofu kuti vaonezve; Ndiregedze vakatsikirirwa; Nokuzivisa gore raIshe rakanaka.” Akapeta bhuku, akaridzosera kumutariri, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa. Zvino akatanga kuvaudza, achiti, “Nhasi rugwaro urwu rwaitika munzeve dzenyu.” Vose vakamupupurira zvakanaka, vakashamiswa namashoko akanaka akabuda mumuromo make, vakati, “Ko uyu haazi mwanakomana waJosefa here?” Akati kwavari, “Ndinoziva, muchareva tsumo iyi kwandiri, ‘N'anga uzviporese; zvose izvo zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, uzviitewo nomuno munyika yako.’ ” Akati, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hakuna muporofita anogamuchirwa munyika yake. Ndinokuudzai shoko iri razvokwadi. Kwakanga kune chirikadzi zhinji pakati pavaIsiraeri pamazuva aEria, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose; asi Eria haana kutumwa kune mumwe wavo, asi akatumwa Sarepita bedzi, munyika yeSidhoni, kumukadzi aiva chirikadzi. Kwakanga kuna vaiva namaperembudzi vazhinji pakati pavaIsiraeri pamazuva omuporofita Erisha; hakuna mumwe wavo akanatswa, asi Naamani bedzi, muSiria.” Ipapo vose vakanga vari musinagoge, vakatsamwa zvikuru, vachinzwa izvozvo, vakasimuka, vakamudzingira kunze kweguta, vakaenda naye kumawere egomo, pakanga pakavakwa guta ravo, kuti vamuwisire pasi. Asi iye akapinda napakati pavo, akaenda. Zvino akaburukira Kapenaume, raiva guta reGariria; akasivadzidzisa nemisi yeSabata; vakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti shoko rake rakanga rine simba. Zvino musinagoge makanga muno munhu akanga anomweya wakaipa wahan'ora; iye akadanidzira nezwi guru, achiti, “Haiwa, tine mhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.” Ipapo Jesu akaurayira, achiti, “Nyarara, ubude kwaari!” Mweya wakaipa ukamuwisira pasi pakati pavo, ukabuda kwaari, usina kutongomukuvadza. Kutya kukavawira vose, vakataurirana, vachiti, “Shoko iri ndereiko? Nokuti anoraira mweya yakan'ora nechikuriri nesimba, ikabuda.” Mukurumbira wake ukanzwika kumativi ose enyika yakapoteredza. Zvino akasimuka musinagoge, akapinda mumba maSimoni. Mai vomukadzi waSimoni vakanga vakabatwa nefivhzvikuru; vakavakumbirira kwaari. Ipapo akakotamira pamusoro pavo, akarayira fivha, ikavarega; vakasimuka pakarepo, vakavashandira. Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva navanorwara nehosha zhinji vakauya navo kwaari; akaisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo, akavaporesa. Nemweya yakaipa yakabuda kuvazhinji, ichidanidzira, ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari!” Asi akayiraira, akasaitendera kutaura, nokuti yakanga ichiziva kuti ndiye Kristu. Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kwakanga kusina vanhu; vazhinji vakamutsvaka, vakasvika kwaari, vakaedza kumudzivisa, kuti arege kubva kwavari. Asi akati kwavari, “Ndinofanira kuparidzira mamwe magutawo Vhangeri youshe hwaMwari; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” Akasiparidza mumasinagoge eGariria.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 4

