Ruka 20:1-47
Ruka 20:1-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nerimwe ramazuva paakanga achidzidzisa vanhu mutemberi uye achiparidza vhangeri, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, pamwe chete navakuru, vakasvika kwaari. Vakati kwaari, “Tiudzei kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?” Akapindura akati, “Neniwo ndichakubvunzai mubvunzo. Ndiudzei, ‘Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu?’ ” Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ iye achati, ‘Seiko musina kumutenda?’ Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ vanhu vose vachatitaka namabwe, nokuti vanotenda kuti Johani akanga ari muprofita.” Saka ivo vakazoti, “Hatizivi kuti rwakabvepi.” Jesu akati, “Neniwo handichakuudzai simba randinoita naro zvinhu izvi.” Akaenderera mberi akaudza vanhu mufananidzo uyu akati, Mumwe murume akadyara munda wake wemizambiringa, akaupa kuna vamwe varimi kwechinguva achibva aenda kure kune imwe nyika kwenguva refu. Panguva yokukohwa, akatuma muranda kuvarimi kuti vamupe zvimwe zvezvibereko zvemizambiringa. Asi varimi vakamurova vakamuendesa asina chinhu. Akatumazve mumwe muranda, asi naiyewo vakamurova uye vakamuitira zvinonyadzisa ndokumudzosazve asina chinhu. Akatumazve mumwe wechitatu, uyu vakamukuvadza ndokumukanda kunze. “Ipapo muridzi womunda wemizambiringa akati, ‘Ndichaita seiko? Ndichatuma mwanakomana wangu, iye wandinoda; zvimwe vachamuremekedza.’ “Asi varimi vakati vachimuona, vakataurirana pachavo vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Ngatimuurayei nhaka igova yedu.’ Saka vakamubudisa mumunda wemizambiringa ndokubva vamuuraya. “Zvino muridzi womunda womuzambiringa achaitei kwavari? Achauya agouraya varimi avo agopa vamwe varimi munda womuzambiringa.” Vanhu vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Dai zvakadai zvikasatomboitika!” Jesu akavatarisisa uye akavabvunza akati, “Zvino zvakanyorwa zvinoreveiko zvinoti: “ ‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro razova musoro wekona’? Mumwe nomumwe anowira padombo iroro achavhunika-vhunika asi uyo warinowira achapwanyiwa.” Vadzidzisi vomurayiro navaprista vakuru vakatsvaka nzira yokumusunga pakarepo, nokuti vaiziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu. Vakaramba vachimucherechedza, vakatuma vasori, vakanga vachinyepedzera kuva vakatendeka. Vakanga vane tariro yokuti vamubate iye Jesu pachinhu chaanenge ataura kuitira kuti vagomuisa kusimba noutongi hwomubati. Saka vasori vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura uye munodzidzisa zvakarurama, uye kuti hamusi mutsauri wavanhu asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nezvokwadi. Ko, zvakanaka here kuti tiripe mutero kuna Kesari kana kuti kwete?” Akaona kunyengera kwavo akati kwavari, “Ndiratidzei dhenari. Ko, mufananidzo norunyoro zviripo ndezvani?” Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Iye akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye mugopa Mwari zvaMwari.” Vakanga vasingagoni kumuteya nezvaakanga ataura ipapo pane vanhu. Vakashamiswa nokupindura kwake, vakanyarara. Vamwe vaSadhusi, vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya nomubvunzo kuna Jesu. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa akasiya mukadzi asina vana, murume anofanira kuwana chirikadzi iyo amutsire mukoma wake vana. Zvino pakanga pane vanakomana vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi, akafa asina mwana. Wechipiri akamuwana uye akafa asina mwana. Uye wechitatu akamuwana, uye nenzira imwe cheteyo, vose vari vanomwe vakafa, vachisiya pasina vana. Pakupedzisira, mukadzi akafawo. Zvino mukadzi uyu achava waaniko pakumuka kwavakafa sezvo akanga ari mukadzi kwavari vose vari vanomwe?” Jesu akapindura akati, “Vanhu venyika ino vanowana nokuwanikwa. Asi vaya vanoonekwa kuti vakakodzera kurarama munyika iyo nomukumuka kwavakafa, havazowani kana kuwanikwa, uye havazofizve; nokuti vafanana navatumwa. Vana vaMwari, sezvo vari vana vokumuka kwavakafa. Asi panhoroondo yegwenzi, kunyange naMozisi akaratidza kuti vakafa vanomutswa, nokuti anoti, Ishe ndiye ‘Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, uye naMwari waJakobho.’ Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu, nokuti kwaari vose vapenyu.” Vamwe vadzidzisi vomurayiro vakati, “Mataura zvakanaka, mudzidzisi!” Uye hakuna akazoda kumubvunzazve mimwe mibvunzo. Ipapo Jesu akati kwavari, “Seiko vachiti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi? Dhavhidhi pachake anotaura mubhuku raMapisarema achiti: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.’ Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe.’ Anogova mwanakomana wake seiko?” Vanhu vose vachakateerera, Jesu akati kuvadzidzi vake, “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, uye vachifarira kukwaziswa pamisika, nokuva nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko. Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye vanoita minyengetero mirefu, kuti vaonekwe. Vanhu vakadai vacharangwa zvakaomarara kwazvo.”
Ruka 20:1-47 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino pane rimwe ramazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutemberi, achivaparidzira Vhangeri, vapristi vakuru navanyori navakuru vakasvika, vakataura, vakati kwaari, “Tiudzei, kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndianiko akakupai simba iri?” Akapindura, akati kwavari, “Neni ndichakubvunzaiwo shoko; ndiudzei. Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga kana kuvanhu here?” Vakataurirana pakati pavo, vachiti, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ achati, ‘Makagoregerei kumutenda?’ Asi kana tikati, ‘Kuvanhu,’ vanhu vose vachatitaka namabwe; nokuti ivo vanotenda kuti Johani aiva muporofita.” Vakapindura, vachiti, “Hatizivi kwarwakabva.” Zvino Jesu akati kwavari, “Neniwo handingakuudziyi simba randinoita naro zvinhu izvi.” Zvino akatanga kuudza vanhu mufananidzo uyu, “Mumwe munhu akanga asima munda wemidzambiringa; akaupa varimi; akandogara kumwe nguva refu. Nenguva yezvibereko akatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvibereko zvomunda wemidzambiringa; asi varimi vakamurova, vakamudzosa asina. “Akatumazve mumwe muranda; naiyewo vakamurova, vakamunyadzisa, vakamudzosa asina. Akatumazve wechitatu; naiye vakamukuvadza, vakamubudisa kunze. Zvino muridzi womunda wemidzambiringa akati, ‘Ndichaiteiko? Ndichatuma mwanakomana wangu anodikanwa, zvimwe vachamukudza iye.’ Asi varimi vakati vachimuona, vakarangana, vakati, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; ngatimuuraye, nhaka igova yedu.’ Vakamubudisa kunze kwomunda wemidzambiringa, vakamuuraya. Zvino, muridzi womunda wemidzambiringa achavaiteiko? Achauya, akaparadza varimi ivava; munda wemidzambiringa akaupa vamwe.” Zvino vachinzwa izvozvo, vakati, “Haisva!” Wakati avatarisisa, akati, “Zvino chinyiko icho chakanyorwa, chinoti, ‘Ibwe rakaraswa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona?’ “Mumwe nomumwe anowira pamusoro pebwe iro, achavhunikanya; asi richaparadza warinowira.” Zvino vanyori navapristi vakuru vakatsvaka nenguva iyo kumubata, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti akareva ivo nomufananidzo uyo. Vakamucherechedza, vakatuma vashori, vakazviita savanhu vakarurama, kuti vamubate pakutaura kwake, vamuise kuushe nesimba romutongi. Vakamubvunza, vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvakarurama, musingatendi zvinoonekwa zvomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi. Ko zvino takatenderwa kuterera Kesari mutero here, kana kwete.” Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari, “Ndiratidzei dhenari. Rinomufananidzo norunyoro rwaaniko?” Vakati, “ZvaKesari.” Ipapo akati kwavari, “Naizvozvo ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” Vakakoniwa kumubata pakutaura kwake pamberi pavanhu; vakashamiswa nokupindura kwake, ndokunyarara. Zvino vamwe vaSadhusi, ivo vanoramba kumuka kwavakafa vachiti hakuna, vakauya kwaari, vakamubvunza, vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa, anomukadzi, asi iye asina vana, munun'una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.’ Zvino, kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana; nowechipiri; nowechitatu akamutorawo; nokudaro navanomwe vose, vakasasiya vana, vakafa. Pashure mukadzi akafawo. Zvino pakumuka achava mukadzi waaniko kwavari? Nokuti akanga ari mukadzi wavose vanomwe.” Jesu akati kwavari, “Vanakomana venyika ino vanowana, uye vanowaniswa; asi avo vachanzi naMwari vakafanira kuwana nyika iyo nokumuka kwavakafa, havawani, uye havawaniswi. Nokuti havazofizve; nokuti vachaenzana navatumwa; vava vana vaMwari zvavari vana vokumuka. Naiye Mosesiwo akaratidza pashoko reGwenzi kuti vakafa vanomutswazve, paakati, ‘Ishe ndiye Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.’ “Zvino Mwari haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; nokuti vose vapenyu kwaari.” Ipapo vamwe vanyori vakamupindura, vakati, “Mudzidzisi, mataura zvakanaka.” Nokuti vakanga vachitya kuzomubvunza chinhu. Zvino akati kwavari, “Vanoreva seiko kuti Kristu ndiye Mwanakomana waDhavhidhi? Nokuti Dhavhidhi akareva amene mubhuku yaMapisarema, achiti, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.’ “Naizvozvo, Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe,’ zvino angagova Mwanakomana wake seiko?” Zvino akati kuvadzidzi vake, vanhu vose vachizvinzwa, “Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguo refu, vachifarira kukwaziswa padare, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, nougaro hwapamberi pamitambo; vanoparadza dzimba dzechirikadzi, vachiita manomano eminyengetero mirefu; ivavo vachatongerwa zvakaipa zvinopfuurisa.”
Ruka 20:1-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nerimwe zuva Jesu paaidzidzisa vanhu muTemberi achiparidza Shoko Rakanaka, vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo navakuru vakuru, vakauya vakati kwaari, “Tiudze kuti unoita zvinhu izvi nesimba raani kana kuti ndiani akakupa simba irori?” Akavapindura achiti, “Kana neniwo ndinoda kukubvunzai mubvunzo. Nditaurirei, ruombeko rwaJohani rwaibva kudenga here kana kuvanhu?” Vakambokurukurirana pachavo vachiti, “Kana tikati rwakabva kudenga iye achati ko makaregererei kutenda kwaari. Kana tikati runobva kuvanhu, vanhu vose vachatitaka namabwe nokuti vanobvuma kuti Johani aiva muporofita.” Ipapo vakapindura vachiti, “Hatizivi kuti rwaibva kupi.” Jesu akati kwavari, “Kana neniwo handikutaurirei kuti ndinoita izvi nesimba raani.” Akatanga kutaurira vanhu muenzaniso uyu achiti, “Mumwe munhu akarima munda wamagirepisi akaupa kuna vamwe vanhu vokuushandisa vachimubhadhara ndokuenda kune imwe nyika kwenguva ndefu. Nguva payakasvika, akatuma muranda kuna vaya vaishandisa munda wake kuti vamupewo mimwe michero womunda wamagirepisi, asi vaishandisa munda vaya vakamurova vakamuendesa asina chaanacho. Akatumira mumwe muranda; naiyewo vakamurova vakamuitira zvinonyadzisa uye vakamuendesa asina chaanacho. Akatumirazve wechitatu. Uyu vakamukuvadza vakamukanda kunze. Muridzi womunda akati, ‘Ndoita sei? Ndichatumira mwanakomana wangu wapamwoyo zvimwe vangamuremekedze.’ Asi vaya vaishandisa munda pavakamuona vakataurirana pachavo vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye kuti nhaka ive yedu.’ Vakamukanda kunze kwomunda wamagirepisi vakamuuraya. Muridzi womunda achaitei kwavari? Achauya agoparadza vaya vokushandisa munda vaya achizopa munda wamagirepisi uya kuna vamwe.” Pavakanzwa izvi vakati, “Hazvidi kudaro.” Jesu akavatarisa akati, “Ko izvi zvakanyorwa zvinorevei zvinoti, “ ‘Dombo rakarambwa navavaki iroro ndiro rakava dombo rakakoshesesa rapakona.’ “Munhu wose anowira padombo iroro anobva adanzurwa danzurwa. Asi rikawira munhu rinomupwanya.” Nyanzvi dzomutemo navapristi vakuru vakaedza kumubata panguva iyoyo asi vakatya vanhu nokuti vakanga vazviona kuti akanga ataura muenzaniso uyu akananga ivo. Saizvozvo vainyatsomutarisisa. Vakatumira vasori vaiita sevakatendeka vachiitira kuti vamubate pakutaura kwake kuti vamuturire kuvakuru vakuru nomumaoko agavhuna. Vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvazviri uye hamusaruri asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri pachokwadi. Zviri pamutemo here kubvisa mutero kuna Siza kana kuti kwete?” Asi iye akaona unyengedzi hwavo akati kwavari, “Ndiratidzei mari chena imwechete yemadhenari. Ine mufananidzo norunyoro rwaani?” Vakati, “NdezvaSiza.” Iye akati kwavari, “Nezvo ipai kuna Siza zvaSiza mupewo kuna Mwari zvaMwari.” Havana kugona kumubata pane vanhu mune zvaakataura. Vakangoshamiswa nemhinduro yake vakanyarara. Kwakauya kwaari vaSadhusei, vaya vanoti hapana zvokumuka kwavakafa. Vakabvunza Jesu mubvunzo vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa iye ane mudzimai asi pasina vana, munun'una wake anofanira kutora mudzimai agoberekera mukoma wake vana.’ Zvino, paiva navanhu vaiva mukomanomunun'una vanomwe. Wokutanga akaroora mudzimai akafa asina vana. Wechipiri newechitatu vakamutorawo, ndizvo zvimwechete navose vari vanomwe, havana kusiya vana. Mushure macho, mudzimai uya akazofawo. Ko zvino pakumuka kwavakafa achava mudzimai waani nokuti vose vari vanomwe akava mudzimai wavo?” Jesu akati kwavari, “Vanhu varizvino vanoroora uye vanoroorwa. Asi avo vanokodzera kusvika mune ramangwana uye pakumuka kwavakafa, havazoroori kana kuroorwa nokuti havachafazve pamusana pokuti vanenge vaita savatumwa uye vanenge vava vana vaMwari uye vanenge vava vanhu vokumuka kuvafi. Asi zvokuti vakafa vanomutswa, kunyange Mosesi akazviratidza mundima iya yegwenzi raipfuta moto maanoti Tenzi ndiMwari waAbhurahamu naMwari waIsaki naMwari waJakobho. Zvino haasi Mwari wavakafa asi Mwari wavapenyu nokuti kwaari vose vapenyu.” Dzimwe nyanzvi dzomutemo dzakapindura dzichiti, “Mudzidzisi mataura zvakanaka.” Havana kuzoita chivindi chokumubvunza mumwe mubvunzo. Jesu akati kwavari, “Nhai imi, ko vanhu vanoti, ‘Kristu Mwanakomana waDhavhidhi seiko?’ Inga iye Dhavhidhi pachake mubhuku renziyo anoti, “ ‘Tenzi akati kuna Tenzi wangu, Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita mhandu dzako chitambarariko chetsoka dzako.’ ” Dhavhidhi anomuti, “Tenzi saizvozvi, ko anogova mwana wake sei?” Jesu akataurira vadzidzi vake, vanhu vose vachinzwa. Akati, “Ngwarirai nyanzvi dzomutemo, vanhu vanoda kufamba vakapfeka magemenzi marefu, vanoda kukwaziswa pamisika nokuwana zvigaro zvakanaka mumasinagogu nenzvimbo dzapamusoro dzavakuru vakuru pamabiko. Vanodya twemba dzechirikadzi; uye vanoita minamato mirefu yokungobata zvavo vanhu kumeso. Vachatemerwa chirango chakaremesa.”
