Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 22:31-71

Ruka 22:31-71 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Simoni, Simoni, Satani akumbira kuti akuzungure segorosi. Asi ndakunyengeterera, Simoni, kuti kutenda kwako kurege kupera. Uye paunenge watendeuka, usimbise hama dzako.” Asi iye akapindura akati, “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mutorongo uye kufa nemi.” Jesu akapindura akati, “Petro, ndinoti kwauri, jongwe risati rarira nhasi, ucharamba iwe katatu, kuti unondiziva.” Ipapo Jesu akabvunza akati, “Pandakakutumai musina chikwama, hombodo kana shangu pane chinhu chamakashayiwa here?” Ivo vakati, “Hapana.” Akati kwavari, “Asi iye zvino kana une chikwama, chitore, uyewo nehombodo; uye kana usina munondo, tengesa nguo yako ugoutenga. Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Akaverengwa pamwe chete navadariki’ uye ndinoti kwamuri, izvi zvinofanira kuzadziswa mandiri. Hongu, zvakanyorwa pamusoro pangu zvava kusvika pakuzadziswa.” Vadzidzi vakati, “Tarirai, Ishe, heyi minondo miviri.” Akapindura akati, “Zvaringana.” Jesu akabuda sezvaaisiita mazuva ose akaenda kuGomo reMiorivhi, uye vadzidzi vake vakamutevera. Akati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari, “Nyengeterai kuti murege kupinda mukuedzwa.” Akabva pavari akaenda mberi kwavo chinhambwe chingasvika dombo rapotserwa, akapfugama ndokunyengetera achiti, “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu pandiri; asi ngakurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu kuitwe.” Mutumwa akabva kudenga akazviratidza kwaari uye akamusimbisa. Uye ari pakutambudzika, akanyengetera zvikuru, uye ziya rake rakanga rakaita samadonhwe eropa anodonhera pasi. Akati achisimuka kubva pakunyengetera, akadzokera kuvadzidzi, akasvikovawana vavata, vaneteswa nokusuwa. Akasvikovabvunza achiti, “Seiko mavata? Mukai munyengetere kuti murege kuwira mukuedzwa.” Achiri kutaura, vanhu vazhinji vakasvika, uye uya ainzi Judhasi, mumwe wavane Gumi naVaviri, akanga achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu kuti amutsvode, asi Jesu akamubvunza akati, “Judhasi, uri kupandukira Mwanakomana woMunhu nokutsvoda here?” Vateveri vaJesu vakati vaona zvakanga zvoda kuitika vakati, “Ishe, tivabaye neminondo yedu here?” Uye mumwe wavo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi. Asi Jesu akapindura achiti, “Zvaringana!” Uye akabata nzeve yomurume uya akamuporesa. Ipapo Jesu akati kuvaprista vakuru navabati vaichengeta temberi, navakuru vakanga vamuvinga, “Ko, ini ndiri mupanduki mukuru here, zvamauya neminondo netsvimbo? Mazuva ose ndakanga ndinemi mutemberi, uye hamuna kundibata. Asi ino ndiyo nguva yenyu, yokutonga kwerima.” Ipapo vakamubata, vakaenda naye vakandomuisa mumba momuprista mukuru. Petro akamutevera ari nechokure. Asi vakati vabatidza moto pakati poruvazhe uye vagara pasi pamwe chete, Petro akagara pakati pavo. Musikana akanga ari mushandi akamuona agerepo muchiedza chomoto. Akamunanʼanidza akati, “Murume uyu aivawo naJesu.” Asi iye akaramba izvozvo akati, “Iwe mukadzi, handimuzivi ini.” Kwapera chinguvana, mumwezve akamuona akati, “Newewo uri mumwe wavo.” Petro akapindura akati, “Iwe murume, handizi!” Shure kweawa imwe chete mumwezve akauya akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga anaye, nokuti muGarirea.” Petro akapindura akati, “Iwe murume, handitombozivi zvauri kutaura nezvazvo!” Achiri kutaura, jongwe rakabva rarira. Ishe akatendeuka akatarisa akanyatsonanga Petro. