Ruka 4:1-13
Ruka 4:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu, azere noMweya Mutsvene, akadzoka kubva paJorodhani akatungamirirwa noMweya mugwenga, umo maakaedzwa naSatani kwamazuva makumi mana. Haana chaakadya pamazuva iwayo, uye pakupera kwamazuva iwayo akanzwa nzara. Satani akati kwaari, “Kana iwe uri mwanakomana waMwari, rayira dombo iri kuti rive chingwa.” Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.’ ” Satani akamutungamirira kunzvimbo yakakwirira uye akamuratidza munguva diki diki umambo hwose hwenyika. Akati kwaari, “Ndichakupa simba rahwo rose nokubwinya kwahwo, nokuti ndakahupiwa, uye ini ndinogona kuhupa kuna ani zvake wandinoda. Saka kana ukandinamata, huchava hwako hwose.” Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako umushumire iye oga.’ ” Satani akamutungamirira kuJerusarema akamuita kuti amire pachiruvi chetemberi. Akati kwaari, “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Acharayira vatumwa vake pamusoro pako kuti vakuchengete kwazvo; vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.’ ” Jesu akati, “Zvinonzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ” Satani akati apedza kuedza kwake kwose uku, akabva paari kusvikira pane imwe nguva.
Ruka 4:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu azere noMweya Mutsvene, akadzokazve achibva kuJorodhani, akatungamirirwa noMweya murenje achiedzwa naDhiabhori mazuva ana makumi mana. Akanga asingadyi chinhu namazuva iwayo; zvino akati apera, akaziya. Zvino Dhiabhori akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, udza ibwe iri kuti rive chingwa.” Jesu akamupindura, akati, “Kwakanyorwa kuti munhu haangararami nechingwa bedzi.” Zvino akamutungamirira kugomo refurefu, akamuratidza ushe hwose hwenyika nenguva duku-duku. Dhiabhori akati kwaari, “Ndichakupa simba iri rose nokubwinya kwazvo, nokuti ndakahupiwa ini, kuti ndihupe wandinoda. Zvino, iwe, kana ukandinamata, zvose zvichava zvako.” Jesu akapindura, akati kwaari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.’ ” Akaenda naye Jerusaremu, akamuisa pachiruvi chetemberi, akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi pano; Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;’ ‘Pamaoko avo vachakusimudza, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.’ ” Jesu akapindura, akati kwaari, “Kwakanzi, ‘Usaedza Ishe, Mwari wako.’ ” Dhiabhori akati apedza kuedza kwose, akamusiya kusvikira imwe nguva.
Ruka 4:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Jesu, azere naMweya Mutsvene, akadzoka achibva kuna Jorodhani. Akatungamirirwa naMweya mugwenga kwamazuva makumi mana achiedzwa naSatani. Pamazuva iwayo haana chaakadya; zvino pakupera kwawo akaziya nenzara. Satani akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari iti ibwe iri rive chingwa.” Jesu akamupindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Munhu haararami nechingwa choga.’ ” Satani akamutungamidza oenda naye pakakwirira akamuratidza umambo noumambo hwapasi pose nakanguva kadukuduku, akachimuti; “Ndichakupa umambo hwose uhwu nomukurumbira wahwo nokuti zvakaturirwa kwandiri, uyezve ndinozvipa kune wandinenge ndichida. Naizvozvo, iwe ukandipfugamira zvose zvichava zvako.” Jesu akamupindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Unofanira kugwadamira uchinamata Tenzi Mwari wako, umushandire iye oga.’ ” Akamutungamidzazve oenda naye Jerusaremu akandomumisa pachisuvi cheTemberi ndokumuti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano, nokuti zvakanyorwa zvichinzi; ‘Mwari achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete vachikudzivirira,’ uyezve ‘Vachakugama namaoko avo kuti urege kugumburwa tsoka yako nebwe.’ ” Jesu akamupindura achiti, zvakanzi, “Usaedze Tenzi Mwari wako.” Kuzoti Satani apedza mitoo yose yokumuedza nayo akambomusiya kusvikira pane imwe nguva.
Ruka 4:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu azere noMŋeya Mutȿene, wakadzoka ɀe acibʋa paJordani, akatuŋgamirirwa noMŋeya murenje aciidzwa naDiaborosi mazuʋa anamakumi manna. Wakaŋga asiŋgadyi cinhu namazuʋa iwayo; ɀino akati apera, akaziya. Ɀino Diaborosi akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, ʋudza ibge iri kuti riʋe ciŋgwa. Jesu akamupindura, akati: Kwakanyorwa kuti munhu haaŋgararami neciŋgwa ɓedzi. Ɀino akamutuŋgamirira kumsoro, akamuratidza ʋushe bgose bgenyika neŋguʋa ɗuku‐ɗuku. Diaborosi akati kwaari: Ndicakupa simba iri rose nokubginya kwaɀo, nokuti ndakabgupiwa ini, kuti ndibgupe wandinoɗa. Ɀino, iwe, kana ukandinamata, ɀose ɀicaʋa ɀako. Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanyorwa kucinzi: Namata Ishe, Mŋari wako, umushumire iye oga. Akaenda naye Jerusarema, akamuisa paciruʋu cetembere, akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, uɀiwisire pasi pano; Nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako, kuti ʋakuceŋgete; Pamaʋoko aʋo ʋacakusimudza, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge. Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe, Mŋari wako. Diaborosi akati apedza kuidza kwose, akamusiya kuȿikira imŋe ŋguʋa.
Ruka 4:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)