Ruka 4:14-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino Jesu akadzokera Garirea ava nesimba raMweya; mukurumbira wake ukapararira kwose kwose munharaunda iyoyo. Akadzidzisa mumasinagogu avo achirumbidzwa navanhu vose. Zvino Jesu akauya kuNazareti kwaakanga arerwa. Akapinda musinagogu nomusi weSabata, samaitiro ake. Akasimuka kuti averenge ndokupiwa bhuku romuporofita Isaya. Akati aripetenura akawana pakanyorwa kunzi, “Mweya waTenzi uri pandiri nokuti akandizodza kuti ndiparidze shoko rakanaka kuvarombo. Akandituma kuti ndizivise nhapwa zverusununguko rwadzo namapofu zvekusvinudzwa kwawo, nokupa rusununguko kuna vakadzvinyirirwa, uyezve kuparidza gore renyasha dzaTenzi.” Akazarira bhuku riya ndokuridzorera kumutariri, ogara pasi. Maziso avose avanhu vakanga vari musinagogu akaramba akamutarisa. Zvino akatanga kutaura kwavari achiti, “Nhasi uno, gwaro dzvene iri ramazvinzwira nenzeve dzenyu razadziswa.” Vose vakataura zvakanaka nezvake, uye vakashamiswa namazwi anotora mwoyo akabuda mumuromo make. Vakati, “Ko uyu haazi mwanakomana waJosefi here?” Iye ndokuvati, “Ndine chokwadi chokuti munoda kundiitira tsumo iyi inoti, ‘N'anga zvirape.’ Muchindiudzawo kuti zviya zvatakanzwa, zvawakaita kuKapenaumu, zviitewo muno munyika mako.” Uye ndokuti, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna muporofita anogamuchirwa munyika make. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri muIsiraeri makanga muine chirikadzi zhinji pamazuva aEriya, panguva iya yakapfigwa denga kukasanaya kwamakore matatu nemwedzi mitanhatu, kukava nenzara huru munyika yose, asi Eriya haana kutumwa kune imwe yadzo kusiya chete kune mukadzi aive chirikadzi kuZarefati munyika yeSidhoni. Uyezve muIsiraeri maiva navazhinji vaiva namaperembudzi panguva yomuporofita Erisha asi hakuna nomumwe wavo akabviswa maperembudzi akachenurwa, kunze kwaNaamani muSiria.” Pakunzwa izvi, vose vakanga vari musinagogu vakazadzwa nehasha. Vakasimuka vakabva vamudzingira kunze kweguta, vakandosvika naye pamusoro pegomo, pakanga pakavakirwa guta ravo, kuti vamusaidzire kumawere. Asi iye akapfuura napakati pavo, ndokuenda zvake. Jesu wakazodzika Kapenaumu, guta reGarirea, kwaakadzidzisa vanhu pamusi weSabata. Vakashamiswa kwazvo nokudzidzisa kwake nokuti zvaaitaura zvaiva nechiremera. Musinagogu imomo maiva nomunhu aiva nomweya wakaipa wetsvina. Akazhamba nezwi guru achiti; “Aa! Ko tinei newe Jesu weNazareti? Wauya kuzotiparadza here? Ndinokuziva; kuti ndiwe ani; ndiwe Mutsvene waMwari.” Jesu akaukarira achiti, “Chibva wanyarara ubude maari.” Kuzoti mweya wakaipa uya wambomurigira pasi, vose vachizviona; wakabuda maari usina kumbomukuvadza. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo, vakataurirana vachiti, “Ishokoi iri? Nokuti anoudza mweya yakaipa nechiremera nesimba, ichibva yabuda.” Mukurumbira wake wakanzwika mudunhu iro rose. Jesu akazosimuka obva pasinagogu ndokundopinda mumba maSimoni. Vambuya vaSimoni vakanga vachirwara kwazvo, muviri wavo uchipinda chando zvikuru. Vakavakumbirira kuna Jesu. Iye akandomira pedyo navo ndokutaurira denda kuti ribve mavari. Denda ndokubva ravasiya. Pakarepo vakabva vasimuka vakavashandira. Kuzoti zuva rovira, vose vaiva navarwere vana matenda akasiyana–siyana, vakauya navo kwaari, iye ndokuisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo, akavaporesa. Mweya yakaipa yakabuda muvazhinji ichidaidzira ichiti, “Iwe, ndiwe Mwanakomana waMwari.” Asi Jesu akaikarira asingaibvumiri kutaura nokuti yaiziva kuti iyeyu ndiye Kristu wacho. Kuzoti kwaedza Jesu akabvako oenda kunzvimbo isina vanhu. Uzhinji hwavanhu hwakamutsvaka. Vakauya kwaari vachiedza kumudzivisa kuti asabve kwavari. Asi Jesu akati kwavari, “Ndinofanira kuparidzawo shoko rakanaka roumambo hwaMwari kuna mamwe maguta nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” Ndokubva aparidza mumasinagogu eJudhea.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 4

