Ruka 23:44-46
Ruka 23:44-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu, rima rikava pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe, nokuti zuva rakamira kuvhenekera. Uye chidzitiro chetemberi chakabvarurwa napakati. Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Akati ataura izvi, akabudisa mweya wake.
Ruka 23:44-46 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu; rima rikavapo panyika yose, kusvikira panguva yepfumbamwe. Zuva rikasviba; chidzitiro chetemberi chikabvaruka napakati. Zvino Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu pamaoko enyu!” Akati areva izvozvo, akabudisa mweya wake.
Ruka 23:44-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo yakanga yenge awa yegumi nechipiri uye nyika yose yakati rima tiba kusvikira paawa yechitatu masikati. Chiedza chezuva chakadzima; jira rokudzikatirisa romuTemberi rikabvaruka napakati. Jesu akadaidzira nezwi guru akati, “Baba ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Apedza kutaura kudaro akabva afa.
Ruka 23:44-46 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino yakaŋga yaʋa ŋguʋa ineŋge yecitanhatu; rima rikaʋa’po panyika yose, kuȿikira paŋguʋa yepfumbamŋe, Zuʋa rikaȿiɓa; cidzitiro cetembere cikabvaruka napakati. Ɀino Jesu akaɗana nenzwi guru, aciti: Ƃaɓa, ndinoisa mŋeya waŋgu pamaʋoko enyu! Akati areʋa iɀoɀo, akaɓuɗisa mŋeya wake.
Ruka 23:44-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)