Ruka 24:45-47
Ruka 24:45-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo akazarura ndangariro dzavo kuti vanzwisise Magwaro. Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa kuti: Kristu achatambudzika agomuka kubva kuvakafa pazuva rechitatu, uye kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuchaparidzirwa kumarudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema.
Ruka 24:45-47 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo akadziura kuziva kwavo, kuti vanzwisise Magwaro. Akati kwavari, “Ndizvo zvakanyorwa, kuti Kristu achatambudzika, agomuka kuvakafa nezuva retatu; kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendeuka nokukanganwirwa zvivi, vachitanga muJerusaremu.
Ruka 24:45-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akavazarura pfungwa kuti vanzwisise Magwaro Matsvene. Akati kwavari, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Kristu aifanira kutambudzika uye kuti amuke kuvafi nezuva retatu uyewo kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvitadzo kuparidzwe muzita rake kumarudzi ose, zvichitangira kuJerusaremu.
Ruka 24:45-47 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo akadziʋura kuziʋa kwaʋo, kuti ʋanzwisise Magwaro. Akati kwaʋari: Ndiɀo ɀakanyorwa, kuti Kristu ucatambudzika, agomuka kuʋakafa nezuʋa retatu; kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendeʋuka nokukaŋganwirwa ɀiʋi, ʋacitaŋga paJerusarema.
Ruka 24:45-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)