Ruka 4:14-44 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jesu wakadzokera Garirea nesimba roMŋeya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza. Waidzidzisa mumasinagoge aʋo, acikudzwa naʋanhu ʋose. Akaȿika paNazareta, paakaŋga arerwa, akapinda musinagoge nomusi wesaɓata seɀaaisiita, akasimuka kuti araʋe. Akapiwa buku yomuprofita Isaya; ɀino wakati aipetenura, akawana pakanyorwa panoti: Mŋeya waShe uri pamsoro paŋgu, Nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire ʋarombo Evaŋgeri; Wakandituma kuti ndiziʋise ʋakatapxa kusunuŋgurwa kwaʋo; Namapofu kuti ʋaʋone ɀe; Ndiregedze ʋakatsikirirwa; Nokuziʋisa gore raShe rakanaka. Akapeta buku, akaidzosera kumutariri, akagara pasi; meso aʋose ʋaiʋa musinagoge akamutarisisa. Ɀino akataŋga kuʋaʋudza, aciti: Nhasi rugwaro urwu rwaitika munzeʋe dzenyu. Ʋose ʋakamupupurira ɀakanaka, ʋakashamiswa namashoko akanaka akaɓuɗa mumuromo make, ʋakati: Ko uyu haazi mŋanakomana waJosefa here? Akati kwaʋari: Ndinoziʋa, mucareʋa shumo iyi kwandiri: Ŋaŋga uɀiporese; ɀose iɀo ɀatakanzwa ɀakaitwa paKapernaume, uɀiite ʋo nomuno munyika yako. Akati: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Hakunomuprofita unogamucirwa munyika yake. Ndinokuʋudzai shoko iri raɀokwaɗi: Kwakaŋga kunecirikadzi zhinji pakati paʋaIsraeri pamazuʋa aEria, paŋguʋa yakazarirwa ɗeŋga makore matatu nemŋedzi mitanhatu, nzara huru ikaʋa’po panyika yose; asi Eria haana‐kutumŋa kunomumŋe waʋo, asi wakatumŋa Sarepta ɓedzi, munyika yeSidoni, kumukadzi waiʋa cirikadzi. Kwakaŋga kunaʋaiʋa namaperembudzi ʋazhinji pakati paʋaIsraeri pamazuʋa omuprofita Erisha; hakunomumŋe waʋo wakanatswa, asi Naamani ɓedzi, muSiria. Ipapo ʋose ʋakaŋga ʋari musinagoge, ʋakatsamŋa ɀikuru, ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakasimuka, ʋakamudziŋgira kunze kweguta, ʋakaenda naye kumawere egomo, pakaŋga pakaʋakwa guta raʋo, kuti ʋamuwisire pasi. Asi iye wakapinda napakati paʋo, akaenda. Ɀino wakaɓurukira Kapernaume, raiʋa guta reGarirea; akasiʋadzidzisa nemisi yesaɓata; ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti shoko rake rakaŋga rinesimba. Ɀino musinagoge makaŋga munomunhu wakaŋga anomŋeya wakaipa wetȿina; iye akaɗanidzira nenzwi guru, aciti: Haiwa, tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Maʋuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuziʋai kuti ndimi ani; muri Mutȿene waMŋari. Ipapo Jesu akauraira, aciti: Nyarara, uɓuɗe kwaari! Mŋeya wakaipa ukamuwisira pasi pakati paʋo, ukaɓuɗa kwaari, usina‐kutoŋgomukuʋadza. Kutya kukaʋawira ʋose, ʋakataurirana, ʋaciti: Shoko iri ndereiko? Nokuti unoraira mŋeya yetȿina necikuriri nesimba, ikaɓuɗa. Mukurumbira wake ukanzwika kumatiʋi ose enyika yakapoteredza. Ɀino wakasimuka musinagoge, akapinda mumba maSimoni. Mai ʋomukadzi waSimoni ʋakaŋga ʋakaɓatwa nefiviri ɀikuru; ʋakaʋakumbirira kwaari. Ipapo akakotamira pamsoro paʋo, akaraira fiviri, ikaʋarega; ʋakasimuka pakarepo, ʋakaʋashandira. Ɀino zuʋa rakati roʋira, ʋose ʋaiʋa naʋanorwara nehosha zhinji ʋakaʋuya naʋo kwaari; akaisa maʋoko ake pamsoro pomumŋe nomumŋe waʋo, akaʋaporesa. Nemŋeya yakaipa yakaɓuɗa kuʋazhinji, iciɗanidzira, iciti: Ndimi Mŋanakomana waMŋari! Asi wakairaira, akasaitendera kutaura, nokuti yakaŋga iciziʋa kuti ndiye Kristu. Ɀino kwakati kwaedza, akaɓuɗa, akaenda kwakaŋga kunerenje; ʋazhinji ʋakamutȿaka, ʋakaȿika kwaari, ʋakaidza kumudziʋisa, kuti arege kubva kwaʋari. Asi wakati kwaʋari: Ndinofanira kuparidzira mamŋe maguta ʋo Evaŋgeri yoʋushe bgaMŋari; nokuti ndiɀo ɀandakatumirwa. Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 4

Ruka 4:14-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)