Ruka 2:6-12
Ruka 2:6-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati varipo, mazuva okusununguka kwake akasvika; akasununguka dangwe rake mwanakomana, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti vakashaiwa nzvimbo mumba mavaeni. Zvino kwakanga kuna vafudzi munyika iyo, vaigara kuhuragu vachirinda mapoka avo usiku. Mutumwa waIshe akamira navo, nokubwinya kwaIshe kukavakomba, vakatya nokutya kukuru. Ipapo mutumwa akati kwavari, “Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, uchava wavanhu vose; nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe. Ichi ndicho chiratidzo kwamuri, muchandowana mwana mucheche, akaputirwa nemicheka, avete muchidyiro chezvipfuwo.”
Ruka 2:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vachiri ikoko, nguva yokuzvarwa kwomwana yakasvika, akazvara dangwe rake, mwanakomana. Akamuputira nemicheka akamuisa muchidyiro chezvipfuwo, nokuti muimba yavaeni makanga musisina nzvimbo yavo. Uye kwakanga kuna vafudzi vakanga vachigara kumafuro aiva pedyo naikoko, vachichengeta makwai avo usiku. Mutumwa waShe akazviratidza kwavari, uye kubwinya kwaJehovha kwakavakomberedza, uye vakatya kwazvo. Asi mutumwa akati kwavari, “Musatya. Ndauya nenhau dzakanaka dzomufaro mukuru uchava wavanhu vose. Nhasi muguta raDhavhidhi mazvarwa Muponesi; ndiye Kristu Ishe. Ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri: Muchawana mwana akaputirwa nemicheka uye avete muchidyiro chezvipfuwo.”
Ruka 2:6-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati varipo, mazuva okusununguka kwake akasvika; akasununguka dangwe rake mwanakomana, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti vakashaiwa nzvimbo mumba mavaeni. Zvino kwakanga kuna vafudzi munyika iyo, vaigara kuhuragu vachirinda mapoka avo usiku. Mutumwa waIshe akamira navo, nokubwinya kwaIshe kukavakomba, vakatya nokutya kukuru. Ipapo mutumwa akati kwavari, “Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, uchava wavanhu vose; nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe. Ichi ndicho chiratidzo kwamuri, muchandowana mwana mucheche, akaputirwa nemicheka, avete muchidyiro chezvipfuwo.”
Ruka 2:6-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vachiri ikoko, mazuva ake okuti asununguke akakwana. Akasununguka dangwe rake, romwana mukomana waakaputira namachira ndokumuradzika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti vakanga vashaya nzvimbo muimba yavaeni. Mudunhu iroro makanga muina vafudzi kumafuro vairindira zvipfuwo zvavo usiku. Zvino mutumwa waTenzi akazviratidza kwavari. Kupenya kwaTenzi kukavakomberedza vakabva vabatwa nokutya kukuru. Asi mutumwa akati kwavari, “Regai henyu kutya nokuti ndakuunzirai shoko rakanaka rorufaro rukuru ruchava rwavanhu vose. Nokuti nhasi uno, muguta raDhavhidhi, mazvarirwa Muponesi, ndiye Kristu Tenzi. Chiratidzo chamuchamuziva nacho ndechichi chokuti muchandowana mucheche akaputirwa namachira akaradzikwa muchidyiro chezvipfuwo.”
Ruka 2:6-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋari’po, mazuʋa okuɀara kwake akaȿika; akaɀara ɗaŋgwe rake mŋanakomana, akamuputira nemiceka, akamuʋanzarika mucidyiro ceɀipfuwo, nokuti ʋakashaiwa nɀimbo mumba maʋaeni. Ɀino kwakaŋga kunaʋafudzi munyika iyo, ʋaigara kuʋuragu ʋacirinda mapoka aʋo ʋusiku. Mutumŋa waShe akamira naʋo, nokubginya kwaShe kukaʋakomba, ʋakatya nokutya kukuru. Ipapo mutumŋa akati kwaʋari: Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, ucaʋa waʋanhu ʋose; nokuti nhasi maɀarirwa muguta raDavidi Muponesi, ndiye Kristu Ishe. Ici ndico ciratidzo kwamuri: Mucandowana rushiye, rwakaputirwa nemiceka, ruʋete mucidyiro ceɀipfuwo.
Ruka 2:6-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)