Ruka 23:33-37 - Compare All Versions
Ruka 23:33-37 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vasvika panzvimbo yainzi Dehenya, vakamuroverera ipapo, pamwe chete nembavha, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe rwake. Jesu akati, “Baba, varegererei, nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakagovana nguo dzake vachikanda mijenya. Vanhu vakamira vakatarira, uye kunyange vatongi vakamuseka. Vakati, “Akaponesa vamwe; ngaazviponese iye pachake kana ari Kristu waMwari, iye Musanangurwa.” Varwi vakasvikawo vakamuseka. Vakamupa waini yevhiniga vakati, “Kana uri mambo wavaJudha, chizviponesa.”
Ruka 23:33-37 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi, “Dehenya,” vakamuroverapo navatadzi, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe. Ipapo Jesu akati, “Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita.” Vakagovana nguo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo. Vanhu vakamira, vachitarira; namakurukota vakamusekawo, vachiti, “Wakaponesa vamwe; ngaazviponese, kana ari Kristu waMwari, Mutsanangurwa wake.” Navarwiwo vakamuseka, vakauya kwaari, vakamupa vhiniga, vachiti, “Kana uri Mambo wavaJudha, uzviponese.”
Ruka 23:33-37 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Pavakasvika panzvimbo inonzi yeDehenya ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa navapari vedzimhosva vaya vaviri mumwe ari kurudyi mumwe ari kuruboshwe. Jesu akati, “Baba varegererei nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakakanda mijenya kuti vagovane hanzu dzake. Vanhu vakanga vakamira pedyo vachitarisa. Asi vatongi vakamusveeredza vachiti, “Akaponesa vamwe ko ngaazviponesewoka kana ari iye Mesia waMwari musarudzwi wake.” Masoja akamutsvinyirawo, vachiuya vachimupa waini inovava vachiti, “Kana uriwe Mambo wavaJudha zviponese.”
Ruka 23:33-37 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino ʋakati ʋaȿika panɀimbo inonzi Ƌehenya, ʋakamuroʋera’po naʋatadzi, mumŋe kurudyi mumŋe kuruɓoshwe. Ipapo Jesu akati: Ƃaɓa, muʋakaŋganwire, nokuti haʋaziʋi caʋanoita. Ʋakagoʋana ŋguʋo dzake, ʋacikanda mijenya pamsoro padzo. Ʋanhu ʋakamira, ʋacitarira; naʋaɓati ʋakamuseka ʋo, ʋaciti: Wakaponesa ʋamŋe; ŋgaaɀiponese, kana ari Kristu waMŋari, Musanaŋgurwa wake. Naʋarwi ʋo ʋakamuseka, ʋakaʋuya kwaari, ʋakamupa vinega, ʋaciti: Kana uri Mambo waʋaJuda, uɀiponese.
Ruka 23:33-37 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)