Ruka 22:53-63
Ruka 22:53-63 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mazuva ose ndakanga ndinemi mutemberi, uye hamuna kundibata. Asi ino ndiyo nguva yenyu, yokutonga kwerima.” Ipapo vakamubata, vakaenda naye vakandomuisa mumba momuprista mukuru. Petro akamutevera ari nechokure. Asi vakati vabatidza moto pakati poruvazhe uye vagara pasi pamwe chete, Petro akagara pakati pavo. Musikana akanga ari mushandi akamuona agerepo muchiedza chomoto. Akamunanʼanidza akati, “Murume uyu aivawo naJesu.” Asi iye akaramba izvozvo akati, “Iwe mukadzi, handimuzivi ini.” Kwapera chinguvana, mumwezve akamuona akati, “Newewo uri mumwe wavo.” Petro akapindura akati, “Iwe murume, handizi!” Shure kweawa imwe chete mumwezve akauya akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga anaye, nokuti muGarirea.” Petro akapindura akati, “Iwe murume, handitombozivi zvauri kutaura nezvazvo!” Achiri kutaura, jongwe rakabva rarira. Ishe akatendeuka akatarisa akanyatsonanga Petro. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa kwaari naShe rokuti, “Nhasi jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru. Varume vakanga vachirinda Jesu vakatanga kumuseka uye vakamurova.
Ruka 22:53-63 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndaiva nemi mutemberi mazuva ose mukasandibata; asi zvino inguva yenyu nesimba rerima.” Zvino vakamubata, vakaenda naye, vakandomuisa kumba kwomupristi mukuru. Petirosi akatevera ari kure. Vakati vavesa moto pakati poruvazhe, vakagara pasi pamwechete, naPetirosi akagara pakati pavo. Zvino mumwe mushandiri akati achimuona agere muchiedza chomoto, akamutarisisa, akati, “Nouyuwo akanga anaye.” Asi iye akaramba achiti, “Iwe mukadzi handimuzivi.” Garegare, mumwezve akamuona, akati, “Iwe uri mumwe wavo.” Petirosi akati, “Iwe munhu, handizati.” Nguva inenge seimwe yakati yapfuura, mumwezve akasimbisa, achiti, “Zvirokwazvo, uyu akanga anayewo; nokuti muGariria.” Petirosi akati, “Iwe munhu, handizivi zvaunoreva!” Pakarepo, achataura, jongwe rikarira. Ipapo Ishe akatendeuka, akatarira Petirosi. Petirosi akarangarira shoko raIshe, raakanga amuudza, achiti, “Jongwe risati rarira nhasi, uchandiramba katatu.” Akabuda, akachema zvikuru. Varumewo vakanga vabata Jesu, vakamuseka, nokumurova.
Ruka 22:53-63 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi pandaiva nemi zuva nezuva muTemberi imi hamuna kundisunga. Ino inguva yenyu nenguva yamasimba erima.” Vakabata Jesu vakaenda naye. Vakaenda naye kuimba yomupristi mukuru. Pita akatevera ari chinhambwe. Pavakakuhwidza moto pakati penhandare vakagara pasi pamwechete, Pita akagarawo pakati pavo. Mumwe musikana webasa paakamuona akagara pane chiedza akamunan'anidza akati, “Murume uyu anga ainayewo uyu.” Asi Pita akaramba achiti, “Mukadzi iwe, ini handimuzivi.” Mushure mechinguvana mumwewo munhu akamuona akati kwaari, “Newewo uri mumwe wavo iwe.” Asi Pita akati, “Murume iwe handisini.” Mumashure mechinhambo chinoita awa imwechete, mumwezve akasimbisisa achiti, “Chokwadi chokwadi munhu uyu anga ainaye nokuti muGarirea.” Pita akati, “Murume iwe, handizivi zvauri kutaura.” Pakare pakarepo achiri kutaura kudaro jongwe ndokubva rakukuridza. Tenzi akacheuka akatarisa Pita. Pita akayeuka shoko raTenzi zvaakanga ati kwaari, “Jongwe risati rakukuridza nhasi uno uchandiramba rutatu.” Akabuda akahwihwidza kuchema zvinosiririsa. Zvino varume vakanga vakachengetedza Jesu vakamunyomba vachimurova.
Ruka 22:53-63 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndaiʋa nemi mutembere mazuʋa ose mukasandiɓata; asi ɀino iŋguʋa yenyu nesimba rerima. Ɀino ʋakamuɓata, ʋakaenda naye, ʋakandomuisa kumba kwomuprista mukuru. Petro akateʋera ari kure. Ʋakati ʋaʋesa mŋoto pakati poruʋazhe, ʋakagara pasi pamŋe cete, naPetro akagara pakati paʋo. Ɀino mumŋe mushandiri wakati acimuʋona agere muciedza comŋoto, akamutarisisa, akati: Noyuyu ʋo wakaŋga anaye. Asi iye wakaramba, aciti: Iwe mukadzi, handimuziʋi. Garegare, mumŋe ɀe akamuʋona, akati: Iwe uri mumŋe waʋo. Petro akati: Iwe munhu, handizati. Ŋguʋa ineŋge seimŋe yakati yapfuʋura, mumŋe ɀe akasimbisa, aciti: Ɀirokwaɀo, uyu wakaŋga anaye ʋo; nokuti muGarirea. Petro akati: Iwe munhu, handiziʋi ɀaunoreʋa! Pakarepo, acataura, joŋgwe rikarira. Ipapo Ishe akatendeʋuka, akatarira Petro. Petro akaraŋgarira shoko raShe, raakaŋga amuʋudza, aciti: Joŋgwe risati rarira nhasi, ucandiramba katatu. Akaɓuɗa, akacema ɀikuru. Ʋarume ʋo ʋakaŋga ʋaɓata Jesu, ʋakamuseka, nokumuroʋa.
Ruka 22:53-63 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)