Ruka 2:21-24
Ruka 2:21-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pazuva rorusere, nguva yokudzingiswa kwake yasvika, akatumidzwa zita rokuti Jesu, zita raakanga apiwa nomutumwa asati aumbwa mudumbu. Nguva yokuzvinatsa kwavo maererano noMurayiro waMozisi yakati yakwana, Josefa naMaria vakaenda naye kuJerusarema kundomukumikidza kuna She sezvazvakanyorwa muMurayiro waShe, kuti “Mwanakomana wose wedangwe anofanira kutsaurirwa Ishe,” uye kuti vabayire chibayiro maererano nezvinorehwa muMurayiro waShe zvichinzi: “njiva mbiri kana hangaiwa duku mbiri.”
Ruka 2:21-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazuva masere akati apfuura, musi wokudzingiswa wasvika, vakatumidza zita rake Jesu, iro raakanga atumidzwa nomutumwa, asati agamuchirwa mudumbu ramai. Zvino mazuva okuzvinatsa kwavo nomurayiro waMosesi akati apera, vakaenda naye Jerusaremu, kuti vamuise pamberi paIshe; sezvazvakanyorwa pamurayiro waIshe, zvichinzi, “Mwanarume mumwe nomumwe anotanga kuzarura chizvaro, achanzi mutsvene waIshe,” uye kubayira chibayiro; sezvazvakarehwa pamurayiro waIshe, zvinoti, njiva mbiri, kana hangaiwa mbiri duku.
Ruka 2:21-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure memazuva masere, pakadzingiswa mwana, akatumidzwa zita rokuti Jesu, ndiro zita riya raakapiwa nomutumwa, amai vake vasati vava napamuviri pake. Kuzoti nguva yokuchenurwa kwavo yakwana, vakakwira nomwana kuJerusaremu kundomusuma kuna Tenzi sezvaidikanwa nomutemo waMosesi. Sezvazvakanyorwa muMutemo waTenzi kuti, “Dangwe rose rechikomana rinotanga kubuda mudumbu raamai varo richanzi rakaturirwa Tenzi.” Vakaendawo kundopira mupiro wechibayiro chenjiva mbiri kana hangaiwa mbiri diki sokurehwa kwazvakaitwa nomutemo waTenzi.
Ruka 2:21-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa masere akati apfuʋura, musi wokudziŋgiswa waȿika, ʋakatumidza zita rake Jesu, iro raakaŋga atumidzwa nomutumŋa, asati agamucirwa muɗumbu ramai. Ɀino mazuʋa okuɀinatsa kwaʋo nomurairo waMosesi akati apera, ʋakaenda naye Jerusarema, kuti ʋamuise pamberi paShe; (seɀaɀakanyorwa pamurairo waShe, ɀicinzi: Mŋanarume mumŋe nomumŋe unotaŋga kuzarura ciɀaro, ucanzi mutȿene waShe), ʋuye kuɓayira ciɓayiro; seɀaɀakarebga pamurairo waShe, ɀinoti, njiʋa mbiri, kana haŋgaiʋa mbiri ɗuku.
Ruka 2:21-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)