Ruka 2:9-11
Ruka 2:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mutumwa waShe akazviratidza kwavari, uye kubwinya kwaJehovha kwakavakomberedza, uye vakatya kwazvo. Asi mutumwa akati kwavari, “Musatya. Ndauya nenhau dzakanaka dzomufaro mukuru uchava wavanhu vose. Nhasi muguta raDhavhidhi mazvarwa Muponesi; ndiye Kristu Ishe.
Ruka 2:9-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mutumwa waIshe akamira navo, nokubwinya kwaIshe kukavakomba, vakatya nokutya kukuru. Ipapo mutumwa akati kwavari, “Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, uchava wavanhu vose; nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe.
Ruka 2:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino mutumwa waTenzi akazviratidza kwavari. Kupenya kwaTenzi kukavakomberedza vakabva vabatwa nokutya kukuru. Asi mutumwa akati kwavari, “Regai henyu kutya nokuti ndakuunzirai shoko rakanaka rorufaro rukuru ruchava rwavanhu vose. Nokuti nhasi uno, muguta raDhavhidhi, mazvarirwa Muponesi, ndiye Kristu Tenzi.
Ruka 2:9-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mutumŋa waShe akamira naʋo, nokubginya kwaShe kukaʋakomba, ʋakatya nokutya kukuru. Ipapo mutumŋa akati kwaʋari: Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, ucaʋa waʋanhu ʋose; nokuti nhasi maɀarirwa muguta raDavidi Muponesi, ndiye Kristu Ishe.
Ruka 2:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)