Ruka 21:12-19
Ruka 21:12-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Asi izvi zvose zvisati zvaitika, vachakubatai vagokutambudzai. Vachakuisai kumasinagoge nokumatorongo uye muchamiswa pamberi pamadzimambo navabati, uye zvose nokuda kwezita rangu. Izvi zvichaita kuti imi muve zvapupu kwavari. Asi shingai mundangariro dzenyu, musatanga kufunganya kuti muchazvidzivirira sei. Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa. Muchapandukirwa kunyange navabereki venyu, vanunʼuna, hama neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu. Asi hapana bvudzi romusoro wenyu richaparara. Nokutsungirira kwenyu, muchawana upenyu.
Ruka 21:12-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi izvozvi zvose zvisati zvasvika, vachakubatai, nokukutambudzai, vachikuisai kumasinagoge nomumatorongo, nokukuisai pamberi pamadzimambo namadzishe, nokuda kwezita rangu. Ichi chichava chapupu kwamuri. Naizvozvo simbai mumwoyo menyu, kuti murege kumbofungisisa pamuchapindura napo. Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonesa vavengi venyu vose kukukundai nokuramba zvamunoreva. Muchaiswa kuvatongi kunyange navabereki, navanun'una, nehama, neshamwari; vamwe venyu vachaurawa. Muchavengwa navanhu vose nokuda kwezita rangu. “Asi ruvhudzi rumwe rwomusoro wenyu harungarasiki. Nokutsungirira kwenyu muchawana upenyu hwenyu.
Ruka 21:12-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi izvi zvose zvisati zvaitika vachakusungai vachikutambudzai vachakuturirai kumasinagogu nokukuisai mumajeri. Muchaunzwa pamberi pamadzimambo namagavhuna nokuda kwezita rangu. Iyi inenge iri nguva yokupa kwenyu umbowo. Nokudaro nyatsozvibatisisai mumwoyo menyu kuti musafunge kuti tichapindura sei. Ndichakupai unyanzvi hokutaura noungwaru zvokuti hapana kana mhandu yenyu ichazokwanisana nemi kana kupokana nemi. Muchakwidzwa matare kunyange navabereki venyu kana navakoma navanun'una nehama neshamwari. Vachauraya vamwe venyu. Muchavengwa navose pamusana pezita rangu. Asi hapana kana ruvhudzi rwomusoro wenyu ruchatsakatika. Kutsungirira kwenyu kuchakuwanirai upenyu hwenyu.
Ruka 21:12-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi iɀoɀi ɀose ɀisati ɀaȿika, ʋacakuɓatai, nokukutambudzai, ʋacikuisai kumasinagoge nomumatoroŋgo, nokukuisai pamberi pamadzimambo naʋaɓati, nokuɗa kwezita raŋgu. Ici cicaʋa capupu kwamuri. Naiɀoɀo simbai mumŋoyo menyu, kuti murege kumbofuŋgisisa pamucapindura napo. Nokuti ndicakupai muromo nokucenjera, kucakonesa ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose kukukundai nokuramba ɀamunoreʋa. Mucaiswa kuʋatoŋgi kunyaŋge naʋaɓereki, naʋanuŋuna, nehama, neshamŋari; ʋamŋe ʋenyu ʋacaʋurawa. Mucaʋeŋgwa naʋanhu ʋose nokuɗa kwezita raŋgu. Asi ruvudzi rumŋe rwomusoro wenyu haruŋgarashiki. Nokutsuŋgirira kwenyu mucawana ʋupenyu bgenyu.
Ruka 21:12-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)