Ruka 20:41-47
Ruka 20:41-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jesu akati kwavari, “Seiko vachiti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi? Dhavhidhi pachake anotaura mubhuku raMapisarema achiti: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.’ Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe.’ Anogova mwanakomana wake seiko?” Vanhu vose vachakateerera, Jesu akati kuvadzidzi vake, “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, uye vachifarira kukwaziswa pamisika, nokuva nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko. Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye vanoita minyengetero mirefu, kuti vaonekwe. Vanhu vakadai vacharangwa zvakaomarara kwazvo.”
Ruka 20:41-47 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati kwavari, “Vanoreva seiko kuti Kristu ndiye Mwanakomana waDhavhidhi? Nokuti Dhavhidhi akareva amene mubhuku yaMapisarema, achiti, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.’ “Naizvozvo, Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe,’ zvino angagova Mwanakomana wake seiko?” Zvino akati kuvadzidzi vake, vanhu vose vachizvinzwa, “Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguo refu, vachifarira kukwaziswa padare, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, nougaro hwapamberi pamitambo; vanoparadza dzimba dzechirikadzi, vachiita manomano eminyengetero mirefu; ivavo vachatongerwa zvakaipa zvinopfuurisa.”
Ruka 20:41-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akati kwavari, “Nhai imi, ko vanhu vanoti, ‘Kristu Mwanakomana waDhavhidhi seiko?’ Inga iye Dhavhidhi pachake mubhuku renziyo anoti, “ ‘Tenzi akati kuna Tenzi wangu, Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita mhandu dzako chitambarariko chetsoka dzako.’ ” Dhavhidhi anomuti, “Tenzi saizvozvi, ko anogova mwana wake sei?” Jesu akataurira vadzidzi vake, vanhu vose vachinzwa. Akati, “Ngwarirai nyanzvi dzomutemo, vanhu vanoda kufamba vakapfeka magemenzi marefu, vanoda kukwaziswa pamisika nokuwana zvigaro zvakanaka mumasinagogu nenzvimbo dzapamusoro dzavakuru vakuru pamabiko. Vanodya twemba dzechirikadzi; uye vanoita minamato mirefu yokungobata zvavo vanhu kumeso. Vachatemerwa chirango chakaremesa.”
Ruka 20:41-47 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino akati kwaʋari: Ʋanoreʋa seiko kuti Kristu ndiye Mŋanakomana waDavidi? Nokuti Davidi wakareʋa amene mubuku yaMapisarema, aciti: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu, Kuȿikira ndaisa ʋaʋeŋgi ʋako ʋaʋe citsiko cetsoka dzako. Naiɀoɀo, Davidi unomuidza Ishe, ɀino uŋgagoʋa Mŋanakomana wake seiko? Ɀino akati kuʋadzidzi ʋake, ʋanhu ʋose ʋaciɀinzwa: Cenjerai ʋanyori, ʋanoɗa kufamba neŋguʋo refu, ʋacifarira kukwaziswa paɗare, neɀigaro ɀapamberi mumasinagoge, noʋugaro bgapamberi pamitambo; ʋanoparadza dzimba dzecirikadzi, ʋaciita mano‐mano eminyeŋgetero mirefu; iʋaʋo ʋacatoŋgerwa ɀakaipa ɀinopfuʋurisa.
Ruka 20:41-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)