Ruka 24:36-49
Ruka 24:36-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pavakanga vachiri kutaura pamusoro pazvo, Jesu pachake akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve nemi.” Vakavhunduka uye vakatya, vachifunga kuti vaona mweya. Iye akati kwavari, “Munotambudzika neiko, uye seiko kukahadzika kuchimuka mupfungwa dzenyu? Tarisai maoko angu netsoka dzangu. Ndini iye! Ndibatei muone; mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunoona ndinazvo ini.” Akati areva izvi, akavaratidza maoko ake netsoka dzake. Uye pavakanga vachigere kutenda nokuda kwomufaro uye vachishamiswa, akavabvunza akati, “Mune chokudya here pano?” Vakamupa chimedu chehove yakagochwa, uye akachitora akachidya pamberi pavo. Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvandaikuudzai ndichinemi kuti: Zvinhu zvose zvakanyorwa pamusoro pangu muMurayiro waMozisi, naVaprofita nomuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.” Ipapo akazarura ndangariro dzavo kuti vanzwisise Magwaro. Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa kuti: Kristu achatambudzika agomuka kubva kuvakafa pazuva rechitatu, uye kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuchaparidzirwa kumarudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema. Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi. Ndichakutumirai chipikirwa chakavimbiswa naBaba; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.”
Ruka 24:36-49 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati vachataura izvozvo, akamira pakati pavo amene, akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi!” Asi vakavhunduka, vakatya kwazvo, vakati zvimwe vaona mweya. Akati kwavari, “Munotambudzika neiko? Mifungo inomukireiko mumwoyo yenyu? Tarirai zvanza zvangu netsoka dzangu, kuti ndini ndimene. Ndibatei, muone, nokuti mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunondiona ndinazvo ini.” Akati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake netsoka dzake. Zvino vakati vachigere kutenda nokufara kwavo, vachashamiswa, akati kwavari, “Mune zvokudya pano here?” Vakamupa nhindi yehove yakagochwa. Akatora, akadya vachizviona. Akati kwavari, “Ndiwo mashoko angu, andakakuudzai ndichiri nemi, kuti zvose zvakanyorwa pamusoro pangu pamurayiro waMosesi, napavaporofita, napaMapisarema, zvinofanira kuitika.” Ipapo akadziura kuziva kwavo, kuti vanzwisise Magwaro. Akati kwavari, “Ndizvo zvakanyorwa, kuti Kristu achatambudzika, agomuka kuvakafa nezuva retatu; kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendeuka nokukanganwirwa zvivi, vachitanga muJerusaremu. Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi. Tarirai, ndinotuma pamusoro penyu chipikirwa chaBaba vangu; asi imi garai muguta, kusvikira mapiwa simba rinobva kumusoro.”
Ruka 24:36-49 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakanga vachiri kutaura izvi. Iye Jesu pachake akamira pakati pavo (akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi”). Vakavhunduka vakatya vachifunga kuti vari kuona dzangaradzimu. Iye akati kwavari, “Ko muri kunetseka mumwoyo menyu neiko? Ko mibvunzo iri kumukireiko mumusoro menyu? Tarisai maoko angu netsoka dzangu muone kuti ndini chaiye. Ndibatei muone nokuti dzimudzangara harina nyama namapfupa sezvamuri kuona ndiinazvo.” Ataura izvi akavaratidza maoko ake netsoka dzake. Vachiri kupokana kudaro pamusana pokufara uye vachikatyamadzwa akati kwavari, “Mune chokudya here pano?” Vakamupa hove yakagochwa akaitora akaidya pamberi pavo. Akazovataurira achiti, “Aya ndiwo mazwi angu andakakutaurirai ndichinemi ndichiti, ‘Zvose zvakanyorwa nezvangu mumutemo waMosesi nomuvaporofita nomunziyo zvaifanira kuzadzikiswa.’ ” Akavazarura pfungwa kuti vanzwisise Magwaro Matsvene. Akati kwavari, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Kristu aifanira kutambudzika uye kuti amuke kuvafi nezuva retatu uyewo kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvitadzo kuparidzwe muzita rake kumarudzi ose, zvichitangira kuJerusaremu. Imi ndimi zvapupu zvezvinhu izvi. Chinzwai, ndichatumira pamuri chipikirwa chababa vangu. Asi imi garai muguta rino, kusvikira mapiwa simba rinobva kumusoro.’ ”
Ruka 24:36-49 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati ʋacataura iɀoɀo, akamira pakati paʋo amene, akati kwaʋari: Rugare ŋgaruʋe nemi! Asi ʋakavunduka, ʋakatya kwaɀo, ʋakati ɀimŋe ʋaʋona mŋeya. Akati kwaʋari: Munomanikidzwa neiko? Mifuŋgo inomukireiko mumŋoyo yenyu? Tarirai ɀanza ɀaŋgu netsoka dzaŋgu, kuti ndini ndimene. Ndiɓatei, muʋone, nokuti mŋeya haunenyama namafupa, seɀamunondiʋona ndinaɀo ini. Wakati areʋa iɀoɀo, akaʋaratidza ɀanza ɀake netsoka dzake. Ɀino ʋakati ʋacigere kutenda nokufara kwaʋo, ʋacashamiswa, akati kwaʋari: Muneɀokudya pano here? Ʋakamupa nhindi yehoʋe yakagocwa. Akatora, akadya ʋaciɀiʋona. Akati kwaʋari: Ndiwo mashoko aŋgu, andakakuʋudzai ndiciri nemi, kuti ɀose ɀakanyorwa pamsoro paŋgu pamurairo waMosesi, napaʋaprofita, napaMapisarema, ɀinofanira kuitika. Ipapo akadziʋura kuziʋa kwaʋo, kuti ʋanzwisise Magwaro. Akati kwaʋari: Ndiɀo ɀakanyorwa, kuti Kristu ucatambudzika, agomuka kuʋakafa nezuʋa retatu; kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendeʋuka nokukaŋganwirwa ɀiʋi, ʋacitaŋga paJerusarema. Imi muri ɀapupu ɀeɀinhu iɀi. Tarirai, ndinotuma pamsoro penyu cipikirwa caƂaɓa ʋaŋgu; asi imi garai muguta, kuȿikira mafukidzwa nesimba rinobva kumsoro.
Ruka 24:36-49 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)