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa kwaari naShe rokuti, “Nhasi jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru. Varume vakanga vachirinda Jesu vakatanga kumuseka uye vakamurova. Vakamusunga kumeso vakati, “Profita! Ndiani akurova?” uye vakataura zvimwe zvinhu zvizhinji kwaari vachimutuka. Kuzoti kwaedza, dare ravakuru vavanhu, vose vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, vakasangana pamwe chete, Jesu akamiswa pamberi pavo. Vakati, “Kana uri Kristu, tiudze.” Jesu akapindura akati, “Kana ndikakuudzai, hamunganditendi, uye kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri. Asi kubva zvino, Mwanakomana woMunhu achagara kuruoko rworudyi rwaMwari ane simba.” Vose vakabvunza vachiti, “Ko, zvino iwe ndiwe Mwanakomana waMwari here?” Iye akapindura akati, “Mareva zvakanaka, zvamati ndini iye.” Ipapo vakati, “Tichadazve humwe uchapupu here? Tazvinzwa zvabva mumuromo make.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 22

Ruka 22:31-71 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Simoni! Simoni! Tarira Satani akakumbira kuti akuzungurei imi sezviyo; asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendeuka, usimbise hama dzako.” Akati kwaari, “Ishe, ndakazvigadzirira kuenda nemi mutorongo, kunyange kurufu.” Akati, “Petirosi, ndinoti kwauri, nhasi, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu uchiti haundizivi.” Zvino akati kwavari, “Musi wandakakutumai, musina chikwama nehombodo neshangu, makashayiwa chinhu here?” Vakati, “Hakuna.” Akati kwavari, “Asi zvino, ane chikwama, ngaachitore, nokudarowo ane hombodo; asinamunondo, ngaatengese nguo yake, autenge. “Nokuti ndinoti kwamuri, kuti izvi zvakanyorwa zvinofanira kuitika kwandiri, zvinoti, ‘Akaverengwa pamwechete navadariki vomurayiro;’ nokuti izvo zvakanyorwa pamusoro pangu zvoitika.” Ipapo vakati, “Ishe, tarirai, heyi minondo miviri.” Akati kwavari, “Zvaringana.” Zvino akabuda, akaenda kugomo reMiorivhi, sezvaaisiita; navadzidzi vake vakamutevera. Akati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari, “Nyengeterai kuti murege kupinda pakuedzwa.” Akaparadzana navo, chinhambo chingasvika ibwe, kana rikaposherwa; akapfugama, akanyengetera, achiti, “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.” Ipapo mutumwa akaonekwa naye, akabva kudenga, akamusimbisa. Zvino, ari pakutambudzika kukuru, akanyanya kunyengetera; ziya rake rikaita samadonhwe eropa, akadonhera pasi. Akasimuka pakunyengetera, akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata neshungu dzomwoyo. Akati kwavari, “Mavatireiko? Mukai, munyengetere, kuti murege kupinda pakuedzwa.” Akati achataura, tarira, vanhu vazhinji, naiye ainzi Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akavatungamirira; akaswedera kuna Jesu, kuti amutsvode. Jesu akati kwaari, “Judhasi, unopandukira Mwanakomana womunhu nokumutsvoda here?” Zvino vaiva naye vakati vachina zvichaitika, vakati, “Ishe, totema neminondo here?” Ipapo mumwe wavo akatema muranda womupristi mukuru, akamugura nzeve yorudyi. Jesu akapindura, akati, “Regai, zvaringana.” Akabata nzeve yake, akamuporesa. Zvino Jesu akati kuvapristi