Ruka 2:8-13
Ruka 2:8-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye kwakanga kuna vafudzi vakanga vachigara kumafuro aiva pedyo naikoko, vachichengeta makwai avo usiku. Mutumwa waShe akazviratidza kwavari, uye kubwinya kwaJehovha kwakavakomberedza, uye vakatya kwazvo. Asi mutumwa akati kwavari, “Musatya. Ndauya nenhau dzakanaka dzomufaro mukuru uchava wavanhu vose. Nhasi muguta raDhavhidhi mazvarwa Muponesi; ndiye Kristu Ishe. Ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri: Muchawana mwana akaputirwa nemicheka uye avete muchidyiro chezvipfuwo.” Pakarepo hondo huru yokudenga yakaonekwa pamwe chete nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti
Ruka 2:8-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kwakanga kuna vafudzi munyika iyo, vaigara kuhuragu vachirinda mapoka avo usiku. Mutumwa waIshe akamira navo, nokubwinya kwaIshe kukavakomba, vakatya nokutya kukuru. Ipapo mutumwa akati kwavari, “Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, uchava wavanhu vose; nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe. Ichi ndicho chiratidzo kwamuri, muchandowana mwana mucheche, akaputirwa nemicheka, avete muchidyiro chezvipfuwo.” Ipapo kamwe-kamwe kukavapo pamwechete nomutumwa, vazhinji vehondo yokudenga, vachirumbidza Mwari, vachiti
Ruka 2:8-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mudunhu iroro makanga muina vafudzi kumafuro vairindira zvipfuwo zvavo usiku. Zvino mutumwa waTenzi akazviratidza kwavari. Kupenya kwaTenzi kukavakomberedza vakabva vabatwa nokutya kukuru. Asi mutumwa akati kwavari, “Regai henyu kutya nokuti ndakuunzirai shoko rakanaka rorufaro rukuru ruchava rwavanhu vose. Nokuti nhasi uno, muguta raDhavhidhi, mazvarirwa Muponesi, ndiye Kristu Tenzi. Chiratidzo chamuchamuziva nacho ndechichi chokuti muchandowana mucheche akaputirwa namachira akaradzikwa muchidyiro chezvipfuwo.” Pakarepo boka guru rehondo yedenga rakamira pamwe nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti
Ruka 2:8-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kwakaŋga kunaʋafudzi munyika iyo, ʋaigara kuʋuragu ʋacirinda mapoka aʋo ʋusiku. Mutumŋa waShe akamira naʋo, nokubginya kwaShe kukaʋakomba, ʋakatya nokutya kukuru. Ipapo mutumŋa akati kwaʋari: Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, ucaʋa waʋanhu ʋose; nokuti nhasi maɀarirwa muguta raDavidi Muponesi, ndiye Kristu Ishe. Ici ndico ciratidzo kwamuri: Mucandowana rushiye, rwakaputirwa nemiceka, ruʋete mucidyiro ceɀipfuwo. Ipapo kamŋe‐kamŋe kukaʋa’po pamŋe cete nomutumŋa, ʋazhinji ʋehondo yokuɗeŋga, ʋacirumbidza Mŋari, ʋaciti
Ruka 2:8-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)