Ruka 22:24-26
Ruka 22:24-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyewo nharo dzakamuka pakati pavo dzokuti ndiani wavo aifungidzirwa kuti angava mukuru wavose. Jesu akati kwavari, “Madzimambo evedzimwe ndudzi ane simba pamusoro pavo; uye vaya vanobata nesimba pamusoro pavo vanozviti vabatsiri. Asi imi hamufaniri kuita saizvozvo. Asi, mukuru pakati penyu mose anofanira kuva somuduku kuna vose, uye uyo anotonga ngaaite souya anoshanda.
Ruka 22:24-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nharo dzakamuka pakati pavo kuti ndiani kwavari achanzi mukuru. Akati kwavari, “Madzimambo avahedheni ane simba pamusoro pavo, navabati vavo vanonzi, ‘Vabatsiri.’ Zvino imi musadaro, asi mukuru kwamuri ngaave somuduku, nomutungamiri soanoshandira.
Ruka 22:24-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakamuka nharo pakati pavadzidzi dzokuti ndiani anofanira kutorwa somukuru wavo vose. Iye akati kwavari, “Madzimambo evechirudzi vanoita zvechisimba kuvanhu vavo. Uye vakuru vakuru vavo vanozviti vanasamwoyochena. Asi kwamuri hazvifaniri kudaro, mukuru pakati penyu ngaave iye somudiki. Uye mutungamiri aite somushandiri.
Ruka 22:24-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino nharo dzakamuka pakati paʋo kuti ndiani kwaʋari ucanzi mukuru. Akati kwaʋari: Madzimambo aʋahedeni anesimba pamsoro paʋo, naʋaɓati ʋaʋo ʋanonzi ʋaɓatsiri. Ɀino imi musaɗaro, asi mukuru kwamuri ŋgaaʋe somuɗuku, nomutuŋgamiri sounoshumira.
Ruka 22:24-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)