Ruka 22:25-28
Ruka 22:25-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati kwavari, “Madzimambo evedzimwe ndudzi ane simba pamusoro pavo; uye vaya vanobata nesimba pamusoro pavo vanozviti vabatsiri. Asi imi hamufaniri kuita saizvozvo. Asi, mukuru pakati penyu mose anofanira kuva somuduku kuna vose, uye uyo anotonga ngaaite souya anoshanda. Nokuti ndianiko mukuru kuno mumwe, uyo agere patafura kana kuti uya anoshanda? Ko, haazi iye agere patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu saiye anoshanda. Imi ndimi vaya vakamira neni pamiedzo yangu.
Ruka 22:25-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati kwavari, “Madzimambo avahedheni ane simba pamusoro pavo, navabati vavo vanonzi, ‘Vabatsiri.’ Zvino imi musadaro, asi mukuru kwamuri ngaave somuduku, nomutungamiri soanoshandira. Nokuti ndianiko mukuru, agere pakudya, kana anoshandira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshumira. “Zvino imi ndimi mavakugara neni pamiedzo yangu.
Ruka 22:25-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye akati kwavari, “Madzimambo evechirudzi vanoita zvechisimba kuvanhu vavo. Uye vakuru vakuru vavo vanozviti vanasamwoyochena. Asi kwamuri hazvifaniri kudaro, mukuru pakati penyu ngaave iye somudiki. Uye mutungamiri aite somushandiri. Nokuti ndiani mukuru, agere pakudya here kana kuti muperekeri? Handiti ndouyo agere pakudya? Asika ndiri pakati penyu somuperekeri. “Imi ndimi makaramba muineni mumatambudziko angu
Ruka 22:25-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akati kwaʋari: Madzimambo aʋahedeni anesimba pamsoro paʋo, naʋaɓati ʋaʋo ʋanonzi ʋaɓatsiri. Ɀino imi musaɗaro, asi mukuru kwamuri ŋgaaʋe somuɗuku, nomutuŋgamiri sounoshumira. Nokuti ndianiko mukuru, ugere pakudya, kana unomushumira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshumira. Ɀino imi ndimi makagara neni pamiidzo yaŋgu.
Ruka 22:25-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)