vakuru navakuru vetemberi, navakuru vakanga vauya kwaari kumubata, “Mabuda neminondo netsvimbo sokugororo here? Ndaiva nemi mutemberi mazuva ose mukasandibata; asi zvino inguva yenyu nesimba rerima.” Zvino vakamubata, vakaenda naye, vakandomuisa kumba kwomupristi mukuru. Petirosi akatevera ari kure. Vakati vavesa moto pakati poruvazhe, vakagara pasi pamwechete, naPetirosi akagara pakati pavo. Zvino mumwe mushandiri akati achimuona agere muchiedza chomoto, akamutarisisa, akati, “Nouyuwo akanga anaye.” Asi iye akaramba achiti, “Iwe mukadzi handimuzivi.” Garegare, mumwezve akamuona, akati, “Iwe uri mumwe wavo.” Petirosi akati, “Iwe munhu, handizati.” Nguva inenge seimwe yakati yapfuura, mumwezve akasimbisa, achiti, “Zvirokwazvo, uyu akanga anayewo; nokuti muGariria.” Petirosi akati, “Iwe munhu, handizivi zvaunoreva!” Pakarepo, achataura, jongwe rikarira. Ipapo Ishe akatendeuka, akatarira Petirosi. Petirosi akarangarira shoko raIshe, raakanga amuudza, achiti, “Jongwe risati rarira nhasi, uchandiramba katatu.” Akabuda, akachema zvikuru. Varumewo vakanga vabata Jesu, vakamuseka, nokumurova. Vakafukidzira meso ake, vakamubvunza, vachiti, “Porofita kuti ndiani akurova.” Nezvimwe zvizhinji vakareva kwaari, vachimutuka. Zvino kwakati kwaedza, vakuru vavanhu navapristi vakuru navanyori vakaungana, vakamuisa kumakurukota avo, vachiti, “Kana uri Kristu, utiudze.” Iye akati kwavari, “Kana ndikakuudzai, hamungatendi. Kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri. “Asi kubva zvino Mwanakomana womunhu achagara kurudyi rwesimba raMwari.” Ipapo vose vakati, “Uri Mwanakomana waMwari kanhi?” Akati kwavari, “Mareva kuti ndini iye.” Ivo vakati, “Tichatsvakireiko chapupu? Nokuti tazvinzwira pachedu pamuromo wake.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 22

Ruka 22:31-71 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Simoni, Simoni, tarisa uone Satani akumbira kuti akuzungurei sekoroni. Asi ndakunamatira kuti chitendero chako chirege kukundika. Kana uchinge wazotendeukazve simbisa hama dzako.” Pita akati, “Tenzi ndakagadzirira kuenda nemi kuJeri kana kurufu chaiko.” Iye akati kwaari, “Ndinokuudza Pita kuti, iye nhasi uno uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.” Jesu akati kwavari, “Pandakakutumai musina chikwama kana tsapo kana shangu, pane chamakashaiwa here?” Vakati, “Hapana.” Iye akati kwavari, “Asi parizvino, uyo ane chikwama ngaachitore; ndizvo zvimwechetezvo neane tsapo. Uyowo asina bakatwa ngaatengese bhachi rake atenge bakatwa. Nokuti ndinokutaurirai kuti Magwaro Matsvene aya anofanira kuzadziswa mandiri anoti, ‘Akaverengerwa mukati mavatadzi nokuti zvakanyorwa nezvangu zvinofanira kuzadziswa.’ ” Ivo vakati, “Tarisai Tenzi, haano mapakatwa maviri.” Iye akavati, “Zvakwana.” Akabuda akaenda, samaitiro ake kugomo reMiorivhi. Vadzidzi vake vakamutevera. Paakasvika panzvimbo iyoyo akati kwavari, “Namatai kuti murege kupinda mukuedzwa.” Iye akasudurukana navo chinhambwe chingasvike dombo kana rapotserwa. Akapfugama akanamata achiti, “Baba kana muchida henyu bvisai mukombe wenhamo uyu kwandiri asi kusave kuda kwangu asi kuda kwenyu ngakuitwe.” [ Mutumwa akabva kudenga akazviratidza kwaari achimusimbaradza. Jesu achirwadziwa zvakanyanya kudaro, akatonyanya kunamata. Dikita rake rakaita samadonhwe makuru eropa achidonhera