Ruka 2:22-24
Ruka 2:22-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nguva yokuzvinatsa kwavo maererano noMurayiro waMozisi yakati yakwana, Josefa naMaria vakaenda naye kuJerusarema kundomukumikidza kuna She sezvazvakanyorwa muMurayiro waShe, kuti “Mwanakomana wose wedangwe anofanira kutsaurirwa Ishe,” uye kuti vabayire chibayiro maererano nezvinorehwa muMurayiro waShe zvichinzi: “njiva mbiri kana hangaiwa duku mbiri.”
Ruka 2:22-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mazuva okuzvinatsa kwavo nomurayiro waMosesi akati apera, vakaenda naye Jerusaremu, kuti vamuise pamberi paIshe; sezvazvakanyorwa pamurayiro waIshe, zvichinzi, “Mwanarume mumwe nomumwe anotanga kuzarura chizvaro, achanzi mutsvene waIshe,” uye kubayira chibayiro; sezvazvakarehwa pamurayiro waIshe, zvinoti, njiva mbiri, kana hangaiwa mbiri duku.
Ruka 2:22-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti nguva yokuchenurwa kwavo yakwana, vakakwira nomwana kuJerusaremu kundomusuma kuna Tenzi sezvaidikanwa nomutemo waMosesi. Sezvazvakanyorwa muMutemo waTenzi kuti, “Dangwe rose rechikomana rinotanga kubuda mudumbu raamai varo richanzi rakaturirwa Tenzi.” Vakaendawo kundopira mupiro wechibayiro chenjiva mbiri kana hangaiwa mbiri diki sokurehwa kwazvakaitwa nomutemo waTenzi.
Ruka 2:22-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mazuʋa okuɀinatsa kwaʋo nomurairo waMosesi akati apera, ʋakaenda naye Jerusarema, kuti ʋamuise pamberi paShe; (seɀaɀakanyorwa pamurairo waShe, ɀicinzi: Mŋanarume mumŋe nomumŋe unotaŋga kuzarura ciɀaro, ucanzi mutȿene waShe), ʋuye kuɓayira ciɓayiro; seɀaɀakarebga pamurairo waShe, ɀinoti, njiʋa mbiri, kana haŋgaiʋa mbiri ɗuku.
Ruka 2:22-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)