Ruka 2:46-50
Ruka 2:46-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure mamazuva matatu vakamuwana ari mutemberi, akagara pakati pavadzidzisi achivateerera uye achivabvunza mibvunzo. Mumwe nomumwe akamunzwa akashamiswa nokunzwisisa kwake uye nemhinduro dzake. Vabereki vake vakati vamuwana, vakashamiswa kwazvo. Mai vake vakati kwaari, “Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Baba vako neni tanga tichikutsvaka kwazvo.” Iye akati, “Manga muchinditsvakireiko? Manga musingazivi here kuti ndaifanira kunge ndiri mumba mababa vangu?” Asi havana kunzwisisa zvaaireva kwavari.
Ruka 2:46-50 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazuva matatu akati apfuura, vakamuwana ari mutemberi, agere pakati pavadzidzisi achiteerera nokuvabvunza. Vose vakanga vachimunzwa, vakashamiswa nokuziva kwake uye nokupindura kwake. Zvino vakati vamuona, vakakatyamara; mai vake vakati kwaari, “Mwana, watiitireiko zvakadai? Tarira, baba vako neni takakutsvaka tichichema.” Akati kwavari, “Makanga muchinditsvakireiko? Makanga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?” Vakasanzwisisa shoko raakavaudza.
Ruka 2:46-50 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nezuva rechitatu vakazomuwana ari muTemberi agere pakati pavadzidzisi achiteerera zvavaitaura achivabvunzawo mibvunzo. Vose vakamunzwa vakashamiswa nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake. Vabereki vake, pavakamuona vakashamiswa kwazvo. Ipapo amai vake vakati, “Nhai mwanangu, wakaitireiko zvinhu zvakadai kwatiri? Tarisa uone Baba vako neni takatambudzika kwazvo tichikutsvaka.” Iye akavapindura achiti, “Chakaita kuti munditsvake kumwe kwese chii? Makanga musingazive here kuti ndinofanira kuva muimba yaBaba vangu?” Asi ivo havana kunzwisisa zvaakavataurira.
Ruka 2:46-50 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa matatu akati apfuʋura, ʋakamuwana ari mutembere, agere pakati paʋadzidzisi aciterera nokuʋabvunza. Ʋose ʋakaŋga ʋacimunzwa, ʋakashamiswa nokuziʋa kwake ʋuye nokupindura kwake. Ɀino ʋakati ʋamuʋona, ʋakakatyamara; mai ʋake ʋakati kwaari: Mŋana, watiitireiko ɀakaɗai? Tarira, ɓaɓa ʋako neni takakutȿaka ticicema. Akati kwaʋari: Makaŋga mucinditȿakireiko? Makaŋga musiŋgaziʋi kuti ndinofanira kuʋa paɀinhu ɀaƂaɓa ʋaŋgu here? Ʋakasanzwisisa shoko raakaʋaʋudza.
Ruka 2:46-50 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)