pasi.] Paakasimuka paainamata, akauya kuvadzidzi akavawana vakakotsira nemhaka yokusuwa. Akati kwavari, “Sei muchikotsira, mukai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa.” Paakanga achiri kutaura kudaro, kwakauya chikwata chavanhu nomumwe murume ainzi Judhasi mumwe wavane gumi navaviri achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu akamutsvoda. Asi Jesu akati kwaari, “Judhasi unotengesa Mwanakomana womunhu nokumutsvoda here?” Vakanga vakamupoteredza pavakaona zvakanga zvavakuda kuitika vakati, “Tenzi totema namapakatwa here?” Mumwe wavo akabva atema muranda womupristi mukuru achimudimbura nzeve yake yokurudyi. Jesu akati, “Imi siyanayi nazvo izvi” akabata nzeve yake ndokumurapa. Jesu akataura kuvapristi vakuru namapurisa apaTemberi navakuru vakuru vakanga vauya kuzomusunga achiti, “Mauya namapakatwa netsvimbo sokunge muri kuvinga gororo. Asi pandaiva nemi zuva nezuva muTemberi imi hamuna kundisunga. Ino inguva yenyu nenguva yamasimba erima.” Vakabata Jesu vakaenda naye. Vakaenda naye kuimba yomupristi mukuru. Pita akatevera ari chinhambwe. Pavakakuhwidza moto pakati penhandare vakagara pasi pamwechete, Pita akagarawo pakati pavo. Mumwe musikana webasa paakamuona akagara pane chiedza akamunan'anidza akati, “Murume uyu anga ainayewo uyu.” Asi Pita akaramba achiti, “Mukadzi iwe, ini handimuzivi.” Mushure mechinguvana mumwewo munhu akamuona akati kwaari, “Newewo uri mumwe wavo iwe.” Asi Pita akati, “Murume iwe handisini.” Mumashure mechinhambo chinoita awa imwechete, mumwezve akasimbisisa achiti, “Chokwadi chokwadi munhu uyu anga ainaye nokuti muGarirea.” Pita akati, “Murume iwe, handizivi zvauri kutaura.” Pakare pakarepo achiri kutaura kudaro jongwe ndokubva rakukuridza. Tenzi akacheuka akatarisa Pita. Pita akayeuka shoko raTenzi zvaakanga ati kwaari, “Jongwe risati rakukuridza nhasi uno uchandiramba rutatu.” Akabuda akahwihwidza kuchema zvinosiririsa. Zvino varume vakanga vakachengetedza Jesu vakamunyomba vachimurova. Vakamusunga kumeso vachimubvunza vachiti, “Porofitaka. Ndiani akurova.” Vakataura mamwe mazwi mazhinji vachimushonha. Kwaedza, gungano ravakuru–vakuru vavanhu rakaungana, vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo vakaenda naye kudare ravo vakati, “Kana uriwe Kristu tiudze.” Asi iye akati kwavari, “Kana ndikakuudzai zvangu hamutendi. Uye kana ndikakubvunzai hamundipinduri asi kubvira zvino Mwanakomana womunhu achagara ari kurudyi rwaMwari Samasimbaose.” Vose vakati, “Saka uri Mwana waMwari nhai?” Iye akati kwavari, “Inga imi matozvireva wani. Kuti ndini iye” Ivo vakati, “Tichadirei humwe humbowo. Tazvinzwira iyesu achitaura nomuromo wake.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 22

Ruka 22:31-71 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Simoni! Simoni! tarira Satani wakakumbira kuti akuzuŋgurei imi seɀiyo; asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendeʋuka, usimbise hama dzako. Akati kwaari: Ishe, ndakaɀigadzirira kuenda nemi mutoroŋgo, kunyaŋge kurufu. Akati: Petro, ndinoti kwauri: Nhasi, joŋgwe risati rarira, ucaramba katatu uciti haundiziʋi. Ɀino akati kwaʋari: Musi wandakakutumai, musinecikwama nehomboɗo neshaŋgu, makashaiwa cinhu here? Ʋakati: Hakuna. Akati kwaʋari: Asi ɀino, unecikwama, ŋgaacitore, nokuɗaro ʋo unehomboɗo; usinomunondo, ŋgaateŋgese ŋguʋo yake, auteŋge. Nokuti