Ruka 21:13-15
Ruka 21:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Iyi inenge iri nguva yokupa kwenyu umbowo. Nokudaro nyatsozvibatisisai mumwoyo menyu kuti musafunge kuti tichapindura sei. Ndichakupai unyanzvi hokutaura noungwaru zvokuti hapana kana mhandu yenyu ichazokwanisana nemi kana kupokana nemi.
Ruka 21:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Izvi zvichaita kuti imi muve zvapupu kwavari. Asi shingai mundangariro dzenyu, musatanga kufunganya kuti muchazvidzivirira sei. Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa.
Ruka 21:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ichi chichava chapupu kwamuri. Naizvozvo simbai mumwoyo menyu, kuti murege kumbofungisisa pamuchapindura napo. Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonesa vavengi venyu vose kukukundai nokuramba zvamunoreva.
Ruka 21:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iyi inenge iri nguva yokupa kwenyu umbowo. Nokudaro nyatsozvibatisisai mumwoyo menyu kuti musafunge kuti tichapindura sei. Ndichakupai unyanzvi hokutaura noungwaru zvokuti hapana kana mhandu yenyu ichazokwanisana nemi kana kupokana nemi.
Ruka 21:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ici cicaʋa capupu kwamuri. Naiɀoɀo simbai mumŋoyo menyu, kuti murege kumbofuŋgisisa pamucapindura napo. Nokuti ndicakupai muromo nokucenjera, kucakonesa ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose kukukundai nokuramba ɀamunoreʋa.