Ruka 22:40-44
Ruka 22:40-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari, “Nyengeterai kuti murege kupinda mukuedzwa.” Akabva pavari akaenda mberi kwavo chinhambwe chingasvika dombo rapotserwa, akapfugama ndokunyengetera achiti, “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu pandiri; asi ngakurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu kuitwe.” Mutumwa akabva kudenga akazviratidza kwaari uye akamusimbisa. Uye ari pakutambudzika, akanyengetera zvikuru, uye ziya rake rakanga rakaita samadonhwe eropa anodonhera pasi.
Ruka 22:40-44 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari, “Nyengeterai kuti murege kupinda pakuedzwa.” Akaparadzana navo, chinhambo chingasvika ibwe, kana rikaposherwa; akapfugama, akanyengetera, achiti, “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.” Ipapo mutumwa akaonekwa naye, akabva kudenga, akamusimbisa. Zvino, ari pakutambudzika kukuru, akanyanya kunyengetera; ziya rake rikaita samadonhwe eropa, akadonhera pasi.
Ruka 22:40-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakasvika panzvimbo iyoyo akati kwavari, “Namatai kuti murege kupinda mukuedzwa.” Iye akasudurukana navo chinhambwe chingasvike dombo kana rapotserwa. Akapfugama akanamata achiti, “Baba kana muchida henyu bvisai mukombe wenhamo uyu kwandiri asi kusave kuda kwangu asi kuda kwenyu ngakuitwe.” [ Mutumwa akabva kudenga akazviratidza kwaari achimusimbaradza. Jesu achirwadziwa zvakanyanya kudaro, akatonyanya kunamata. Dikita rake rakaita samadonhwe makuru eropa achidonhera pasi.]
Ruka 22:40-44 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakati aȿika panɀimbo iyo, akati kwaʋari: Nyeŋgeterai kuti murege kupinda pakuidzwa. Akaparadzana naʋo, cinhambo ciŋgaȿika ibge, kana rikaposherwa; akafugama, akanyeŋgetera, aciti: Ƃaɓa, kana muciɗa, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuɗa kwaŋgu kurege kuitwa, asi kwenyu. Ipapo mutumŋa akaʋonekwa naye, wakabva kuɗeŋga, akamusimbisa. Ɀino, ari pakutambudzika kukuru, wakanyanya kunyeŋgetera; ziya rake rikaita samaɗonhwe eropa, akaɗonhera pasi.
Ruka 22:40-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)