Ruka 24:25-32
Ruka 24:25-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iye akati kwavari, “Haiwa imi vokusanzwisisa, uye vane mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaprofita! Ko, Kristu akanga asingafaniri kutambudzika pazvinhu izvi agozopinda mukubwinya kwake here?” Ipapo akatanga naMozisi navaprofita vose, akavatsanangurira zvakanyorwa pamusoro pake mumagwaro. Kuzoti vava kusvika mumusha mavakanga vachienda, Jesu akaita sokunge oda kupfuurira. Asi vakamugombedzera zvikuru vachiti, “Garai nesu, nokuti kwava kudoka; zuva rava kuvira.” Saka akapinda kuti andogara navo. Akati agara navo patafura, akatora chingwa, akavonga, akachimedura akatanga kuvapa. Ipapo meso avo akasvinudzwa vakamuziva, akabva anyangarika pamberi pavo. Vakabvunzana vachiti, “Ko, mwoyo yedu yanga isingapisi neiko mukati medu zvaanga achitaura nesu mumugwagwa uye achitizarurira magwaro?”
Ruka 24:25-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino iye akati kwavari, “Imi vokusafunga, mune mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaporofita! “Kristu akanga asingafaniri kutambudzika saizvozvo, agopinda mukubwinya kwake here?” Ipapo akatanga kuna Mosesi navaporofita vose, akavadudzira zvakanyorwa pamusoro pake muMagwaro ose. Zvino vakaswedera kumusha kwavakanga vachienda; iye akaita sooda kupfuura. Vakamugombedzera, vachiti, “Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva ravira.” Ipapo akapinda kundogara navo. Zvino akati agara navo pakudya, akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa. Ipapo meso avo akasvinudzwa, vakamuziva; akanyangarika kwavari. Vakataurirana, vachiti, “Ko mwoyo yedu yakanga isingapisi mukati medu, achitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here?”
Ruka 24:25-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu ndokuti kwavari, “Oo, inga muri mazirema chaiwo avanhu! Munechinono chaicho kutenda zvose zvakataurwa navaporofita. Zvakanga zvisingafaniri here kuti iye Kristu atambudzike saizvozvi achizopinda mumbiri yake?” Ndipo paakatangisa nokuna Mosesi navaporofita vose achivatsananungurira muMagwaro Matsvene ose zvinhu zvakanangana naiye pachake. Pavakanga vava kuda kusvika pamusha wavaienda, akaita seavakupfuurira. Asi vakamugombedzera vachiti, “Garai nesu nokuti kwava kuda kuvira zuva rapera.” Saka akapinda kundogara navo. Paakanga ari pakudya navo, akatora chingwa akachikomborera ndokuchimedura akachipa kwavari. Maziso avo akabva azaruka vakabva vamuziva, asi iye akabva anyangarika kwavari. Vakataurirana vachiti, “Mwoyo yedu haina kunge yava kutopisirira here mukati medu paanga achitaura kwatiri munzira; paya paanga achitizarurira Magwaro Matsvene?”
Ruka 24:25-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino iye akati kwaʋari: Imi ʋokusafuŋga, munemŋoyo inononoka kutenda ɀose ɀakarebga naʋaprofita! Ko Kristu wakaŋga asiŋgafaniri kutambudzika saiɀoɀo, agopinda pakubginya kwake here? Ipapo akataŋga kunaMosesi naʋaprofita ʋose, akaʋaɗudzira ɀakanyorwa pamsoro pake muMagwaro ose. Ɀino ʋakasweɗera kumusha kwaʋakaŋga ʋacienda; iye akaita sowoɗa kupfuʋura. Ʋakamugombedzera, ʋaciti: Garai nesu, nokuti aʋa maɗekwana, zuʋa raʋira. Ipapo akapinda kundogara naʋo. Ɀino wakati agara naʋo pakudya, akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokuʋapa. Ipapo meso aʋo akaȿinudzwa, ʋakamuziʋa; akanyaŋgarika kwaʋari. Ʋakataurirana, ʋaciti: Ko mŋoyo yeɗu yakaŋga isiŋgapisi mukati meɗu, acitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here?
Ruka 24:25-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)