Ruka 20:1-47 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino panerimŋe ramazuʋa iwayo, acidzidzisa ʋanhu mutembere, aciʋaparidzira Evaŋgeri, ʋaprista ʋakuru naʋanyori naʋakuru ʋakaȿika, ʋakataura, ʋakati kwaari: Tiʋudzei, kuti munoita ɀinhu iɀi nesimba ripi, kana ndianiko wakakupai simba iri? Akapindura, akati kwaʋari: Neni ndicakubvunzai ʋo shoko; ndiʋudzei: Rubapatidzo rwaJohane rwakabva kuɗeŋga kana kuʋanhu here? Ʋakataurirana pakati paʋo, ʋaciti: Kana tikati, Kuɗeŋga, ucati: Makagoregerei kumutenda? Asi kana tikati, Kuʋanhu, ʋanhu ʋose ʋacatitaka namabge; nokuti iʋo ʋanotenda kuti Johane waiʋa muprofita. Ʋakapindura, ʋaciti hatiziʋi kwarwakabva. Ɀino Jesu akati kwaʋari: Neni ʋo handiŋgakuʋudziyi simba randinoita naro ɀinhu iɀi. Ɀino wakataŋga kuʋudza ʋanhu mufananidzo uyu: Mumŋe munhu wakaŋga asima munda wemizambiriŋga; akaupa ʋarimi, akandogara kumŋe ŋguʋa refu. Neŋguʋa yeɀiɓereko akatuma muranda kuʋarimi, kuti ʋamupe ɀiɓereko ɀomunda wemizambiriŋga; asi ʋarimi ʋakamuroʋa, ʋakamudzosa asina. Akatuma ɀe mumŋe muranda; naiye ʋo ʋakamuroʋa, ʋakamunyadzisa, ʋakamudzosa asina. Akatuma ɀe wecitatu; naiye ʋakamukuʋadza, ʋakamuɓuɗisa kunze. Ɀino mŋene womunda wemizambiriŋga akati: Ndicaiteiko? Ndicatuma mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, ɀimŋe ʋacamukudza iye. Asi ʋarimi ʋakati ʋacimuʋona, ʋakaraŋgana, ʋakati: Uyu ndiye mugari wenhaka; ŋgatimuʋuraye, nhaka igoʋa yeɗu. Ʋakamuɓuɗisa kunze kwomunda wemizambiriŋga, ʋakamuʋuraya. Ɀino, mŋene womunda wemizambiriŋga ucaʋaiteiko? Ucaʋuya, akaparadza ʋarimi iʋaʋa; munda wemizambiriŋga akaupa ʋamŋe. Ɀino ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakati: Haiȿa! Wakati aʋatarisisa, akati: Ɀino cinyiko ico cakanyorwa, cinoti: Ibge rakarashwa naʋaʋaki, Ndiro rakazoʋa musoro wekona? Mumŋe nomumŋe unowira pamsoro pebge iro, ucavunikanya; asi ricaparadza warinowira. Ɀino ʋanyori naʋaprista ʋakuru ʋakatȿaka neŋguʋa iyo kumuɓata, asi ʋakatya ʋanhu; nokuti ʋakaziʋa kuti wakaʋareʋa iʋo nomufananidzo uyo. Ʋakamucerekedza, ʋakatuma ʋashori, ʋakaɀiita saʋanhu ʋakarurama, kuti ʋamuɓate pakutaura kwake, ʋamuise kuʋushe nesimba romutoŋgi. Ʋakamubvunza, ʋaciti: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti munotaura nokudzidzisa ɀakarurama, musiŋgatendi ɀinoʋonekwa ɀomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi. Ko ɀino takatenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete? Asi iye aciziʋa kunyeŋgera kwaʋo, akati kwaʋari: Ndiratidzei denari. Rinomufananidzo norunyoro rwaniko? Ʋakati: ⱿaKesari. Ipapo akati kwaʋari: Naiɀoɀo ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari. Ʋakakoniwa kumuɓata pakutaura kwake pamberi paʋanhu; ʋakashamiswa nokupindura kwake, ndokunyarara. Ɀino ʋamŋe ʋaSaduse, iʋo ʋanoramba kumuka kwaʋakafa ʋaciti hakuna, ʋakaʋuya kwaari, ʋakamubvunza, ʋaciti: Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa, anomukadzi, asi iye asinaʋana, munuŋuna wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake ʋana. Ɀino, kwakaŋga kunaʋanakomana ʋomunhu mumŋe ʋanomŋe; weɗaŋgwe akatora mukadzi, akafa asinaʋana; nowecipiri; nowecitatu akamutora; nokuɗaro naʋanomŋe ʋose, ʋakasasiya ʋana, ʋakafa. Pashure mukadzi akafa ʋo. Ɀino pakumuka ucaʋa mukadzi waniko kwaʋari? Nokuti wakaŋga ari mukadzi waʋose ʋanomŋe. Jesu akati kwaʋari: Ʋanakomana ʋenyika ino ʋanowana, ʋuye ʋanowaniswa; asi aʋo ʋacanzi naMŋari ʋakafanira kuwana nyika iyo nokumuka kwaʋakafa, haʋawani, ʋuye haʋawaniswi. Nokuti haʋazofi ɀe; nokuti ʋacaenzana naʋatumŋa; ʋaʋa ʋanakomana ʋaMŋari ɀaʋari ʋanakomana ʋokumuka. Naiye Mosesi ʋo wakaratidza pashoko reGwenzi kuti ʋakafa ʋanomutswa ɀe, paakati Ishe ndiye Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo. Ɀino Mŋari haazi Mŋari waʋakafa, asi waʋapenyu; nokuti ʋose ʋapenyu kwaari. Ipapo ʋamŋe ʋanyori ʋakamupindura, ʋakati: Mudzidzisi, mataura ɀakanaka. Nokuti ʋakaŋga ʋacitya kuzomubvunza cinhu. Ɀino akati kwaʋari: Ʋanoreʋa seiko kuti Kristu ndiye Mŋanakomana waDavidi? Nokuti Davidi wakareʋa amene mubuku yaMapisarema, aciti: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu, Kuȿikira ndaisa ʋaʋeŋgi ʋako ʋaʋe citsiko cetsoka dzako. Naiɀoɀo, Davidi unomuidza Ishe, ɀino uŋgagoʋa Mŋanakomana wake seiko? Ɀino akati kuʋadzidzi ʋake, ʋanhu ʋose ʋaciɀinzwa: Cenjerai ʋanyori, ʋanoɗa kufamba neŋguʋo refu, ʋacifarira kukwaziswa paɗare, neɀigaro ɀapamberi mumasinagoge, noʋugaro bgapamberi pamitambo; ʋanoparadza dzimba dzecirikadzi, ʋaciita mano‐mano eminyeŋgetero mirefu; iʋaʋo ʋacatoŋgerwa ɀakaipa ɀinopfuʋurisa.
Ruka 20:1-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)