ndinoti kwamuri, kuti iɀi ɀakanyorwa ɀinofanira kuitika kwandiri, ɀinoti: Wakaʋereŋgwa pamŋe cete naʋaɗariki ʋomurairo; nokuti iɀo ɀakanyorwa pamsoro paŋgu ɀoitika. Ipapo ʋakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miʋiri. Akati kwaʋari: Ɀariŋgana. Ɀino wakaɓuɗa, akaenda kugomo reMiorivi, seɀaaisiita; naʋadzidzi ʋake ʋakamuteʋera. Wakati aȿika panɀimbo iyo, akati kwaʋari: Nyeŋgeterai kuti murege kupinda pakuidzwa. Akaparadzana naʋo, cinhambo ciŋgaȿika ibge, kana rikaposherwa; akafugama, akanyeŋgetera, aciti: Ƃaɓa, kana muciɗa, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuɗa kwaŋgu kurege kuitwa, asi kwenyu. Ipapo mutumŋa akaʋonekwa naye, wakabva kuɗeŋga, akamusimbisa. Ɀino, ari pakutambudzika kukuru, wakanyanya kunyeŋgetera; ziya rake rikaita samaɗonhwe eropa, akaɗonhera pasi. Akasimuka pakunyeŋgetera, akaenda kuʋadzidzi, akaʋawana ʋaʋata neshuŋgu dzomŋoyo. Akati kwaʋari: Maʋatireiko? Mukai, munyeŋgetere, kuti murege kupinda pakuidzwa. Wakati acataura, tarira, ʋanhu ʋazhinji, naiye wainzi Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaʋatuŋgamirira; akasweɗera kunaJesu, kuti amuȿete. Jesu akati kwaari: Judasi, unopandukira Mŋanakomana womunhu nokuȿeta here? Ɀino ʋaiʋa naye ʋakati ʋaciʋona ɀicaitika, ʋakati: Ishe, totema neminondo here? Ipapo mumŋe waʋo akatema muranda womuprista mukuru, akamugura nzeʋe yorudyi. Jesu akapindura, akati: Regai, ɀariŋgana. Akaɓata nzeʋe yake, akamuporesa. Ɀino Jesu akati kuʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋetembere, naʋakuru ʋakaŋga ʋaʋuya kwaari kumuɓata: Maɓuɗa neminondo netȿimbo sokugororo here? Ndaiʋa nemi mutembere mazuʋa ose mukasandiɓata; asi ɀino iŋguʋa yenyu nesimba rerima. Ɀino ʋakamuɓata, ʋakaenda naye, ʋakandomuisa kumba kwomuprista mukuru. Petro akateʋera ari kure. Ʋakati ʋaʋesa mŋoto pakati poruʋazhe, ʋakagara pasi pamŋe cete, naPetro akagara pakati paʋo. Ɀino mumŋe mushandiri wakati acimuʋona agere muciedza comŋoto, akamutarisisa, akati: Noyuyu ʋo wakaŋga anaye. Asi iye wakaramba, aciti: Iwe mukadzi, handimuziʋi. Garegare, mumŋe ɀe akamuʋona, akati: Iwe uri mumŋe waʋo. Petro akati: Iwe munhu, handizati. Ŋguʋa ineŋge seimŋe yakati yapfuʋura, mumŋe ɀe akasimbisa, aciti: Ɀirokwaɀo, uyu wakaŋga anaye ʋo; nokuti muGarirea. Petro akati: Iwe munhu, handiziʋi ɀaunoreʋa! Pakarepo, acataura, joŋgwe rikarira. Ipapo Ishe akatendeʋuka, akatarira Petro. Petro akaraŋgarira shoko raShe, raakaŋga amuʋudza, aciti: Joŋgwe risati rarira nhasi, ucandiramba katatu. Akaɓuɗa, akacema ɀikuru. Ʋarume ʋo ʋakaŋga ʋaɓata Jesu, ʋakamuseka, nokumuroʋa. Ʋakafukidzira meso ake, ʋakamubvunza, ʋaciti: Profita kuti ndiani wakuroʋa. Neɀimŋe ɀizhinji ʋakareʋa kwaari, ʋacimutuka. Ɀino kwakati kwaedza, ʋakuru ʋaʋanhu naʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakaʋuŋgana, ʋakamuisa kumakurukota aʋo, ʋaciti: Kana uri Kristu, utiʋudze. Iye akati kwaʋari: Kana ndikakuʋudzai, hamuŋgatendi. Kana ndikakubvunzai, hamuŋgandipinduri. Asi kubva ɀino Mŋanakomana womunhu ucagara kurudyi rwesimba raMŋari. Ipapo ʋose ʋakati: Uri Mŋanakomana waMŋari kanhi? Akati kwaʋari: Mareʋa kuti ndini iye. Iʋo ʋakati: Ticatȿakireiko capupu? Nokuti taɀinzwira timene pamuromo wake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 22

Ruka 22:31-71 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)